Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuNew York

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuNew York

MAKORE mashoma apfuura, Cesar nemudzimai wake Rocio, vaiva neupenyu hwakanaka chaizvo kuCalifornia. Cesar aiita basa rokugadzira nokuisa zvinhu zvemagetsi zvinoita kuti mumba mudziye kana kuti mutonhorere uye Rocio aipota achishanda kune mumwe chiremba. Vaviri ava vaiva neimba uye vainge vasina vana. Asi pane chimwe chinhu chakaitika chakachinja upenyu hwavo. Chaiva chii?

Muna October 2009, hofisi yebazi yokuUnited States yakanyora tsamba kuungano dzose dzeko ichiti vaya vane mabasa avanogona vanyorere vachikumbira kuva vashandi venguva pfupi paBheteri, vachibatsira pakuwedzera zvivako zvebazi zviri kuWallkill, New York. Kunyange vaya vapfuura zera rinowanzodiwa kuti munhu ashande paBheteri vakakumbirwawo kuti vazadze mafomu. “Tichifunga nezvezera redu, takaona kuti uyu ndiwo chete waigona kuva mukana wedu wokuti timboshumirawo paBheteri,” vakadaro Cesar naRocio. “Taisada kurasikirwa nemukana iwoyo.” Vakabva vangozadza mafomu avo vakaatumira.

Vamwe vari kuzvipira kuvaka kuWarwick

Cesar naRocio vakamirira kwerinopfuura gore asi hapana chakaitika. Zvisinei, vane zvimwezve zvavakaita kuti vazadzise chinangwa chavo. Vakasarudza kusava nezvinhu zvakawanda muupenyu. “Takafunga zvokurendesa imba yedu yataigara saka takagadziridza garaji redu remota kuti tigare imomo. Takabuda muimba yedu yataida chaizvo yaingova nemakore mashoma taivaka, tikanogara muimba duku iya yaimbova garaji.” Cesar anoti, “Kuchinja kwatakaita upenyu hwedu kwaizoita kuti zvitiitire nyore kubvuma kuenda kuBheteri paizomuka mukana wacho.” Zvakazofamba sei? “Pashure pemwedzi mumwe tava kugara muimba duku,” anodaro Rocio, “takatambira tsamba yaiti tiuye kuzoshumira kwenguva pfupi kuWallkill. Takabva taona kuti Jehovha akakomborera kusarudza kwatakaita kuti tisave nezvakawanda muupenyu.”

Jason, Cesar, naWilliam

JEHOVHA ARI KUVAKOMBORERA NOKUTI VAKAZVIPIRA

Kunewo hama nehanzvadzi dzakawanda dzakazvipira sezvakaita Cesar naRocio kuti dzibatsire pabasa rokuvaka riri kuitwa kuNew York State. Vakawanda vavo vari kubatsira pabasa rokuwedzera zvivako kuWallkill, uye vamwe vari kubatsirawo pakuvakwa kuri kuitwa mahofisi edu makuru kuWarwick. * Mhuri dzakawanda dzakasiya misha yadzo yakanaka, mabasa nezvimwewo zvavanokoshesa kuti dziwedzere kushumira Jehovha. Jehovha ari kuvakomborera here nemhaka yokuzvipira ikoko? Chokwadi ari kuvakomborera!

Way

Somuenzaniso, Way anoita zvemagetsi uye iye nemudzimai wake Debra vava kuda kusvitsa makore 60. Vakatengesa imba yavo kuKansas kwavaigara ndokutamira kuWallkill kuti vanoshumira paBheteri asi vasingagari ipapo. * Kunyange zvazvo vaitofanira kuchinja mararamiro avo, vanofara chaizvo nezvavakasarudza. Achitaura nezvebasa rake repaBheteri, Debra anoti: “Dzimwe nguva ndinonzwa sendiri pakati pevamwe vari kuita basa rokuvaka muParadhiso sezviya zvatinowanzoona mumapikicha anobudiswa mumabhuku edu!”

Melvin naSharon vakatengesa imba yavo yaiva kuSouth Carolina nezvimwe zvavaiva nazvo kuti vanobatsira kuWarwick. Kunyange zvazvo kuita izvi kwaisava nyore, murume nomudzimai ava vanofara chaizvo kuti vari kuitawo basa iri rinokosha. Vanoti: “Zvinofadza chaizvo kuziva kuti uri kuita chimwe chinhu chinobatsira hama nehanzvadzi dziri munyika yose.”

Kenneth

Kenneth aimboshanda pane imwe kambani yaiita zvokuvaka. Iye nemudzimai wake Maureen vane makore ari kuma55. Vakatama vachibva kuCalifornia kuti vanobatsira pabasa rokuWarwick. Kuti vatame, vakaronga neimwe hanzvadzi yomuungano mavo kuti ichengete imba yavo uye vakakumbira vamwe vomumhuri mavo kuti vavabatsire kuchengeta baba vaKenneth vakwegura. Vari kudemba here kuti vakasarudza kunoshumira kuBheteri? Kwete! Kenneth anoti, “Tiri kutobatsirwa zvakanyanya. Asi zvinoreva here kuti hatinawo matambudziko atinosangana nawo? Tinawo, asi tiri kufara uye tinotokurudzirawo vamwe kuti vaite basa iri.”

KUKUNDA MATAMBUDZIKO

Vakawanda vakazvipira pabasa iri, vane matambudziko avakasangana nawo avaifanira kukunda. Somuenzaniso, William nemudzimai wake Sandra avo vane makore ari kuma60, vaiva neupenyu hwakanaka vachigara kuPennsylvania. Vaiva nekambani yaiva nevashandi 17 yaiita zvokugadzira mapatsi emichina. Kubvira vachiri vaduku havana kumbochinja ungano uye hama dzavo dzakawanda dzaigara munzvimbo iyoyo. Saka pakamuka mukana wokunoshanda kuWallkill, zvaireva kuti vaizosiya hama dzavo uye zvimwe zvinhu zvose zvavainge vakajaira. William anoti, “Dambudziko guru ratakava naro raiva rokuchinja mararamiro atakanga tajaira.” Asi pavakanyengetera, vakabva vasarudza kuenda uye havasi kumbodemba. “Hapana chingaenzana nemufaro watinowana nokuitawo basa iri uye kushanda pamwe nemhuri yeBheteri,” anodaro William. “Ini naSandra tava kufara chaizvo kupfuura zvataiita!”

Dzimwe mhuri dziri kuita basa rokuvaka kuWallkill

Ricky, uyo aishanda samaneja pane imwe kambani inoita zvokuvaka kuHawaii akakokwa kuzoshanda kuWarwick asi asingagari paBheteri. Mudzimai wake Kendra aida kuti aende. Asi vaityira mwanakomana wavo Jacob aiva nemakore 11. Vainetseka kuti kwaizova kuchenjera here kutamira kuNew York State uye kuti mwanakomana wavo aizokwanisa here kujairana nenzvimbo itsva iyoyo.

“Taida kuwana ungano ine vechiduku vaiita zvakanaka pakunamata,” anodaro Ricky. “Taida kuti Jacob ave neshamwari dzakawanda dzakanaka.” Ungano yavakazopinda yaiva nevana vashoma asi iine hama dzokuBheteri dzakawanda. “Patakapinda musangano wedu wokutanga, ndakabvunza Jacob kuti ainzwa sei neungano itsva iyi sezvo maisava nevana vezera rake,” anodaro Ricky. “Akandiudza kuti, ‘Musanetseka Baba. Hama dzechiduku dzokuBheteri ndidzo dzichava shamwari dzangu.’”

Jacob nevabereki vake vari paImba yoUmambo vachinakidzwa nokutaura nehama yokuBheteri

Hama dzechiduku dzepaBheteri dzakava shamwari dzaJacob sokutaura kwaainge aita. Zvakaguma nei? “Rimwe zuva usiku, ndaipfuura nepabhedhuru pemwanakomana wangu ndikaona magetsi achakabatidzwa,” anodaro Ricky. “Ndaifunga kuti ndaizomuona achitamba mitambo yemavhidhiyo, asi aiverenga Bhaibheri! Pandakamubvunza kuti aiitei, akati, ‘Ndiri kuita zvinoitwa kuBheteri uye ndinoda kuverenga Bhaibheri rose mugore rimwe chete.’” Mhuri iyi iri kufara chaizvo nokuti Ricky ari kuitawo basa rokuvaka kuWarwick asi chinonyanya kuifadza ndechokuti kutama kwavakaita kuri kuita kuti mwanakomana wavo akure pakunamata.—Zvir. 22:6.

HAVATYIRI RAMANGWANA RAVO

Luis naDale

Basa rokuvaka riri kuitwa kuWallkill nekuWarwick richapera, saka vaya vakaenda kunobatsira vanoziva kuti havazorambi vari paBheteri. Hama nehanzvadzi idzi dziri kunetseka here kuti dzichaendepi kana kuti dzichaita sei? Hadzisi! Vakawanda vane manzwiro akafanana neemhuri mbiri dzokuFlorida dzine makore okuma50. John anoshanda samaneja pakambani inoita zvokuvaka. Pari zvino iye nemudzimai wake Carmen vari kumboshanda kuWarwick uye vanoti: “Tiri kuona kuti Jehovha ari kutipa zvatinoda zvinokosha muupenyu. Tinoona sokuti Jehovha haana kutiunza pano kwenguva pfupi kuti azongotisiya kana basa racho rapera.” (Pis. 119:116) Luis anogadzira michina inoshandiswa pakudzima moto. Iye nemudzimai wake Quenia vari kushanda kuWallkill. Vanoti: “Takaona kuti Jehovha anotipa zvokurarama nazvo. Tine chokwadi chokuti acharamba achitichengeta kunyange zvazvo tisingazivi kuti achazviita sei.”—Pis. 34:10; 37:25.

“CHIKOMBORERO KUSVIKIRA MUSISINA CHAMUNOSHAYIWA”

John naMelvin

Vamwe vanhu vakashanda pabasa rokuvaka kuNew York vaigona kupa zvikonzero zvokuti varege kuita basa racho. Asi vakaedza Jehovha nokuti anotikurudzira kudaro paanoti: “Ndiedzei, . . . muone kana ndisingazokuzaruririi magedhi emvura okumatenga, ndikakudururirai chikomborero kusvikira musisina chamunoshayiwa.”—Mar. 3:10.

Uchaedzawo Jehovha here kuti uwane makomborero anobva kwaari? Nyengetera uye nyatsoongorora kuti zvii zvaungaita kuti uitewo basa iri rinokosha, zvimwe uchiriita kuNew York kana kumwewo kuri kuvakwa zvivako zvokunamatira uye uchaona kuti Jehovha achakukomborera sei.—Mako 10:29, 30.

Gary

Dale ndiinjiniya. Iye nemudzimai wake Cathy vanobva kuAlabama uye vanotaura nezvokunaka kwakaita basa iri rokuvaka. Vari kushandawo kuWallkill uye vanoti: “Kana ukashinga kuchinja mararamiro aunenge wajaira, uchakwanisa kuona kushanda kunoita mudzimu waJehovha.” Chii chaunofanira kuita kuti uitewo basa iri? Dale anoti: “Ramba uchiita kuti upenyu hwako husava nezvinhu zvakawanda. Kana ukadaro, hauzombodembi!” Gary, uyo anobva kuNorth Carolina, ava nemakore 30 achiita basa rokuvaka. Iye nomudzimai wake Maureen, vanotaura kuti chimwe chikomborero chavari kuwana kuWarwick ndechokuti vari “kuonana uye kushanda nehama nehanzvadzi dzava nemakore akawanda dzichishumira Jehovha paBheteri.” Gary anotiwo: “Kuti ushumire paBheteri, unofanira kugutsikana nezvinhu zvishoma, uye izvi ndizvo zvakanaka chaizvo munyika ino.” Jason aishandira kambani yaiita zvemagetsi uye ane mudzimai anonzi Jennifer. Vaviri ava vanobva kuIllinois uye vanotaura kuti kushanda kuWallkill pabasa iri rokuvaka riri kuitwa paBheteri “kunoita kuti unzwe sokuti uri kurarama munyika itsva.” Jennifer anowedzera kuti: “Ndinopererwa chaizvo pandinofunga kuti zvose zvatinoita zvinokosheswa naJehovha uye achazviyeuka mune ramangwana. Jehovha anoita kuti tiwane makomborero kusvikira tisisina pokuaisa.”

^ ndima 7 Hama nehanzvadzi dzinoshumira paBheteri dzichibva kumba dzinozvitsvakira pokugara nezvokurarama nazvo. Dzinogona kushanda zuva rimwe chete pavhiki kana kupfuura.