Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ruvengo Rwakazara Pasi Rese

Ruvengo Rwakazara Pasi Rese

Vanhu kwese kwese vanovengana.

Munhau uye pasocial media pakazara nyaya dzevanhu vanotaura mashoko eruvengo uye vanopara mhosva dzinokonzerwa neruvengo. Uye vanhu vakawanda vanosarurwa, vanonyombwa, vanotukwa, vanosekwa, vanotyisidzirwa, uye vanoparadzirwa zvinhu zvavo. Kunewo vamwe vanovengwa uye vanotarisirwa pasi vachionekwa sekuti havasi vanhu.

Magazini ino inotaura kuti ruvengo rungapedzwa sei. Uku hakusi kungorotawo hako, asi zvinhu chaizvo zvichatoitika. Iye zvino, pasi rese pane vanhu vari kutobvisa ruvengo mumwoyo mavo.