Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

“Handichafungi Kuti Ndinofanira Kuchinja Nyika”

“Handichafungi Kuti Ndinofanira Kuchinja Nyika”
  • GORE ROKUBEREKWA: 1966

  • NYIKA: FINLAND

  • NHOROONDO YOUPENYU: AIRWIRA KODZERO DZEVANHU NEMHUKA

MARARAMIRO ANDAIITA:

Ndaifarira zvinhu zvakasikwa kubvira ndichiri muduku. Mhuri yedu yaigara ichinakidzwa nekuona anoyevedza nemadhamu akakura uye akanaka ari munharaunda yeguta rokumusha kwedu reJyväskylä muCentral Finland. Ndinoda mhuka. Pandaiva muduku, ndaida kumbundira chero katsi nembwa zvandaiona! Pandaikura, ndainetseka nemabatiro akaipa aiita vanhu mhuka. Nokufamba kwenguva, ndakazova nhengo yesangano rinoona nezvekodzero dzemhuka uko kwandakawana vanhu vaiva nemafungiro akafanana neangu.

Takashanda nesimba kuti tisimudzire kodzero dzemhuka. Takaparadzira mashoko uye takaronga kuratidzira tichifamba, tichienda kuzvitoro zvaitengesa hembe dzinogadzirwa nemvere dzemhuka uye munzvimbo dzinoitwa zvokuongorora mhuka. Takatomutsa sangano rinoona nezvekudzivirirwa kwemhuka. Matanho akasimba atakatora ekuti tidzivirire mhuka akaita kuti kakawanda tipinde mutsekwende nevane masimba. Ndakasungwa kakawanda, ndichiendeswa kumatare edzimhosva.

Kuwedzera pakuda kudzivirira mhuka, ndairwadziwa nemamwe matambudziko ari munyika. Ndakazopedzisira ndapinda mumasangano anoverengeka anosanganisira rekodzero dzevanhu rinonzi Amnesty International uye rokuchengetedzwa kwezvisikwa rinonzi Greenpeace. Ndaishanda nesimba rangu rose pakutsigira masangano aya. Ndairwira varombo, vaishaya zvokudya uye vaya vaitarisirwa pasi.

Zvisinei, zvishoma nezvishoma ndakazoona kuti handikwanisi kuchinja nyika. Kunyange zvazvo masangano iwayo akagona kugadzirisa mamwe matambudziko madiki mashoma, matambudziko akakura aitoita seaiwedzera kuipa. Zvaiita sokuti uipi hwaitowedzera kuzadza nyika yose uye hapana kana aiva nebasa nazvo. Ndakaona sokuti hapana kana zvandaigona kuita.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI:

Sezvo ndainge ndaora mwoyo nokutadza kwangu kugadzirisa zvinhu, ndakatanga kufunga nezvaMwari uye Bhaibheri. Ndakanga  ndambodzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo ndaiziva kuti Zvapupu zvaiva nemutsa uye zvaindifarira, ndakanga ndisati ndava kuda kuchinja mararamiro angu. Panguva ino, zvinhu zvakanga zvachinja.

Ndakatora Bhaibheri rangu ndokutanga kuriverenga. Rakandinyaradza chaizvo. Ndakaona ndima dzakawanda dzinotidzidzisa kubata mhuka nemutsa. Somuenzaniso, Zvirevo 12:10 inoti, “vanhu vakanaka vanotarisira mhuka dzavo.” (Good News Translation) Ndakanzwisisawo kuti Mwari haasi iye ari kukonzera matambudziko ari munyika. Asi chiri kutoita kuti matambudziko edu anyanye kuwedzera ndechokuti vanhu vakawanda havateereri Mwari. Ndakabayiwa mwoyo pandakadzidza nezverudo rwaJehovha uye mwoyo murefu wake.—Pisarema 103:8-14.

Panguva iyi, ndakawana kapepa kaikurudzira kuti ndikumbire bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? uye ndakakatumira. Pasina nguva, Zvapupu zviviri, murume nomudzimai vakauya kumba ndokuti vaida kudzidza neni Bhaibheri, uye ndakabvuma. Ndakabva ndatangawo kupinda misangano yechiKristu paImba yoUmambo. Izvi zvakaita kuti nditange kuda chokwadi cheBhaibheri chandaidzidza.

Bhaibheri rakandibatsira kuchinja zvinhu zvakawanda muupenyu. Ndakarega kusvuta uye kudhakwa. Ndakatanga kuva munhu anotaridzika zvakanaka uye kugadzirisa matauriro angu. Ndakagadzirisa maonero andaiita vanhu vane masimba. (VaRoma 13:1) Ndakasiyawo upenyu hweunzenza, uhwo hwandaiita pamadiro.

Ndainge ndakanyanya kuomerwa nokuchinja maonero andaiita masangano anoona nezvekodzero dzevanhu uye dzemhuka. Handina kungoerekana ndachinja. Pakutanga ndakafunga kuti hwaizova unyengeri ndikasiya masangano aya. Zvisinei, ndakasvika pakuziva kuti Umambo hwaMwari ndihwo chete huchapedza matambudziko enyika. Saka ndakasarudza kushandisa simba rangu rose pakutsigira Umambo ihwohwo uye pakubatsira vamwe kudzidza nezvahwo.—Mateu 6:33.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA:

Semunhu airwira kodzero dzevanhu nemhuka, ndaiwanzoisa vanhu muzvikwata zviviri, chevakanaka nechevakaipa uye ndaigara ndakagadzirira kurwisa vaya vandaiona sevakaipa. Asi Bhaibheri rakandibatsira kuti ndisavenga vamwe vanhu. Ndinoedza kuratidza rudo rwechiKristu kuvanhu vose. (Mateu 5:44) Kuwedzera panzira dzakawanda dzandinoratidza nadzo rudo, ndinoparidzira mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Ndinofara kuona kuti basa iri rakanaka rinoita kuti vanhu vagare murunyararo, vafare uye rinovapa tariro yechokwadi.

Ndava nepfungwa dzakagadzikana nokuti ndinosiyira zvinhu mumaoko aJehovha. Ndine chokwadi chokuti iye soMusiki, haazoregi mhuka nevanhu zvichitambudzwa nokusingaperi uye haasi kuzorega pasi redu rakanaka kwazvo richiparadzwa. Asi nokukurumidza achashandisa Umambo hwake kuti hugadzirise zvose zvakakanganisika. (Isaya 11:1-9) Zvinondifadza zvikuru kuziva chokwadi ichi uyewo kubatsira vamwe kuti vatende machiri. Handichafungi kuti ndinofanira kuchinja nyika.