Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvandakasarudza Ndichiri Muduku

Zvandakasarudza Ndichiri Muduku

Ndichiri muduku

Ndaingova nemakore gumi muna 1985 pakasvika vana vaibva kuCambodia pachikoro chandaidzidza muColumbus, Ohio, U.S.A. Mumwe wevakomana vacho aingoziva mashoko mashoma eChirungu. Aishandisa mifananidzo kunditsanangurira nyaya dzaityisa dzekutambudzwa, kuurayiwa uye kutiza kwaiita vanhu. Pandaifunga nezvevana ava usiku, ndaichema. Ndaida kuvaudza nezvetariro yeParadhiso uye yokumutswa kwevakafa asi vaisanzwa mutauro wangu. Kunyange zvazvo ndakanga ndichiri muduku, ndakasarudza kudzidza chiCambodian kuti ndikwanise kuudza vokuchikoro kwangu nezvaJehovha. Ndaisatomboziva kuti zvandainge ndasarudza izvi zvaizondisvitsa kupi.

Kudzidza chiCambodian kwaisava nyore. Kaviri, ndakafunga nezvokusiyana nazvo asi Jehovha akandikurudzira achishandisa vabereki vangu. Nokufamba kwenguva, vadzidzisi vangu uye vandaidzidza navo vakatanga kundikurudzira kuti ndiite basa raiva nemari yakawanda. Asi ndaida kuva piyona, uye ndakasarudza kuita makosi aizondibatsira kuti ndiwane basa raizondipa mukana wokupayona. Pandaibva kuchikoro, ndaiwanzobuda muushumiri nemamwe mapiyona. Ndakasarudzawo kudzidzisa vanhu vaidzidzira Chirungu uye izvozvo zvakazondibatsira chaizvo pave paya.

Pandainge ndava nemakore 16, ndakanzwa kuti kuLong Beach, California, U.S.A. kwaiva neboka remutauro wechiCambodian. Ndakaenda ikoko ndikadzidza kuverenga chiCambodian. Pandakangopedza chikoro, ndakatanga kupayona uye ndakaramba ndichiparidzira vanhu vaitaura chiCambodian vaigara pedyo nepamba pedu. Pandainge ndava nemakore 18, ndakatanga kufunga nezvokutamira kuCambodia. Kwainge kuchine ngozi asi ndaiziva kuti pavanhu vane mamiriyoni gumi vaigara kuCambodia, vashoma chete ndivo vainge vanzwa mashoko akanaka oUmambo. Panguva iyoyo, munyika yacho yose maingova neungano imwe chete yaiva nevaparidzi 13. Ndakatanga kuenda kuCambodia ndiine makore 19. Papera makore maviri, ndakasarudza kunogarako. Ndaipota ndichiita basa rokushandura uye kudzidzisa Chirungu kuti ndiwane chokurarama nacho ndichiita ushumiri. Nokufamba kwenguva, ndakawana mudzimai aivawo nezvinangwa zvakafanana nezvangu muupenyu. Tave tichinakidzwa nokubatsira vanhu vakawanda vanotaura chiCambodian kuti vazvitsaurire kuna Mwari.

Jehovha akandipa ‘zvinodikanwa nemwoyo wangu.’ (Pis. 37:4) Kuita kuti vanhu vave vadzidzi ndiro basa rinonyatsogutsa pane ose. Makore 16 andave ndiri kuCambodia, ungano duku iya yaiva nevashumiri vaJehovha 13 yakura zvokuti kwatova neungano 12 uye mapoka mana asati ava ungano!—Yakataurwa naJason Blackwell.