Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHOKO OKUWEDZERA

1914—Gore Rinokosha Muuprofita hweBhaibheri

1914—Gore Rinokosha Muuprofita hweBhaibheri

KUCHINE makumi emakore, vadzidzi veBhaibheri vakazivisa kuti muna 1914 maizova nezviitiko zvinokosha. Izvozvi zvaiva chii, uye uchapupu hupi hunoratidza 1914 kuva gore rinokosha zvakadaro?

Sezvakanyorwa pana Ruka 21:24, Jesu akati: “Jerusarema richatsikwa-tsikwa nemamwe marudzi, kusvikira nguva dzakatarwa dzemamwe marudzi [“nguva dzavahedheni,” Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona] dzakwana.” Jerusarema raimbova riri guta guru rorudzi rwechiJudha—maiva nechigaro chokutonga chemadzimambo aitevedzana eimba yaMambo Dhavhidhi. (Pisarema 48:1, 2) Zvisinei, madzimambo aya akanga akasiyana nevamwe vatungamiriri venyika. Iwo aigara pa“chigaro choumambo chaJehovha” sevamiririri vaMwari pachake. (1 Makoronike 29:23) Saka, Jerusarema rakanga riri chiratidzo chokutonga kwaJehovha.

Zvisinei, kutonga kwaMwari kwaizotanga ku“tsikwa-tsikwa nemamwe marudzi” sei uye rini? Izvi zvakaitika muna 607 B.C.E. Jerusarema parakakundwa nevaBhabhironi. Hapana akava pa“chigaro choumambo chaJehovha,” uye madzimambo aitevedzana akabva kuna Dhavhidhi akambomiswa. (2 Madzimambo 25:1-26) ‘Kutsika-tsika’ uku kwaizopfuurira nokusingaperi here? Kwete, nokuti uprofita hwaEzekieri hwakati nezvamambo wokupedzisira weJerusarema, Zedhekiya: “Bvisa ngowani, ubvise korona. . . . Izviwo, hazvizovi zvomunhu chero upi zvake kusvikira ane kodzero yepamutemo asvika, uye ndichamupa izvozvo.” (Ezekieri 21:26, 27) Munhu wacho ane “kodzero yepamutemo” yokuwana korona yaDhavhidhi ndiKristu Jesu. (Ruka 1:32, 33) Saka ‘kutsika-tsika’ kwacho kwaizoguma Jesu paaizova Mambo.

Chiitiko ichocho chinokosha chaizoitika rini? Jesu akaratidza kuti Vemamwe Marudzi vaizotonga kwenguva yakatarwa. Nhoroondo iri muchitsauko 4 chaDhanieri ine mashoko anotibatsira kuziva kuti nguva iyoyo yaizova yakareba zvakadini. Inorondedzera hope dzouprofita dzakarotwa naMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi. Akaona muti mukuru kwazvo wakatemerwa pasi. Chigutsa chawo chaisagona kukura nokuti chakanga chakasungwa nesimbi uye ndarira. Ngirozi yakazivisa kuti: “Nguva nomwe ngadzipfuure chiripo.”—Dhanieri 4:10-16.

MuBhaibheri, dzimwe nguva miti inoshandiswa kumirira kutonga. (Ezekieri 17:22-24; 31:2-5) Saka kutemwa kwomuti wokufananidzira kunoratidza kuti kutonga kwaMwari kwaiitwa pachishandiswa madzimambo aiva muJerusarema, kwaizombomiswa. Zvisinei, zvakaratidzwa zvacho zvakazivisa kuti uku ‘kutsikwa-tsikwa kweJerusarema’ kwaizova kwenguva duku chete—“nguva nomwe.” Iyoyo inguva yakareba zvakadini?

Zvakazarurwa 12:6, 14 inoratidza kuti nguva nhatu nehafu dzakaenzana ne“mazuva ane chiuru nemazana maviri nemakumi matanhatu.” Saka, “nguva nomwe” dzaizova dzakareba kakapetwa kaviri, kana kuti mazuva 2 520. Asi mamwe marudzi haana kurega ‘kutsika-tsika’ kutonga kwaMwari mazuva 2 520 chete pashure pokunge Jerusarema raparara. Saka zviri pachena kuti uprofita uhwu ndohwenguva yakareba. Tichitorera pana Numeri 14:34 uye Ezekieri 4:6, anotaura nezve“zuva richiva gore,” “nguva nomwe” dzaizova makore 2 520.

Makore acho 2 520 akatanga muna October 607 B.C.E., Jerusarema parakaparadzwa nevaBhabhironi uye mambo weimba yaDhavhidhi paakabviswa pachigaro chake choumambo. Nguva yacho yakaguma muna October 1914. Panguva iyoyo, “nguva dzakatarwa dzemamwe marudzi” dzakaguma, uye Jesu Kristu akagadzwa saMambo waMwari wokudenga. *Pisarema 2:1-6; Dhanieri 7:13, 14.

Sezvakanga zvafanotaurwa naJesu, “kuvapo” kwake saMambo wokudenga kwave kuchiratidzwa nezviitiko zvenyika zvikuru—hondo, nzara, kudengenyeka kwenyika uye matenda. (Mateu 24:3-8; Ruka 21:11) Zviitiko zvakadaro zvinopa uchapupu hune simba hunoratidza kuti zvechokwadi 1914 akaratidza kuberekwa kwoUmambo hwaMwari hwokudenga uye kutanga kwe“mazuva okupedzisira” emamiriro ezvinhu akaipa aripo iye zvino.—2 Timoti 3:1-5.

^ ndima 3 Kubva muna October 607 B.C.E. kusvika pana October 1 B.C.E. pane makore 606. Sezvo pasina gore razero, kubva pana October 1 B.C.E. kusvika muna October 1914 C.E. pane makore 1 914. Kana tikasanganisa makore 606 nemakore 1 914, tinowana makore 2 520. Kuti uwane mamwe mashoko ane chokuita nokuparara kweJerusarema muna 607 B.C.E., ona nyaya inoti “Chronology” mubhuku rinonzi Insight on the Scriptures, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.