Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

Ndairarama Ndichingozvifunga Ini Pachangu

Ndairarama Ndichingozvifunga Ini Pachangu
  • GORE ROKUBEREKWA: 1951

  • NYIKA: GERMANY

  • NHOROONDO YOUPENYU: NDAIDADA UYE NDAISADA KUUDZWA ZVOKUITA

MARARAMIRO ANDAIITA:

Kwemakore mashomanana pashure pekunge ndaberekwa, mhuri yedu yaigara pedyo neguta reLeipzig, kuEast Germany, pedyo nemuganhu weCzech newePoland. Pandainge ndava nemakore 6, baba vangu vakachinjwa kwokushandira zvikaita kuti titamire kunze kwenyika. Takatanga kutamira kuBrazil ndokuzoenda kuEcuador.

Ndava nemakore 14, ndakaendeswa kuchikoro chebhodhin’i kuGermany. Vabereki vangu zvavainge vachigara kuSouth America kure nekwandaiva, ndaitofanira kuzvionera. Ndakanga ndisingachadi kuudzwa zvokuita nemumwe munhu. Ndaisava nebasa zvakanyanya nokuti vamwe vaiona sei zvandaiita.

Pandainge ndava nemakore 17, vabereki vangu vakadzoka kuGermany. Ndakatanga ndichigara navo pamba. Asi nemhaka yokuti ndainge ndisisadi kuudzwa zvokuita nemumwe munhu, ndakaona zvakandiomera kuti nditangezve kuvateerera. Ndava nemakore 18, ndakabva pamba.

Ndakawedzera kusagutsikana pandaitsvaka chandairaramira. Pashure pokucherechedza masangano akasiyana-siyana uye mararamiro evanhu, ndakaona kuti zvainge zvakanaka kutenderera ndichiona pasi rino rakanaka vanhu vasati variparadza.

Ndakasimuka ndichibva kuGermany ndakananga kuAfrica nemudhudhudhu. Nokukurumidza, ndaifanira kudzokera kuEurope kunogadzirisa mudhudhudhu wangu. Pasina nguva rimwe zuva, ndakaerekana ndava muPortugal pamahombekombe. Ndakasiyana nezvokufamba nemudhudhudhu ndokutanga kushandisa chikepe.

Ndakabatana nerimwe boka revechiduku vaida kuyambuka Atlantic Ocean nechikepe. Ndipo pandakaonana naLaurie, uyo akazova mudzimai wangu. Takatanga kuenda kuzvitsuwa zveCaribbean nechikepe. Tangoti garei muPuerto Rico, takabva tadzokera kuEurope. Taida chikepe chinofambiswa nemhepo chataizogona kuisa injini. Asi takangoita mwedzi mitatu chete tichichitsvaka, tikabva tambosiyana nazvo. Ndainge ndanzi ndishande muuto reGermany.

Ndakaita mwedzi 15 ndiri muuto reGermany rinoshandira  mumvura. Panguva iyoyo ini naLaurie takachata ndokutanga kugadzirira kuti tienderere mberi neurongwa hwedu hwokushanyira nzvimbo dzakasiyana-siyana. Nguva pfupi ndisati ndapinda muchiuto, tainge tatenga kachikepe kaizoda kugadziriswa. Pandainge ndichishandira muchiuto, takaramba tichikagadzirisa kuti kaite kufamba nako. Takaronga kuzokashandisa seimba yokugara toramba tichitenderera tichiona pasi rino rakanaka. Panguva iyi, pandainge ndisisiri muchiuto asi tisati tapedza kugadzirisa kachikepe kedu, takabva taonana neZvapupu zvaJehovha ndokutanga kudzidza Bhaibheri.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI:

Pakutanga, ndaiona pasina zvakawanda zvandaifanira kuchinja muupenyu hwangu. Ndainge ndachata nemukadzi wandaigara naye, uye ndakanga ndatorega kusvuta. (VaEfeso 5:5) Paurongwa hwatainge taita hwokutenderera pasi rino, ndakafunga kuti kurarama zvedu tichiona zvinhu zvinoyevedza zvakasikwa naMwari chinhu chaiva nemusoro zvikuru.

Asi kutaura chokwadi, pane zvandaitofanira kuchinja—kunyanya unhu hwangu. Zvandaiva munhu aidada zvikuru uye ndisingadi kuudzwa zvokuita nemumwe munhu, ndainyanya kufunga nezveunyanzvi hwangu uye zvandainge ndakwanisa kuita muupenyu. Ndairarama ndichingozvifunga ini pachangu.

Rimwe zuva, ndakaverenga Mharidzo yaJesu yepaGomo inozivikanwa zvikuru. (Mateu, zvitsauko 5-7) Pakutanga, handina kunzwisisa zvinoita kuti munhu afare zvakataurwa naJesu. Somuenzaniso, akati vanofara vaya vane nzara nenyota. (Mateu 5:6) Zvakandinetsa kuti kushayiwa kungaita sei kuti munhu afare. Zvandakaramba ndichidzidza, ndakazoona kuti tose tine zvatinoda pakunamata, asi tinofanira kubvuma kuti tinozvida tisati tazvipiwa. Ndizvo zvakataurwa naJesu paakati: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.”—Mateu 5:3.

Pashure pokunge tatanga kudzidza Bhaibheri kuGermany, ini naLaurie takatamira kuFrance, uye pave paya, kuItaly. Kwose kwataienda taiwana Zvapupu zvaJehovha. Ndakafarira zvikuru kubatana kwavo uye kudanana kwavanoita. Ndakaona kuti Zvapupu zvinoita semhuri imwe chete pasi rose. (Johani 13:34, 35) Nokufamba kwenguva, ini naLaurie takabhabhatidzwa seZvapupu zvaJehovha.

Pandakabhabhatidzwa, ndakaramba ndichichinja unhu hwangu. Ini naLaurie tainge taronga kuenda nechikepe tichitevedza mahombekombe eAfrica tobva tazoyambuka Atlantic Ocean tichipinda kuUnited States. Pataiva munyanza—tingori vaviri mukachikepe, tiri pakati-kati penyanza—ndipo pandakaona kuti ndiri kanhu kaduku-duku kana ndichienzaniswa neMusiki wedu. Zvandainge ndisina zvakawanda zvokuita pataiva pakati penyanza, ndakashandisa nguva yandaiva nayo kuverenga Bhaibheri. Ndakanyanya kubatwa-batwa nenyaya dzinotaura nezveupenyu hwaJesu ari panyika. Kunyange zvazvo ainge ari munhu asina chivi achigona kuita zvinhu zvandaisagona kufungidzira, haana kumbobvira ashamisira nazvo. Aisararamira kuita zvaaida iye pachake asi zvaidiwa naBaba vake vokudenga.

Ndakaona kuti ndaifanira kuisa Umambo hwaMwari pakutanga muupenyu hwangu

Pandaifungisisa zvaiitwa naJesu, ndakaona kuti ndaifanira kuisa Umambo hwaMwari pakutanga muupenyu hwangu pane kuti ndingoedza kuhubatanidza pane zvakasiyana-siyana zvandaida kuita. (Mateu 6:33) Patakazosvika kuUnited States, takafunga kugara ikoko toisa pfungwa dzedu pane zvokunamata.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA:

Pandairarama ndichingozvifunga ini pachangu, ndaisagutsikana nezvandaisarudza muupenyu. Asi iye zvino ndava nekwandinowana uchenjeri hunonditungamirira. (Isaya 48:17, 18) Ndakawanawo chokuraramira muupenyu chandainge ndisina kumbobvira ndawana—kunamata Mwari uye kubatsira vamwe kuti vadzidze nezvake.

Kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kwakaita kuti wanano yedu isimbe zvikuru. Takakomborerwawo nemwanasikana ari tsvarakadenga uyo anoziva Jehovha uye anomuda.

Hakusi kuti upenyu hwedu hwaingova mutserendende. Asi tichibatsirwa naJehovha, takatsunga kuramba tichimushumira uye tichivimba naye.—Zvirevo 3:5, 6.