Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 7

Kudzidzisa Kwamungaita Mwana Wenyu

Kudzidzisa Kwamungaita Mwana Wenyu

“Mashoko aya andiri kukurayira nhasi anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kuaroverera mumwanakomana wako.”—Dheuteronomio 6:6, 7

Jehovha paakaita urongwa hwemhuri, akaita kuti vana vave mumaoko evabereki vavo. (VaKorose 3:20) Ibasa rako semubereki kuti udzidzise mwana wako kuda Jehovha uye kuti azova munhu anoziva zvaanofanira kuita kana akura. (2 Timoti 1:5; 3:15) Unofanirawo kuziva zviri mumwoyo memwana wako. Muenzaniso wako unokosha zvikuru. Unogona kunyatsodzidzisa mwana wako Shoko raJehovha kana iwe ukatanga waita kuti rive mumwoyo mako.—Pisarema 40:8.

1 ITA KUTI ZVIVE NYORE KUVANA VAKO KUTI VATAURE NEWE

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: ‘Kurumidza kunzwa, unonoke kutaura.’ (Jakobho 1:19) Unoda kuti vana vako vaone kuti vanogona kutaura newe vakasununguka. Vanofanira kuziva kuti wakagadzirira kuteerera pavanenge vachida kutaura. Ita kuti vanzwe vakasununguka kutaura zviri mumwoyo mavo. (Jakobho 3:18) Kana vakafunga kuti uchavataurira zvinovarwadza kana kuti uchakurumidza kufungira zvisiri izvo, vangasakubudira pachena. Iva nemwoyo murefu nevana vako, uye gara uchivavimbisa kuti unovada.—Mateu 3:17; 1 VaKorinde 8:1.

ZVAUNGAITA:

  • Ipa vana vako nguva pavanoda kutaura newe

  • Gara uchitaura nevana vako, kwete kungotaura navo chete kana paine matambudziko

2 EDZA KUNZWISISA ZVAVANONYATSOREVA

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Munhu anoratidza kuti ane njere panyaya achawana zvakanaka.” (Zvirevo 16:20) Dzimwe nguva haufaniri kungogumira pakunzwa mashoko anenge achitaurwa nevana vako kuti unzwisise manzwiro avo chaiwo. Zvakajairika kuti vechiduku vataure vachiwedzeredza kana kuti vasingabudisi zvavanenge vachinyatsoreva. “Kana munhu achipindura nyaya asati ainzwa, ihwohwo upenzi.” (Zvirevo 18:13) Usakurumidza kugumbuka.—Zvirevo 19:11.

ZVAUNGAITA:

  • Edza nepose paunogona napo kuti usadamburira kana kuviruka, pasinei nezvinotaurwa nevana vako

  • Edza kuyeuka manzwiro awaiita uye zvinhu zvawaiona sezvinokosha pawaiva pazera ravo

3 RATIDZAI KUTI MAKABATANA

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Mwanakomana wangu, teerera kuranga kwababa vako, uye usasiya mutemo waamai vako.” (Zvirevo 1:8) Jehovha akaita kuti vose baba naamai vave nesimba pavana vavo. Munofanira kudzidzisa vana venyu kuti vakuremekedzei uye vakuteererei. (VaEfeso 6:1-3) Vana vanogona kuzviona kana vabereki vavo vasina ‘kunyatsobatana mupfungwa imwe chete.’ (1 VaKorinde 1:10) Kana muine zvamusiri kuwirirana, onai kuti hamuitisani nharo vana venyu varipo nokuti izvi zvinogona kuita kuti kukuremekedzai kwavanoita sevabereki kuve kushoma.

ZVAUNGAITA:

  • Tauriranai mubvumirane kuti vana venyu muchavaranga sei

  • Kana iwe nemumwe wako muine maonero akasiyana pakudzidzisa vana venyu, edza kunzwisisa maonero ake

4 RONGAI ZVOKUITA

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Rovedza mukomana maererano nenzira yakamukodzera.” (Zvirevo 22:6) Kudzidzisa vana venyu zvinobudirira hakuitiki netsaona. Munofanira kuronga zvokuita pakudzidzisa vana venyu, zvinosanganisira kuvaranga. (Pisarema 127:4; Zvirevo 29:17) Kuranga hakungorevi kupanicha chete, asi kunobatanidzawo kubatsira vana venyu kuti vanzwisise zvikonzero zvinoita kuti pave nemitemo. (Zvirevo 28:7) Vadzidziseiwo kuti vade Shoko raJehovha uye kuti vanzwisise zvarinotaura. (Pisarema 1:2) Izvi zvichavabatsira kuti vave nehana yakanaka.—VaHebheru 5:14.

ZVAUNGAITA:

  • Ivai nechokwadi chokuti vana venyu vanoona Mwari seMunhu chaiye wavanogona kuvimba naye

  • Vabatsirei kuti vazive uye kuti vadzivise zvinhu zvakaipa, zvakadai sezviya zvinowanika paIndaneti uye pamasocial networks. Vadzidzisei kuti vangangwarira sei mabhinya

“Rovedza mukomana maererano nenzira yakamukodzera”