Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuona Mari Neziso Rakanaka

Kuona Mari Neziso Rakanaka

VAMWE vanotaura kuti, ‘Mari ndiyo inoita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka munyika.’ Mashoko iwayo ane chokwadi mukati. Zvinoda mari kuti munhu atenge zvekudya, awane zvekupfeka uye kuti abhadhare rendi kana kutenga imba. Mumwe anonyora nyaya dzezvemari akati, “Mari inokosha zvikuru muupenyu hwevanhu. Kana zvikanzi hatichashandisi mari zvinhu zvinoita manyama amire nerongo uye pasina mwedzi tinenge tatova muhondo.”

Asi mari ine zvimwe zvaisingakwanisi kuita. Mumwe mudetembi wekuNorway anonzi Arne Garborg akati kana une mari “unogona kutenga zvekudya, asi kwete chido chekudya; mishonga, asi kwete utano; mibhedha yeutefetefe, asi kwete hope; zivo, asi kwete uchenjeri; zvinhu zvinopenya, asi kwete runako; zvinhu zvakanaka, asi kwete ushamwari; zvinhu zvinonakidza, asi kwete mufaro; vanhu vekuzivana navo, asi kwete shamwari dzechokwadi; vashandi, asi kwete kutendeseka.”

Munhu akaramba achiona mari neziso rakanaka, achiiona sechinhu chinongomubatsira pane zvaanenge achida kuita asingaikoshese kupfuura zvinhu zvose, anosvika pakugutsikana zvikuru. Bhaibheri rinonyevera kuti “kuda mari ndiwo mudzi wezvinhu zvinokuvadza zvemarudzi ose, uye vachitevera rudo irworwo, vamwe . . . vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kuzhinji.”1 Timoti 6:10.

Ona kuti kuda mari ndiko kunokuvadza, kwete mari pachayo. Kunyanya kufunga nezvemari kunogona kuparadzanisa shamwari uye vanhu veukama. Ngationei mimwe mienzaniso.

Daniel: * “Ndaifunga kuti shamwari yangu Thomas aiva munhu akanaka uye akatendeseka. Handina kumbobvira ndakanetsana naye kusvikira paakazotenga mota yangu yandaimboshandisa. Ndaisaziva kuti mota yacho yaiva nechimwe chinhu chakanga chisina kumira zvakanaka pairi. Kunyange zvakadaro akabvuma achiita zvekunyora pasi kuti ari kutenga mota yacho sezvairi. Papera mwedzi mitatu mota yacho yakafa. Thomas akaona sekuti ainge abiridzirwa ndokuramba achiti ndimudzorere mari yake. Zvakandishamisa chaizvo! Pandakaedza kutaura naye akatanga kupopota. Patakatadza kunzwisisana panyaya yemari, ndakashaya kuti Thomas wandaiziva ari munhu kwaye akanga apindwa nei.”

Esin: “Ini naNesrim tinongova vana vaviri chete mumhuri medu. Taiwirirana zvekuti handina kumbobvira ndafunga kuti ukama hwedu hwaizokanganiswa nemari. Asi ndizvo chaizvo zvakaitika. Vabereki vedu pavakafa, vakatisiyira nhaka uye wiri yavo yaiti taifanira kugovana mari yacho nepakati. Munin’ina wangu akaramba zvaidiwa nevabereki vedu ndokuti aida mari yakawanda kupfuura yaaifanira kuwana. Nemhaka yekuti ndakasarudza kuremekedza zvainge zvarayirwa nevabereki vedu, akaviruka nehasha ndokundityisidzira. Nanhasi ane chigumbu neni.”

MARI UYE KUFUNGIRA VAMWE ZVISIRI IZVO

Kuona mari neziso risina kunaka kunoita kuti vanhu vafungire vamwe zvisiri izvo. Semuenzaniso, munhu akapfuma angafunga kuti varombo vane usimbe hwekuvandudza upenyu hwavo. Kana kuti munhu asina mari angakurumidza kufunga kuti vaya vane yakawanda vanonyanya kuda pfuma kana kuti vanokara. Leanne, musikana wechidiki anobva mumhuri yakapfuma ainetseka chaizvo nekuti ndiwo maonerwo aaiitwa nevamwe. Anoti:

Zvinotaurwa neBhaibheri nezvemari zviri pakati nepakati uye zvichiri kushanda sezvazvaiita parakanyorwa

“Ndaizivikanwa semusikana ana baba vane mazimari. Saka vamwe vaiwanzoti kwandiri: ‘Kana uchida chimwe chinhu, unongoudza baba vako’ kana kuti vaiti, ‘Sori hatisi tose takapfuma uye tinokwanisa kutenga mota dzakanaka sezvinoita mhuri yenyu.’ Ndakazoudza shamwari dzangu kuti dzirege kutaura izvozvo uye ndakadzitsanangurira kuti sei zvavaitaura zvaindirwadza. Ndaisada kuzivikanwa semunhu ane mari, asi semunhu anoitira vamwe zvinhu zvakanaka.”

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Bhaibheri harishori mari kana kutsoropodza vaya vane mari, kunyange yakawanda. Haisi nyaya yekuti munhu ane mari yakawanda sei asi kuti anoona sei yaainayo kana kuti yaari kuda kuva nayo. Zvinotaurwa neBhaibheri nezvemari zviri pakati nepakati uye zvichiri kushanda sezvazvaiita parakanyorwa. Ona mienzaniso inotevera.

BHAIBHERI RINOTI: “Usazvionza nokuda kuwana pfuma.”Zvirevo 23:4, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

Maererano nebhuku rinonzi The Narcissism Epidemic, vanhu vanoda kupfuma kazhinji kacho “havana utano hwakanaka mupfungwa; vanotiwo vanotambura nezvinhu zvakadai sekurwadziwa nepahuro, musana uye musoro uye vanowanzonwa doro rakawandisa uye kushandisa madhiragi asingabvumirwi nemutemo. Vanhu vanoshanda zvakaoma kuti vaite mari yakawanda vanopedzirisa vasisafare.”

BHAIBHERI RINOTI: “Mararamiro enyu ngaave okusada mari, muchigutsikana nezvinhu zvinenge zviripo.”VaHebheru 13:5.

Munhu anogutsikana anombonetsekawo nenyaya dzemari; zvisinei, anoziva zvinhu zvinokosha zvikuru muupenyu saka zvemari hazvinyanyi kumudya mwoyo. Semuenzaniso, munhu anogutsikana haanyanyi kunetseka akarasikirwa nemari. Asi anoedza kuva nemaonero aiva nemuapostora Pauro uyo akanyora kuti: “Chokwadi ndinoziva zvazvinoreva kuva nezvinhu zvishoma, chokwadi ndinoziva zvazvinoreva kuva nezvizhinji. Muzvinhu zvose uye mumamiriro ose ezvinhu ndakadzidza zvazvinoreva kuva akaguta nokuva ane nzara, zvose zviri zviviri kuva nezvizhinji uye kushayiwa.”VaFiripi 4:12.

BHAIBHERI RINOTI: “Munhu anovimba nepfuma yake iye achawa.”Zvirevo 11:28.

Vatsvakurudzi vanoti matambudziko emari ndiwo anoita kuti vakawanda vakaroorana vanetsane zvekusvika pakudambura muchato. Matambudziko emari anoitawo kuti vamwe vazviuraye. Vamwe vanhu vanokoshesa mari kupfuura mhiko dzavo dzemuchato kana upenyu hwavo! Kusiyana naizvozvo, vaya vanoona mari neziso rakanaka havavimbi nayo. Asi vanoziva uchenjeri huri mumashoko aJesu ekuti: “Kunyange kana munhu aine zvizhinji upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.”Ruka 12:15.

UNOONA SEI MARI?

Kuzviongorora kunogona kukubatsira kuti uone kana uchifanira kuona mari neziso rakanaka. Semuenzaniso, zvibvunze mibvunzo inotevera.

  • Ndinotorwa mwoyo here nezvirongwa zvinonzi zvinoita kuti munhu apfume nekukurumidza?

  • Ndinoomerwa nekubatsira vamwe nemari yangu here?

  • Ndinongoshamwaridzana nevanhu vanogara vachitaura nezvemari uye zvinhu zvavainazvo here?

  • Ndinopedzisira ndanyepa kana kuita zvimwe zvinhu zvisina kunaka kuti ndiite mari here?

  • Mari inoita kuti ndinzwe sekuti ndinokosha here?

  • Ndinogara ndichifunga nezvemari here?

  • Maonero andinoita mari ari kukanganisa utano hwangu uye mhuri yangu here?

    Iva munhu anogara achipa vamwe

Kana wati hongu pane mumwe wemibvunzo iyi, edza nepaunogona napo kuramba mafungiro nemiedzo zvekuda kupfuma. Rega kushamwaridzana nevanhu vanonyanya kukoshesa mari nezvinhu. Asi shamwaridzana nevanhu vanokoshesa kuva netsika dzakanaka kupfuura zvinhu.

Usambofa wakarega kuda mari kuchidzika midzi mumwoyo mako. Pane kudaro ita kuti mari irambe iri panzvimbo yayo, usingaikoshesi kupfuura shamwari, mhuri, utano hwako uye kugadzikana mupfungwa. Paunoita izvozvo unenge uchiratidza kuti unoona mari neziso rakanaka.

^ ndima 6 Mazita ari munyaya ino akachinjwa.