Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Ane Tsitsi Here?

Mwari Ane Tsitsi Here?

ZVATINODZIDZA KUBVA PAMASIKIRWO AKAITWA VANHU

Kuva netsitsi zvinoreva “kurwadzirwa mumwe munhu pakunetseka kana pakushayiwa kwake.” Chiremba wezvirwere zvepfungwa anonzi Dr. Rick Hanson akati “tinoberekwa tichikwanisa kuratidza tsitsi.”

FUNGA IZVI: Chii chinoita kuti vanhu vakwanise kuratidza tsitsi kupfuura zvinoitwa nemhuka? Bhaibheri rinotaura kuti Mwari akasika vanhu nemufananidzo wake. (Genesisi 1:26) Takasikwa nemufananidzo waMwari pakuti tinokwanisa kutevedzera unhu hwake. Saka vanhu pavanonzwira vamwe tsitsi vovabatsira, vanenge vachitevedzera Musiki wavo ane tsitsi, Jehovha Mwari.​—Zvirevo 14:31.

ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI NEZVETSITSI DZAMWARI

Mwari anotinzwira tsitsi uye haafariri kutiona tichitambura. Bhaibheri parinotaura nezveuranda hwevaIsraeri pavaiva muIjipiti uye makore 40 avaitambudzika vari murenje, rinoti: “Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo akanga achitambudzika.” (Isaya 63:9) Mwari aisangoona chete kuti vari kutambura. Aitorwadziwawo nekutambura kwavaiita. Akatotaura kuti, “Ndinonyatsoziva kurwadziwa kwavo.” (Eksodho 3:7) “Anokugunzvai anogunzva mboni yeziso rangu,” anodaro Mwari. (Zekariya 2:8) Vamwe vanhu pavanoita zvinhu zvinotirwadza, Mwari anotorwadziwawo.

Bhaibheri rinotiudza kuti kunyange tinganzwa tichizvishora kana kuti setisingakodzeri tsitsi dzaMwari, “Mwari mukuru kune mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvose.” (1 Johani 3:19, 20) Anotiziva kupfuura maziviro atinozviita. Anonyatsoziva zvakaita upenyu hwedu, zvatinofunga uye manzwiro edu. Anotinzwira tsitsi.

Tinogona kuva nechokwadi chekuti Mwari achatinyaradza, achatipa uchenjeri, uye achatitsigira nekuti anobatsira vese vane zviri kuvashungurudza

Magwaro anotivimbisa kuti

  • “Uchashevedza, uye Jehovha achapindura; uchachemera kubatsirwa, uye iye achati, ‘Ndiri pano!’”​—ISAYA 58:9.

  • “‘Nokuti ndinonyatsoziva pfungwa dzandiri kukufungirai,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘pfungwa dzorugare, kwete dzedambudziko, kuti ndikupei nguva yemberi netariro. Muchandishevedza, mouya, monyengetera kwandiri, uye ini ndichakuteererai.’”​—JEREMIYA 29:11, 12.

  • “Isai misodzi yangu muhombodo yenyu. Haisi mubhuku renyu here?”​—PISAREMA 56:8.

MWARI ANOTIKOSHESA, ANOTINZWISISA UYE ANORWADZIWAWO PATINOTAMBURA

Kuziva kuti Mwari anotinzwira tsitsi kungatibatsira here pamatambudziko atinosangana nawo? Inzwa zvakaitika kuna Maria:

“Mwanakomana wangu akashaya aine makore 18 pashure pekurwara nekenza kwemakore maviri. Ndakarwadziwa chaizvo, ndichibva ndatsamwira Jehovha kuti sei akanga asina kupindira oitawo kuti mwana wangu apore!

“Papera makore 6, ndakaudza imwe shamwari yangu yandainamata nayo kuti ndaiona sekuti Jehovha haandidi. Pashure pekunditeerera kwemaawa akawanda asina kumbondidimburira, akandiudza vhesi yakandibaya mwoyo, 1 Johani 3:19, 20, iyo inoti: ‘Mwari mukuru kune mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvose.’ Akanditsanangurira kuti Jehovha anonzwisisa kushungurudzika kwatinoita.

“Pasinei nekundibatsira kwaakaita, zvakambondiomera kubvisa pfungwa yekutsamwira Jehovha! Ndakazoverenga Pisarema 94:19, iyo inoti: ‘Pfungwa dzangu dzinonetsa padzakawanda mukati mangu, kunyaradza kwenyu kwakarezva mweya wangu.’ Ndakanzwa sekuti ndini ndakanyorerwa mavhesi aya! Ndakazotanga kusununguka kuudza Jehovha zvese zvaindinetsa, nekuti ndakanga ndava kuziva kuti anonditeerera uye anondinzwisisa.”

Zvinonyaradza kuziva kuti Mwari anotinzwisisa uye anorwadziwawo patinotambura. Saka nei vanhu vachitambura? NdiMwari ari kutiranga nekuda kwezvivi zvedu here? Pane zvaachaita here kuti kutambura kupere? Mibvunzo iyi ichapindurwa munyaya dzinotevera.