Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Kuti Urarame—Zvinoenderana Nehomwe Yako

Zvaungaita Kuti Urarame—Zvinoenderana Nehomwe Yako

NGATITII uri kutamba nevana nebharumu rine kaburi, rauri kuda kuti rirambe rakafuta. Ungazviita sei? Kana mweya wauri kufuridza wakaenzana nouri kubuda nepakaburi kacho, zvingaita kuti bharumu racho rirambe riine mweya.

Izvozvo ndizvo zvinorehwa nokurarama zvinoenderana nehomwe yako. Mari yaunotambira ingafananidzwa nomweya waunofuridza mubharumu. Zvaunoda kuishandisa zvingafananidzwa nomweya uri kubuda nepakaburi. Nyaya iri pakuti usashandisa mari inopfuura yaunotambira.

Kunyange hazvo pfungwa iyi ingaita seiri nyore, kuzviita kwakaoma asi kunobatsira. Kana vanhu vakatevedzera pfungwa iyi havazozviparamuriri nhamo dzemari. Vangazviita sei? Tingawanepi rubatsiro runoshanda panyaya iyi? Bhaibheri rine mashoko akawanda anobatsira. Ngatimboongororai muchidimbu zvarinotaura.

Mazano eBhaibheri Anogona Kubatsira

Bhaibheri rine mazano akawanda anobatsira pamashandisiro aungaita mari yako. Tichangoongorora mashomanene chete. Ona kuti mazano aya anotaurwa neBhaibheri haangakubatsiriwo here kuti ukwanise kurarama zvinoenderana nehomwe yako.

Ronga mashandisiro auchaita mari.

Kuti ugone kushandisa mari yako zvakanaka unofanira kuziva kuti unowana marii uye kuti zvii zvauchaishandisa. Bhaibheri rinoti: “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira, asi munhu wose anokurumidzira zvinhu achashayiwa njere.” (Zvirevo 21:5) Vamwe vanonyora hamvuropu imwe neimwe kuti “Zvokudya,” “Rendi,” kana kuti “Zvokupfeka.” Unogona kunge uchishandisa izvi kana kuti dzimwe nzira, chinokosha ndechokuti uzive kuti mari iri kuendepi uye kuyeuka kuti zvinokosha ndizvo zvinofanira kuiswa pokutanga.

Usachochora.

Vakawanda vari munyika dzichiri kusimukira vanoda kuti dai vavawo nezvinhu zvine vanhu vari munyika dzakabudirira. Vamwe vanochiva zvinhu zvinenge zviine vavakidzani vavo. Uyu musungo chaiwo. Zvimwe muvakidzani wacho ari kutotamburira kuti azviwane. Ndokunonzi kupusa, kuzvikanda muzvikwereti uchida kungotevedzera vamwe. Bhaibheri rinonyevera kuti: “Munhu anoruchiva anokarira pfuma, asingazivi kuti kushayiwa kuchauya kwaari.”—Zvirevo 28:22, Bhaibheri Rinoyera.

Usazviomesera upenyu.

Jesu akaruma nzeve vateveri vake kuti vave neziso “rakanaka.” (Mateu 6:22) Ukada kudya mupunga nehuku nepo mari yako ichingokwana kudya sadza nemuriwo, chokwadi unochema nezvikwereti. Imwe ongororo yakaitwa neAsian Development Bank inoratidza kuti munhu mumwe chete pavatatu voga-voga vanogara kuPhilippines uye hafu yevagari vekuIndia vari kurarama nemari isingapfuuri $1.35 pazuva. Vanhu pavanowana mari shoma sezvizvi kuchenjera kutenga zvinhu zvinokosha chete. Asi kunyange munyika dzakapfuma, zano iri rinogona kubatsira vanhu kuti vasanyura muzvikwereti.

Gutsikana nezvinhu zvinonyanya kukosha.

Izvi zvinoenderana nezano rokuti usazviomesera upenyu. Pana 1 Timoti 6:8 Bhaibheri rinopa zano rokuti: “Kana tiine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.” Vamwe vanhu vari kufara chaizvo pasi pano vanongova nemari shoma, asi vari kugutsikana nezvavanazvo zvinosanganisira kuwirirana mumhuri uye neshamwari kwete kuva nezvinhu.—Zvirevo 15:17.

Usaita zvikwereti zvisina basa.

Zvinotaurwa neBhaibheri ndezvechokwadi zvokuti: “Mupfumi ndiye anotonga varombo, uye uya anokwereta anova muranda womunhu anomukweretesa.” (Zvirevo 22:7) Dziripo dzimwe nguva dzokuti hapana zvokuita unotofanira kukwereta, asi vaya vanongozvipinza muzvikwereti nemhaka bedzi yokuti pane zvinhu zvavari kuda kazhinji vanozoridza mhere. Izvi zvinowanzoitika kune vaya vanotenga nezvikwereti. Magazini inonzi Time yakati: “Kana munhu achikwanisa kutenga nechikwereti pfungwa dzinoita sedzadambuka ongotenga nezvimwe zvinhu zvisina musoro.” Eric, anogara kuPhilippines anoti: “Pandinotenga nechikwereti, ndinotenga zvakawanda kudarika pandinenge ndiine mari muhomwe. Zvose zvandinenge ndakaronga zvinobva zvaenda mudondo ndava kubhadhara zvikwereti.” Unofanira kungwarira chaizvo pakutenga nechikwereti.—2 Madzimambo 4:1; Mateu 18:25.

Chengeta mari wozotenga.

Zvingaita sokuti ndezvechinyakare, asi kuchengeta mari wozotenga kunobatsira kuti usazvipinza muzvikwereti. Hauzochajwi mubereko izvo zvinoita kuti mutengo wechinhu ubve wadhura. Bhaibheri rinorondedzera svosve richiti ‘rakachenjera’ nokuti rinounganidza ‘zvokudya muzhizha’ kuitira kuti rizozvishandisa mune ramangwana.—Zvirevo 6:6-8; 30:24, 25.

Dzidza Kune Vamwe

Mazano ose omuBhaibheri atakurukura angaratidza sokuti akanaka, asi ari kubatsira vanhu kuti vararame zvinoenderana nehomwe dzavo here? Ngatimboonai zvakataurwa nevamwe maererano nemashandisiro avakaita mazano aya vakakwanisa kushandisa mari zvakanaka.

Diosdado ndibaba vane vana vana, uye vanobvuma kuti kuoma kwakaita zvinhu panyaya dzemari kwakaita kuti vaomerwe nokuriritira mhuri yavo. Asi vanoziva kuti zvinokosha kuronga mashandisiro avachaita mari yavo. Vanoti, “Sendi rose randinowana ndinotoona kuti rafamba sei. Ndinoita zvokunyora kuti ndichashandisa sei mari yangu.” Ndizvowo zvinoitwa naDanilo. Bhizimisi raaiva naro nomudzimai wake rakabhuroka. Asi kuronga mashandisirwo emari kunoita kuti vakwanise kurarama nezvishoma zvavanazvo. Anoti: “Tinoziva kuti pamwedzi imarii yatinowana uye tinokurukura kuti yatinoda kushandisa. Saka tinobva takurukura kuti imarii yatichashandisa.”

Vamwe vakarega kuita zvimwe zvinhu kuitira kuti vasapedzisira vaita zvavasina kuronga. Imwe chirikadzi inonzi Myrna ine vana vatatu inoti: “Pakuenda kumisangano ini nevana vangu tinofamba netsoka panzvimbo pokukwira mabhazi.” Ruvimbo anoita zvose zvaagona kuti abatsire vana vake kuti vaone kukosha kwokusazviomesera muupenyu. Anoti: “Kuti zvizoitira vana vangu nyore kutevedzera, ndakaedza kuti nditange ini kushandisa zano riri pana 1 Timoti 6:8-10 rokuti munhu ngaagutsikane nezvaanazvo.

Tapiwa ndibaba vane vana vaviri uye ndizvo zvavakaitawo. Vanoti: “Patinodzidza Bhaibheri semhuri tinokurukura zvakaitwa nevamwe vaKristu kuti varambe vakaisa pfungwa dzavo pazvinhu zvinokosha, zvinhu zvokunamata. Izvi zvakatibatsira chaizvo nokuti vana vedu havachachemeri zvinhu zvisinganyanyi kukosha.”

Janet haana kuroorwa uye nguva yake yakawanda anoipedza achidzidzisa vanhu Bhaibheri kuPhilippines. Munguva pfupi ichangopfuura akapererwa nebasa asi ari kukwanisa kurarama nezvishoma zvaari kuwana. Anoti, “Mari yandinowana ndinotoona kuti ndaishandisa zvinhu zvinokosha, handingoipfachuri-pfachuri. Panzvimbo pokuenda kuzvitoro zvinodhura ndinoenda kuzvitoro zvakachipa kwandinowana zvandinoda nemari shoma. Ko ndingazvinetserei hangu nokutenga zvinhu zvinodhura, izvo zvakachipa zviripo? Handitengi chinhu nokungoti ndachionerei.” Janet anoona kuti zvinokosha kutanga achengeta mari ozotenga. Anoti, “Kana zvikaitika kuti ndasara nekamwe kamari, ndinobva ndakachengeta kuitira kuti pakazomuka chimwe chinhu chinokosha handizoshaiwi yokushandisa.”

Nezvenyaya yokutenga nezvikwereti, Eric ambotaurwa anoti: “Ndakazviudza kuti ndinongotenga nechikwereti pazvinenge zvakakodzera kwete kungoti pose-pose.” Diosdado anotiwo: “Kuti ndizvidzore ndinotofanira kusiya kadhi rokutenga nechikwereti kubasa.”

Kurarama Zvinoenderana Nehomwe Yako Kunokwanisika

Ichokwadi kuti vakawanda vari kuona kuti kunyange zvazvo Bhaibheri riri bhuku rinonyanya kukurukura nyaya dzokunamata, rinopawo mazano anobatsira pakurarama. (Zvirevo 2:6; Mateu 6:25-34) Kana ukashandisa mazano eBhaibheri ataurwa munyaya ino woona kuti vamwe vakabatsirwa sei nokuatevedzera, newewo unogona kurarama zvinoenderana nehomwe yako. Kuita izvozvo kuchakubatsira kuti usazochema sezviri kuita mamiriyoni evanhu mazuva ano.