Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunamata Mwari Ndiwo Mushonga Wake!

Kunamata Mwari Ndiwo Mushonga Wake!

Mamwe mapiyona maviri paakatambirwa paimwe imba muKenya, vakashamiswa kuona kamurume kadukuduku kakarara pamubhedha. Muviri wake waiva muduku zvikuru kubva muchiuno kusvika pamutsipa uye aiva nemaoko mapfupi. Pavaimuudza nezvevimbiso yaMwari yokuti “munhu akaremara achakwakuka sezvinoita nondo hono,” murume uyu akafara chaizvo.—Isa. 35:6.

Mapiyona acho akazoziva kuti Onesmus uyo ava kuda kusvitsa makore 40, akaberekwa aine chirwere chemapfupa asina kusimba. Mapfupa ake ainge asina kusimba zvokuti chinhu chidukuduku chaigona kuita kuti atyoke. Sezvo chirwere ichi chisingarapike, Onesmus anorarama upenyu hwake hwose achirwadziwa ari muwiricheya.

Onesmus akabvuma kudzidza Bhaibheri. Zvisinei, amai vake vakaramba kuti apinde misangano yechiKristu vachityira kuti angangokuvadzwa akawedzera kurwadziwa. Saka hama dzairekodha misangano, Onesmus achizoiteerera ari kumba. Pashure pekudzidza kwemwedzi mishanu, Onesmus akati aida kupinda misangano kunyange zvazvo aiziva kuti aigona kukuvara.

Kupinda misangano yechiKristu kwakaita kuti Onesmus awedzere kurwadziwa here? Akatonzwa zviri nani. “Kurwadziwa kwandinoita kwaiita sekwaiderera kana ndiri pamisangano,” anodaro Onesmus. Aifunga kuti tariro itsva yaakanga ava nayo ndiyo yaiita kuti anzwe zviri nani. Amai vake vakaona kuchinja kwemaitiro ake uye zvakavafadza zvokuti naivowo vakabvuma kudzidza Bhaibheri. Vaiwanzoti, “Kunamata Mwari ndiwo mushonga wemwana wangu.”

Pasina nguva, Onesmus akava muparidzi asina kubhabhatidzwa. Akazobhabhatidzwa uye iye zvino mushumiri anoshumira. Kunyange zvazvo asingakwanisi kushandisa makumbo ake uye rumwe ruoko, Onesmus aiva nechido chokuita zvose zvaanogona mubasa raJehovha. Aida kuva piyona webetsero asi aizeza kunyora fomu racho. Nechikonzero chei? Nekuti aiziva kuti aisagona kufamba asina munhu aizomubatsira kusunda wiricheya yake. Asi paakataura izvi kuhama dzake dzechiKristu, dzakavimbisa kumubatsira uye dzakamubatsira zvechokwadi kuti aite upiyona hwebetsero.

Onesmus aiva nechido chokuva piyona wenguva dzose asi ainetseka zvakare kuti ndiani aizomubatsira. Asi pane rugwaro rwezuva rwaakaverenga rwakamukurudzira. Rugwaro rwacho rwaiva Pisarema 34:8 rwunoti: “Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka.” Afungisisa nezverugwaro urwu, Onesmus akasarudza kuva piyona wenguva dzose. Iye zvino anoparidza mazuva mana pavhiki uye ane zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda zviri kufambira mberi pakunamata. Muna 2010 akapinda Chikoro Chebasa Roupiyona. Hakusi kufara kwaakaita paakaona mumwe wehama mbiri dzakatanga kumuparidzira ari murayiridzi pachikoro ichi.

Iye zvino vabereki vaOnesmus vakashaya, asi hama nehanzvadzi dzomuungano yake dzinomubatsira nezvinhu zvaanoda zuva nezuva. Anotenda chaizvo makomborero aari kuwana, uye anotarisira nyika inenge isina “mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”—Isa. 33:24.