Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Kuchinja Mavara Kunoita Cuttlefish

Kuchinja Mavara Kunoita Cuttlefish

KAMHUKA kemugungwa kanonzi cuttlefish kanogona kuchinja mavara ako kofanana nepakanenge kari zvekuti ungatotadza kukaona. Imwe ongororo yakaitwa yakaratidza kuti cuttlefish “dzinozivikanwa kuti dzine mapatani emuviri akasiyana-siyana uye dzinogona kungoachinja mukubhwaira kweziso.” Dzinokwanisa sei kuita izvozvo?

Funga izvi: Cuttlefish inochinja mavara ichishandisa rumwe rudzi rwemasero ari nechepasi peganda rayo anonzi machromatophore. Machromatophore ane twakaita setumabhegi tunenge twakazara nepigment ine mavara akasiyana-siyana, uye tumabhegi twacho twakapoteredzwa netutsandanyama. Kana cuttlefish yava kuda kuchinja ruvara rwayo kuti ifanane nepainenge iri, pfungwa dzayo dzinotumira mashoko anoita kuti tutsandanyama twuya twudzoke mukati. Izvi zvinobva zvaita kuti tumabhegi twacho twufute uye mamwe mavara ari mupigment yacho awedzere kuoneka, zvoita kuti cuttlefish yacho ibva yatochinja ruvara nepateni yemuviri wayo. Cuttlefish inogonawo kuchinja ruvara rwayo kuti ikwezve hono kana kuti hadzi, uye pamwe inozviita senzira yekukurukura nedzimwe.

Mainjiniya epaUniversity of Bristol, kuEngland, akagadzira chimwe chinhu chakada kufanana neganda recuttlefish. Vakatora marubber matema eraundi ndokuaisa pakati petunhu tudiki tunoshanda sezvinoita tsandanyama dzecuttlefish. Mainjiniya acho paakabayirira chinhu chacho chakada kufanana neganda recuttlefish pamagetsi, tunhu tuya twakaita setsandanyama twakabva twadhonza marubber aya matema akabva atatamuka, chinhu chacho chikabva chawedzera kusviba.

Mumwe injiniya anonzi Jonathan Rossiter, akatsanangura tsandanyama dzecuttlefish achiti “dzinoshamisa asi hadzina kugadzirwa nevanhu.” Tsvakurudzo iri kuitwa pamusoro petsandanyama dzecuttlefish inogona kupedzisira yaita kuti pagadzirwe hembe dzinokwanisa kuchinja mavara pasina kana sekondi. Rossiter anotaura kuti vanhu vanogona kuzosvika pakupfeka hembe dzakagadzirwa nejira rinochinja chinja seganda recuttlefish kuti vasaoneke nekukurumidza kana kuti kuitira mucheno.

Unofungei? Zvakangoerekana zvaitika zvega here kuti cuttlefish ikwanise kuchinja mavara ayo kana kuti pane akaisika ichikwanisa kudaro?