NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA December 2016

Magazini ino ine nyaya dzekudzidza dzaJanuary 30 kusvika kuFebruary 26, 2017.

NYAYA YEUPENYU

Kuva “Zvinhu Zvose Kuvanhu Vemarudzi Ose”

Mabasa akawanda akaitwa naDenton Hopkinson muupenyu hwake akamubatsira kuona kuti Jehovha anoda vanhu vemarudzi ose.

Makasunungurwa Nemutsa Usina Kukodzera Kuwanwa

Unobatsirwa zvikuru nekufungisisa kuti Jehovha akakusunungura sei muchivi.

‘Kuisa Pfungwa Pazvinhu Zvomudzimu Kunoreva Upenyu Norugare’

Chitsauko 8 chaVaRoma chine mazano achakubatsira kuwana mubayiro uri kupiwa vanhu vose naJehovha.

Unoyeuka Here?

Wakaverenga nyaya dzichangobuda dzemagazini yeNharireyomurindi? Ona kuti unokwanisa kupindura mibvunzo mingani yeBhaibheri.

Kanda Kuzvidya Mwoyo Kwako Kwose Pana Jehovha

Dzimwe nguva vashumiri vaMwari vanombozvidya mwoyo. Pane zvinhu zvina zvinogona kukubatsira kuti uve ‘nerugare rwaMwari.’

Jehovha Anopa Mubayiro Vaya Vanomutsvaka Nomwoyo Wose

Tariro yekupiwa mubayiro naJehovha inotibatsira sei? Akapa sei vashumiri vake vekare mubayiro uye ari kupa sei vemazuva ano?

Kuva Munhu Munyoro​—Kunoratidza Uchenjeri

Hazvisi nyore kuti urambe wakadzikama paunobatwa zvisina kunaka, asi Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuti vave vanhu vanyoro. Chii chingakubatsira kuti uve neunhu uhwu hwechiKristu?

Indekisi Yenyaya dzeNharireyomurindi dza2016

Indekisi inoratidza nyaya dzinowanika muNharireyomurindi yokudzidza uye yevoruzhinji.