Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Kutenda

Kutenda

Pane vamwe vanhu vanoti vanonamata, asi havakwanisi kutsanangura chinonzi “kutenda.” Chii chinonzi kutenda, uye nei kuchikosha?

Chii chinonzi kutenda?

ZVINOTAURWA NEVANHU

Vanhu vakawanda vanofunga kuti munhu ane kutenda anobvuma zvose zvaanenge adzidziswa kunyange pasina umboo. Somuenzaniso, funga nezvemunhu anonamata anotaura mashoko ekuti, “Ndinotenda muna Mwari.” Kana akabvunzwa kuti, “Nei uchitenda kuti ariko?” anogona kupindura achiti, “Ndozvandakangokura ndichiudzwa” kana kuti, “Ndozvandakadzidziswa.” Kuva nemafungiro akadai kunoita kuti zviome kusiyanisa munhu ane kutenda neuya anongobvuma zvese-zvese.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

“Kutenda kutarisira nechivimbo zvinhu zvinenge zvichitarisirwa, kuratidzwa kuri pachena kwezvinhu chaizvoizvo kunyange zvisati zvaonekwa.” (VaHebheru 11:1) Kuti munhu ave nechokwadi chekuti zvaari kutarisira zvichaitika, anofanira kuva nezvikonzero zvine musoro. Mumutauro wakashandiswa kunyora Bhaibheri, mashoko ekuti “kutarisira nechivimbo” haangorevi zvatinonzwa nechemumwoyo kana kuti zvatinoshuvira. Saka munhu ane kutenda anonyatsobvuma chimwe chinhu nekuti anenge aine umboo hunoratidza kuti ndechechokwadi.

“Izvo zvaari zvisingaoneki, iro simba rake risingagumi nokuva kwake Mwari, zvinonyatsooneka kubvira pakasikwa nyika, nokuti zvinonzwisiswa panoonekwa zvinhu zvakaitwa.”VaRoma 1:20.

Nei zvichikosha kuti tive nekutenda?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

“Pasina kutenda hazvibviri kunyatsomufadza, nokuti iye anosvika kuna Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.”VaHebheru 11:6.

Sezvambotaurwa, vanhu vakawanda vanotenda muna Mwari nekuti ndizvo zvavakadzidziswa. Vanogona kuti ‘Ndozvandakangokura ndichiudzwa.’ Asi Mwari anoda kuti vose vanomunamata vave nechokwadi chekuti ariko uye kuti anovada. Ndosaka Bhaibheri richitikurudzira kuti timutsvake nemwoyo wose, kuti tikwanise kunyatsomuziva.

“Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.”Jakobho 4:8.

Ungaita sei kuti uve nekutenda?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

“Kutenda kunotevera chinhu chakanzwiwa.” (VaRoma 10:17) Saka kuti uve nekutenda muna Mwari, chekutanga unofanira ‘kunzwa’ zvinodzidziswa neBhaibheri pamusoro pake. (2 Timoti 3:16) Kudzidza Bhaibheri kuchakubatsira kuwana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo inokosha yakadai seyekuti: Mwari ndiani? Chii chinotiratidza kuti ariko? Mwari anondida zvechokwadi here? Zvii zvichaitwa naMwari mune ramangwana?

Pane zvinhu zvakawanda zvinoratidza kuti Mwari ariko

Zvapupu zvaJehovha zvinoda kudzidza newe Bhaibheri. Sezvakanyorwa panzvimbo yedu yekubudisira mashoko, jw.org, “Zvapupu zvaJehovha zvinofarira kudzidza Bhaibheri nevanhu, asi hatifi takamanikidza munhu kuti apinde chitendero chedu. Asi tinokurukura neruremekedzo zvinotaurwa neBhaibheri, tichiziva kuti munhu mumwe nomumwe ane kodzero yekusarudza chitendero chaanoda.”

Kudzidza kwauchaita Bhaibheri kuchaita kuti uone chokwadi uye zvichakubatsira kuti uve nekutenda. Kana ukadaro, unenge uchitevedzera zvakaitwa nevamwe pakatanga chiKristu avo “vakagamuchira shoko nepfungwa dzinoda kwazvo, vachinyatsoongorora Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvi zvakanga zvakadaro.”Mabasa 17:11.

“Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.”Johani 17:3.