Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Bhaibheri iShoko raMwari zvechokwadi here?

Shoko raMwari Bhaibheri, ibhuku rakasiyana nemamwe. Mabhiriyoni emaBhaibheri akapirindwa mumazana emitauro. Uchenjeri huri muBhaibheri hune simba rokutichinja kuva vanhu vari nani.—Verenga 1 VaTesaronika 2:13; 2 Timoti 3:16.

Tinoziva kuti Bhaibheri rinobva kuna Mwari nokuti rinotaura zvakarurama nezveramangwana. Hapana munhu angakwanisa kumboita zvakadaro. Somuenzaniso, funga nezvebhuku raIsaya. Pane kopi yaro yakagadzirwa makore anodarika 100 Jesu asati aberekwa yakawanikwa mune rimwe bako pedyo neGungwa Rakafa. Rinotaura kuti guta reBhabhironi raizova dongo. Mashoko aya akazadzika pashure pemakore akawanda Jesu apedza ushumiri hwake pasi pano.—Verenga Isaya 13:19, 20; 2 Petro 1:20, 21.

Bhaibheri rakanyorwa sei?

Bhaibheri rakanyorwa mumakore anenge 1 600. Vanyori veBhaibheri vanenge 40 vakanyora vachitevera dingindira rimwe chete vasina kumbobvira vapesana. Vakabatsirwa naani? Vakatungamirirwa naMwari.—Verenga 2 Samueri 23:2.

Dzimwe nguva Mwari aitaura nevanyori veBhaibheri achishandisa ngirozi, achiita zvokuvaratidza uye zviroto. Kakawanda, Mwari aiisa zvaaida kuti zvinyorwe mupfungwa dzemunyori uye omubvumira kuti ashandise mashoko ake.—Verenga Zvakazarurwa 1:1; 21:3-5.