Enda pane zvauri kuda

Zvinodzidziswa neBhaibheri

Bhaibheri rinopa mazano akanakisisa nezvemibvunzo yakaoma zvikuru muupenyu. Kubvira kare-kare kusvika iye zvino kushanda kunoita Bhaibheri kuri kuoneka. Muchikamu chino, uchaona zvikonzero zvinoita kuti uvimbe neBhaibheri, urinzwisise, uye unyatsobatsirwa naro.​—2 Timoti 3:16, 17.

Zviri Mudariro

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Vakadzi Vanotaurwa muBhaibheri—Tingadzidzei Kwavari?

Verenga nezvezvakanaka zvakaitwa uye zvakaipa zvakaitwa nevamwe vakadzi vanotaurwa muBhaibheri.

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Vakadzi Vanotaurwa muBhaibheri—Tingadzidzei Kwavari?

Verenga nezvezvakanaka zvakaitwa uye zvakaipa zvakaitwa nevamwe vakadzi vanotaurwa muBhaibheri.

Dzidziswa Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha

Imboedza Kuita Kosi yeBhaibheri

Dzidza Bhaibheri uchibatsirwa nemumwe munhu.

Kumbira Kushanyirwa

Unogona kukurukura nesu kana uine mubvunzo wauinawo une chekuita neBhaibheri kana kuti kana paine zvaunoda kuziva nezveZvapupu zvaJehovha.

Zvekushandisa Pakudzidza Bhaibheri

Sarudza zvekushandisa pakudzidza Bhaibheri zvaunoda kuti unakidzwe nekudzidza kwacho.

Bhaibheri Ringakubatsira Sei?

Rugare Uye Mufaro

Bhaibheri riri kubatsira vakawanda kuti vave nechinangwa muupenyu uye rugare rwepfungwa.

Kutenda Muna Mwari

Kutenda kunoita kuti urambe wakadzikama uye uve netariro yechokwadi yeramangwana.

Wanano Uye Mhuri

Varume nemadzimai avo vanosangana nematambudziko akawanda. Mazano emuBhaibheri anovandudza mhuri uye anoita kuti muwirirane.

Mazano Okubatsira Vari Kuyaruka

Tarisa uone kuti Bhaibheri rinobatsira sei vari kuyaruka kukunda matambudziko avanosangana nawo.

Mavhidhiyo Uye Mabasa Ekuita Evana

Shandisa mabasa aya ekuita anonakidza anodzidzisa zvemuBhaibheri kuti ubatsire mwana wako kuziva tsika dzakanaka dzinodiwa naMwari.

Bhaibheri Rinotii?

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Inzwa mhinduro dzeBhaibheri pamibvunzo ine chokuita naMwari, Jesu, mhuri, kutambura uye nezvimwewo.

Kutsanangurwa Kwemavhesi

Batsirwa kunzwisisa zvinorehwa nemavhesi uye mashoko emuBhaibheri anofarirwa nevanhu vakawanda.

Nhoroondo Dzekare Uye Bhaibheri

Verenga nhoroondo inoratidza kuti Bhaibheri rakasvika sei kwatiri. Ona kuti nei richinzi rinotaura chokwadi uye kuti nei tichifanira kuvimba naro.

Sainzi neBhaibheri

Zvinotaurwa nesainzi uye neBhaibheri zvinopindirana here? Tinowana mhinduro kana tikaenzanisa zvinotaurwa Bhaibheri uye zviri kuwanikwa nevanoona nezvesainzi.