Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | NDECHIPI CHIPO CHIKURU KUPFUURA ZVESE

Kutsvaga Chipo Chakanakisisa

Kutsvaga Chipo Chakanakisisa

Hazvisi nyore kutsvagira munhu chipo nekuti hauzivi kuti achachifarira here kana kuti kwete. Chipo chinofarirwa nemumwe chinogonawo kusafarirwa nemumwe.

Semuenzaniso, vechidiki vanogona kufarira chipo chakadai sefoni dzemazuva ano. Asi kana vari vanhu vakuru, vanogona kufarira chipo chechinhu chava nemakore chichichengetwa mudzinza ravo. Mune dzimwe nzvimbo, vese vakuru nevadiki vanofarira kupiwa mari nekuti vanogona kuishandisa kutenga zvavanenge vachida.

Kunyange zvazvo zvakaoma, vakawanda vanoramba vachitsvagira vanhu vavanoda zvipo. Pane zvimwe zvinhu zvinogona kukubatsira kuti uwane chipo chichafarirwa. Ngatikurukurei zvimwe zvacho 4.

Zvaanoda. Mumwe murume wekuBelfast kuNorthern Ireland, anoti bhasikoro raakapiwa paaiva nemakore 10 kana kuti 11 ndicho chipo chaanonyanya kuda. Nei? Anoti, “Nekuti bhasikoro ndairida.” Izvi zvinoratidza kuti kupa munhu chipo chinenge chiri pamwoyo wake ndiko kuchaita kuti anyanye kuchifarira. Saka funga zvinokosheswa nemunhu waunenge uchida kupa. Zvinhu zvaanokoshesa ndizvo zvinowanzoita kuti afarire chipo chauchamupa. Semuenzaniso, vanambuya nanasekuru vanonyanya kukoshesa kuva nemhuri yavo. Vanogona kufarira kugara vachishanyirwa nevana vavo nevazukuru. Kuvhakacha navo kune dzimwe nzvimbo semhuri ndicho chipo chavanganyanya kufarira.

Kuti uzive zvinofarirwa nemunhu unofanira kuteerera paanenge achitaura. Bhaibheri rinotikurudzira kuti ‘tikurumidze kunzwa, tononoka kutaura.’ (Jakobho 1:19) Paunenge uchitaura nehama neshamwari, nyatsovateerera kuti uzive zvavanofarira nezvavasingafariri. Ukadaro unogona kuzovapa chipo chavanofarira.

Zvinhu zvichamubatsira. Munhu anogona kukoshesa chinhu kana chichizomubatsira kunyange chingava chidiki. Asi ungaziva sei zvaanenge achida?

Unogona kufunga kuti kungobvunza munhu wacho zvaanenge achida, ndizvo zviri nyore. Asi vanhu vakawanda havadi kuti munhu wavari kupa azive. Vanoda kuti azongoshamisika pavanomupa chipo chacho. Vamwe vanogona kutaura zvavanofarira kana kuti zvavasingafariri asi vorega kutaura dambudziko ravangada kubatsirwa.

Saka ongorora kuti munhu wacho akaita sei. Mwana here kana kuti munhu mukuru, akaroora here kana kuti kuroorwa, vakarambana here kana kuti akafirwa, anoshanda here kana kuti ava papenjeni. Chifunga zvinhu zvinogona kubatsira vanhu vakadaro.

Kuti uzive zvinodiwa nemunhu wauri kuda kupa chipo, bvunza vamwe vane upenyu hwakafanana nehwake. Vanogona kukuudza zvimwe zvinhu zvisingazikanwi nevamwe. Kuziva zvinhu izvozvo kuchaita kuti upe chipo chichamubatsira.

Nguva yacho. Bhaibheri rinoti: “Shoko rinotaurwa panguva yakakodzera, haiwa rakanaka sei!” (Zvirevo 15:23) Vhesi iyi inoratidza kuti zvakakosha kuziva nguva yekutaura. Ndizvo zvazvakaitawo kunyange pakuita zvimwe zvinhu. Chipo chinopiwa panguva chaiyo chinogona kuita kuti munhu afare sekufadza kunoita mashoko anotaurwa panguva yakakodzera.

Zvipo zvinowanzopiwa kana shamwari yachata, mwana agirajuweta kana kuti pazvarwa mwana. Vamwe vanoona zvichibatsira kugara vanyora pasi mazuva achaitika zvinhu izvi. Izvi zvinoita kuti vagone kuronga kuti vangazopa chipo chakaita sei. *

Asi hazvirevi kuti unofanira kungomirira zviitiko zvinokosha kuti upe zvipo. Unogona kupa zvipo chero nguva. Asi unofanira kungwarira. Semuenzaniso, kana uri murume ukapa munhu wechikadzi chipo pasina chikonzero, anogona kufunga kuti uri kumuda. Kana uchimuda hapana chakaipa. Asi kana usingamudi, chipo chakadaro chinogona kutokanganisa zvinhu zvakawanda. Saka chimwe chinhu chinokosha chaunofanira kufunga nezvazvo ndechekuti chipo chacho uri kuchipirei.

Chipo chacho uri kuchipirei? Sezvataona mumuenzaniso wataurwa, zvakanaka kutanga wafunga kuti wauri kupa chipo haazofungi zvisizvo here. Uyewo, iwe wacho zviongorore kuti nei uri kupa chipo chacho. Kunyange zvazvo vakawanda vachiti vanopa nemwoyo wese, pavanopa zvipo panguva yemazororo vanongozviita vachida kutevedzera vamwe. Vamwewo vanopa zvipo vachiitira kuti vafarirwe kana kuti vazopiwawo.

Ungaita sei kuti upe zvipo nezvikonzero zvakanaka? Bhaibheri rinoti: “Zvinhu zvenyu zvose ngazviitike norudo.” (1 VaKorinde 16:14) Kana uchipa nemwoyo wese uye uchizviitira kubatsira, vanhu vaunopa vachazvigamuchira vachifara uye iwe uchatofara zvakanyanya. Paunopa nemwoyo wese, unoitawo kuti Baba vedu vari kudenga vafare. Muapostora Pauro akarumbidza vaKristu vekuKorinde pavakabatsira nemwoyo wese vaKristu vaiva muJudhiya. Akavaudza kuti, “Mwari anoda munhu anopa achifara.”—2 VaKorinde 9:7.

Kufunga nezvezvinhu zvatakurukura kunogona kuita kuti upe vamwe zvipo zvichaita kuti vafare. Zvinhu izvi nezvimwewo ndizvo zvakaita kuti Mwari ape vanhu chipo chikuru kupfuura zvese. Verenga nyaya inotevera unzwe kuti chipo ichocho chii.

^ ndima 13 Vanhu vakawanda vanopawo zvipo pamazuva ekuberekwa uye pamazororo. Asi pamazuva akadai panowanzoitwa zvinhu zvisingaenderani nezvinodzidziswa neBhaibheri. Ona nyaya iri mumagazini ino yakanzi “Vaverengi Vanobvunza Kuti—MuKristu Anofanira Kupemberera Krisimasi Here?