Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Tutambo Twehozhwa Inonzi Marine Mussel

Tutambo Twehozhwa Inonzi Marine Mussel

MARINE MUSSEL ihozhwa inonamira pamatombo, pamiti, kana kuti pazvikepe. Kusiyana nezvinoitwa netumwe tupuka twemumvura twunonamira nemuviri wese, hozhwa idzi dzine tutambo tunonzi byssus threads twadzinoshandisa kunamira pazvinhu. Dzinoshandisa tutambo utwu pakudya uye pakufamba, asi tutambo twacho tungaita setusina kunyatsosimba uye ungaona sekuti hozhwa idzi dzinogona kungoyeredzwa nemvura ine simba yemugungwa. Chii chinoita kuti dzisayeredzwa?

Chimbofunga izvi: Kumucheto kwetambo imwe neimwe kwakaomarara uye kumwe kwacho kwakapfava uye kunokwanisa kudhadhamuka. Vaongorori vakaona kuti chinoita kuti tutambo utwu tunyatsonamira pazvinhu ndechokuti patambo imwe neimwe, 80% yacho yakaomarara uye 20% ndiyo yakapfava. Izvi ndizvo zvinobatsira hozhwa idzi kuti dzisakukurwa nemvura inenge iine simba.

Mumwe purofesa anonzi Guy Genin akati zvinoitwa nehozhwa idzi “zvinoshamisa.” Akawedzerawo kuti: “Kuomarara uye kupfava kwetutambo utwu ndiko kunoita kuti hozhwa idzi dzikwanise kunamira.” Nyanzvi dzesainzi dzinoti magadzirirwo etutambo utwu anogona kubatsira pakugadzira zvinhu zvinenge zvichida kunamirwa pazvivako kana kuti pangarava dzinofamba nepasi pemvura, pakubatanidza nyama nemabhonzo, uye pakuvhara panenge paoparetwa. “Panyaya yekunama tinodzidza zvakawanda kubva kumhuka nezvipuka,” akadaro J. Herbert Waite, mumwe purofesa wepaUniversity of California iri kuSanta Barbara, U.S.A.

Unofungei? Tambo dzehozhwa inonzi marine mussel dzakangovako dzega here kana kuti pane akadzisika?