Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA

Zvaungaita Kuti Uve Baba Vakanaka

Zvaungaita Kuti Uve Baba Vakanaka

“Pane here chandisina kuita?” Uyu mubvunzo unogara uchinetsa murume anonzi Michael, * wokuSouth Africa. Pasinei nezvose zvaaiita kuti arere mwana wake zvakanaka, nguva dzose dzaanofunga nezvemwanakomana wake akapanduka uyo ane makore 19, anozvibvunza kuti pane zvimwe here zvaaifanira kuita kuti ave mubereki akanaka.

Asi murume anonzi Terry uyo anogara kuSpain, anoratidza kuti akabudirira pakurera mwanakomana wake. Mwanakomana wake Andrew, anoti: “Zvizhinji zvandichiri kuyeuka nezvababa vangu, mazuva avaindiverengera mabhuku, avaitamba neni uye avaienda neni kune dzimwe nzvimbo tiri vaviri. Vaiita kuti kudzidza kunakidze.”

Chokwadi chiripo ndechokuti kuva baba vakanaka hakusi nyore. Asi Bhaibheri rine mazano anogona kubatsira. Vanababa vakawanda vakaona kuti ivo nemhuri dzavo vakabatsirwa chaizvo pavakatevedzera mazano ari muBhaibheri. Ngatimbokurukurai mamwe emazano acho anogona kubatsira vanababa.

1. Iva Nenguva Nemhuri Yako

Sababa, zvii zvamunoita zvinoratidza kuti vana venyu vanokosha kwamuri? Zviri pachena kuti pane zvinhu zvakawanda zvamunoitira vana venyu zvakadai sekushanda nesimba kuti vawane chokudya uye pokugara pakanaka. Hamungaiti zvinhu izvi dai kuri kuti vana venyu havakoshi kwamuri. Asi kana musingapedzi nguva yakawanda nevana venyu, vanogona kupedzisira vava kuona sokuti munokoshesa zvimwe zvinhu zvakadai sebasa renyu, shamwari dzenyu kana kuti mitambo yamunofarira kudarika zvamunovaita.

Baba vanofanira kutanga riini kuva nenguva nevana vavo? Amai vanotanga kuva neukama hwakasimba nemwana wavo kubvira paanenge achiri mudumbu. Mwana ari mudumbu anotanga kunzwa, pashure pokunge pamuviri pava nemwedzi mina pabata. Panguva iyi baba ndipo pavanofanira kutanga kuita zvinhu zvinoita kuti vave noukama nemwana achiri mudumbu. Vanogona kuteerera kurova kunoita mwoyo wemwana, kukava-kava kwakanenge kachiita, kutaura naye uye kumuimbira.

Zvinotaurwa neBhaibheri: Munguva dzainyorwa Bhaibheri, vanhurume ndivo vainzi vadzidzise vana vavo. Vanababa vaikurudzirwa kuti vagare vachipedza nguva yakawanda nevana vavo, sezvinoratidzwa nemashoko ari muBhaibheri pana Dheuteronomio 6:6, 7 anoti: “Mashoko aya andiri kukurayira nhasi anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kuaroverera mumwanakomana wako uye utaure nezvawo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi nepaunomuka.”

2. Kurukura Nemhuri Yako Zvakanaka

Teerera wakadzikama usingavatsvakiri mhosva

Kuti munyatsokurukura nevana venyu munofanira kuva munhu anonyatsoteerera. Munofanira kudzidzira kuteerera musingakurumidzi kushatirwa.

Kana vana vako vachiziva kuti unokurumidza kugumbuka uye unongovatsvakira mhosva, zvichaita kuti vasanzwa vakasununguka kukuudza zviri pasi pemwoyo yavo. Asi kana ukavateerera wakadzikama, unenge uchiratidza kuti une hanya navo zvechokwadi. Vachabva vasununguka kukuudza zvavanofunga uye zviri mumwoyo yavo.

Zvinotaurwa neBhaibheri: Uchenjeri huri muBhaibheri hunoratidza kuti hunobatsira muzvinhu zvakawanda muupenyu. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti: “Munhu wose anofanira kukurumidza kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kuva nehasha.” (Jakobho 1:19) Vanababa vanoshandisa zano iri romuBhaibheri vanokwanisa kukurukura nevana vavo zvakanaka.

3. Vatsiure Nenzira Yorudo Uye Varumbidze

Kunyange zvazvo ungagumbuka, kutsiura kwaunoita kunofanira kuratidza rudo uye kuti unoda kuti mwana wako ave neramangwana rakanaka. Zvinosanganisira kupa mazano, kudzidzisa uye kuranga.

Uyewo, kutsiura kunoshanda chaizvo ndokunge kana baba vagara vari munhu anorumbidza vana nguva dzose. Chimwe chirevo chekare chinoti: “Shoko rinotaurwa panguva yaro yakakodzera rakafanana nemaapuro endarama ari mundiro dzakavezwa dzesirivha.” (Zvirevo 25:11) Kurumbidza mwana kunoita kuti akure ane unhu hwakanaka. Vana vanokura vachinzwa vaine chiremerera kana vachirumbidzwa uye vachiratidzwa kuti vanokosheswa. Baba vanotsvaka mikana yokurumbidza vachaita kuti vana vavo vakure vaine chivimbo uye zvichakurudzira vana kuti varambe vachiita zvakanaka.

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Imi vanababa, musashusha vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.”VaKorose 3:21.

4. Ida Uye Remekedza Mudzimai Wako

Mabatiro ayo baba vanoita mudzimai wavo, anoonekwa nevana. Rimwe boka revanoongorora makuriro anoita vana rinotsanangura kuti: “Chinhu chinokosha icho baba vangaitira vana vavo kuremekedza amai vevana ava. . . . Baba naamai pavanoremekedzana uye pavanoita kuti vana vazvione, zvinoita kuti vana vafare uye vanzwe vachidiwa.”—The Importance of Fathers in the Healthy Development of Children. *

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Varume, rambai muchida madzimai enyu, . . . Mumwe nomumwe wenyu ngaadewo mudzimai wake sezvaanozviita.”—VaEfeso 5:25, 33.

5. Shandisa Mazano Anobva Kuna Mwari

Vanababa vanoda Mwari nemwoyo wose vanogona kupa vana vavo nhaka inokosha, kureva kuti ukama hwepedyo naBaba vavo vokudenga.

Pashure pemakumi emakore achirera vana vake vatanhatu, Antonio, uyo ari mumwe weZvapupu zvaJehovha akagamuchira tsamba yaibva kune mumwe wevanasikana vake yaiti: “Kuna Baba, Ndinoda kukutendai chaizvo nokundirera muchindibatsira kuti ndide Jehovha Mwari, ndide muvakidzani wangu uye ndizvide uye kuti ndive munhu akanaka. Makandiratidza kuti munoda Jehovha uye mune hanya neni. Makaita henyu baba nokuisa Jehovha pakutanga muupenyu hwenyu uye nokubata vana venyu sezvipo zvinobva kuna Mwari!”

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nesimba rako rose. Mashoko aya andiri kukurayira nhasi anofanira kuva mumwoyo mako.”Dheuteronomio 6:5, 6.

Chokwadi ndechokuti kune zvakawanda zvinodiwa kuti uve baba vakanaka kunze kwokuita zvinhu zvishanu zvataurwa izvi. Asi kunyange ukaita zvose zvaungagona kuti uve baba vakanaka, hazvirevi kuti uchabva wagona zvose. Asi kushanda nesimba kwauchaita pakushandisa mazano aya nenzira yorudo kuchaita kuti uve baba vakanaka. *

^ ndima 3 Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.

^ ndima 19 Kunyange kana murume akarambana nomudzimai wake, zvinokosha kuti arambe achibata amai vevana ava zvakanaka kuitira kuti vana varemekedze amai vavo.

^ ndima 25 Kana uchida mamwe mazano nezvemhuri, ona bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, kana kuti enda paIndaneti pawww.mr1310.com pachikamu chinonzi “Mazano Okubatsira Mhuri.”