Enda pane zvauri kuda

Jehovha Ndiye Chete Mwari Wechokwadi

Rimwe zuva, makore angasvika 900 Jesu asati auya panyika pano, pane chiitiko chakaratidza kukurirwa kwezvakaipa nezvakanaka. Eriya akanga akakombwa nevanhu vakanga vasingatendi muna Jehovha, mambo wavo aivafurira, uye vapristi vaiuraya vanhu, asi akanga aine aimutsigirawo. Dzidza kuti Jehovha akazviratidza sei kuti ndiye Mwari wechokwadi chete uye kuti ari kuramba achizviratidza sei mazuva ano.

Kubva pana 1 Madzimambo 16:29-33; 1 Madzimambo 17:1-7; 1 Madzimambo 18:17-46; uye 1 Madzimambo 19:1-8.