Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvepasi Rino

Zvepasi Rino

Gulf of Mexico

Tsaona yokurasika kweoiri yakaitika muna April 2010 yakakonzera kuti oiri yakawanda zvisingaiti uye gasi zvipinde mugungwa kwemwedzi inenge mitatu. Ongororo yakaitwa nedzimwe nyanzvi yakaratidza kuti pashure pemwedzi miviri nehafu tsaona iyi yaitika, imwe oiri nezvimwe zvinosvibisa mvura zvakanga zvanyangarika zvichinzi zvinenge zvakaparadzwa nemabhakitiriya anodya gasi rinonzi methane. Asi dzimwewo nyanzvi hadzina chokwadi nazvo. Dzinofunga kuti oiri yakawanda yakanyura pasi pasi pevhu.

Russia

Maererano neimwe ongororo, zvinonzi pavanhu 100 voga voga vokuRussia, 59 vacho vari pakati pemakore 18 kusvika ku35 vanofunga kuti “kuti munhu unzi wabudirira muupenyu, dzimwe nguva unofanira kumbosendeka tsika dzakanaka,” rinodaro pepanhau reRossiiskaya Gazeta.

Peru

Mamwe maguri echibage ekare-kare akawanikwa anoratidza kuti vanhu vaigara kuchamhembe kwePeru vaigadzira mapopukoni uye furawa makore anenge 3 000 apfuura.

Italy

Lucio Soravito De Franceschi, Bhishopu weRoma wokuAdria-Rovigo, anoti shoko rechitendero rinofanira kusvitswa kumunhu muchitaurirana “chiso nechiso.” “Basa redu sanamufundisi harifaniri kungogumira pakuridza mabhero echechi asi kugogodzawo padzimba dzevanhu,” anodaro.

South Africa

Vanotengesa nyanga dzezvipembere zvisiri pamutemo vachiti nyanga idzi dzinorapa, vakakwidza mitengo kusvika kuUS$65 000 pakg. Muna 2011, kuSouth Africa chete, zvinonzi zvipembere 448 zvakaurayiwa nevanhu zviri kunze kwemutemo. KuEurope kune matsotsi anopaza mumamiziyamu nedzimwe nzvimbo dzinotengeswa zvinhu achida kuba nyanga idzi. Kunyange zvipembere zviri munzvimbo dzinochengetwa mhuka kuEurope, zviri kutyirwa kuti zvingangotsakatiswa.