Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita kuti Ukwegure Zvakanaka

Zvaungaita kuti Ukwegure Zvakanaka

PAUNOFUNGA kuti uchakwegura unonzwa sei? Kufunga izvi kunoita kuti vakawanda vanetseke, vazvidye mwoyo, kunyange kutotya. Chikonzero ndechekuti vakawanda vanongotaura zvakaipa nezvekukwegura, zvakadai sekusaratidzika zvakanaka, kushaya simba, kutadza kuyeuka zvinhu, uye kugara uchirwara.

Asi chokwadi ndechekuti zvinoitika panokwegura vanhu zvinosiyana chaizvo. Vamwe vanoramba vaine utano huri nani nepfungwa dzinoshanda zvakanaka. Kufambira mberi panyaya dzekurapa kuri kubatsira vamwe kurarama nezvirwere zvinotora nguva refu, kana kutozvirapa. Saka mune dzimwe nyika vanhu vakawanda vari kurarama makore akati wandei, vaine utano huri nani.

Kunyange zvakadaro, vakawanda vanoda kukwegura zvakanaka pasinei nokuti vachasangana nezvinetso zvinokonzerwa nekukura kana kuti kwete. Munhu angaitei kuti akwegure zvakanaka? Zvimwe zvaanogona kuita kuva nemafungiro akanaka, kubvuma uye kukwanisa kuchinja maererano nezvinenge zvavapo. Ngationei zvinhu zviri nyore uye zvinobatsira zvinotaurwa neBhaibheri panyaya iyi.

IVA NEMWERO: “Vane mwero ndivo vane uchenjeri.” (Zvirevo 11:2) Panyaya yatiri kukurukura, vakwegura “vane mwero” ndevaya vanobvuma kuti vane zvavasisakwanisi kuita uye vanoita zvinoenderana nemamiriro ezvinhu anenge avapo. Charles wekuBrazil uyo ane makore 93, akataura chaizvo zvinoitika paakati: “Kana ukararama makore akawanda, unototi ukwegure. Hapana paunombodzoka kuva mudiki.”

Zvisinei, kuva nemwero hakurevi kuva nepfungwa dzinoita kuti munhu ashaye mufaro dzekuti, “Ndachembera, saka hapana zvimwe zvandichaita.” Mafungiro iwayo anogona kuita kuti munhu atorega kuita zvaanokwanisa. Zvirevo 24:10 inoti: “Wakaora mwoyo pazuva rokutambudzika here? Simba rako richava shoma.” Asi munhu ane mwero anoratidza kuti ane uchenjeri, achiita zvaanogona maererano nezvinenge zvavapo.

Corrado wekuItaly uyo ane makore 77, akataura mashoko euchenjeri achiti: “Kuti upenyu hukufambire zvakanaka paunenge wakura, unofanira kuderedza zvaunoita maererano nesimba raunenge wava naro. Saka munhu anofanira kutochinja zvimwe zvinhu paanenge akura. Corrado nemudzimai wake, vakaronga maitiro avanoita mabasa epamba, kuti vashande vasingamhanyi-mhanyi kuitira kuti varege kuzosara varukutika. Marian wekuBrazil uyo ane makore 81, anoziva zvaasisakwanisi kuita sezvo akwegura. Anoti, “Ndakadzidza kushanda zvinoenderana nesimba rangu. Ndikanzwa kuti ndaneta, ndinobva ndamboti zororei. Ndinogara pasi kana kurara zvangu, ndoverenga kana kuteerera mimhanzi. Ndakadzidza kuziva uye kurega zvandisingakwanisi kuita.”

Gara wakashambidzika

GARA WAKASHAMBIDZIKA: Vakadzi vanofanira kupfeka “nguo dzakagadzirwa zvakanaka, vaine mwero nepfungwa dzakanaka.” (1 Timoti 2:9) Mashoko ekuti “nguo dzakagadzirwa zvakanaka” anoratidza kuti dzinofanira kunge dziine mwero uye dzichiratidzika. Barbara wekuCanada uyo ane makore 74, anoti: “Ndinoedza chaizvo kuti ndigare ndakachena uye ndichiratidzika. Handidi kupfeka hembe dzakasaririra nekachikonzero kekuti, ‘Ndiri wekare uye handina basa nekuti ndinoratidzika sei.’” Fern wekuBrazil, uyo ane makore 91 anoti: “Ndinotenga mbatya nyowani pano neapo kuti ndimbofarawo.” Ko vanasekuru vangaitawo sei? Antônio, wekuBrazil uyo ane makore 73 anoti, “Ndinoita zvose zvandinogona kuti ndigare ndichiratidzika, uye ndinopfeka hembe dzakanaka, dzakachena.” Panyaya yekuva neutsanana anoti: “Ndinogeza uye ndinogera ndebvu mazuva ose.”

Zvinokoshawo kuti munhu arege kuzvinetsa nenyaya yekuti anoonekwa sei nevamwe zvekuti anosvika pakutadza kuva “nepfungwa dzakanaka.” Mukadzi anonzi Bok-im wekuSouth Korea uyo ane makore 69, anoratidza kuti ane pfungwa dzakanaka panyaya yekupfeka. Anoti: “Ndinonyatsoziva kuti hazviite kuti ndipfeke dzimwe hembe dzandaimbopfeka pandaiva mudiki.”

Gara uchifara

GARA UCHIFARA: “Mazuva ose omunhu anotambudzika akaipa; asi munhu ane mwoyo unofara anoita mutambo nguva dzose.” (Zvirevo 15:15) Paunenge uchikwegura, unogona kumboora mwoyo paunoyeuka mazuva awaiva mudiki uchine simba uye uchikwanisa kuita zvinhu zvakawanda. Izvozvo zvinonzwisisika. Zvisinei, ita zvose zvaunogona kuti pfungwa idzodzo dzisakukunde. Kugara uchifunga zvawaikwanisa kuita kare kunogona kukushayisa mufaro zvoita kuti urege kuita zvauchiri kukwanisa. Joseph wekuCanada, uyo ane makore 79, munhu anofara. Anoti: “Ndinonakidzwa nezvinhu zvandichiri kukwanisa kuita, uye handizvidyi mwoyo pamusoro pezvinhu zvandisisakwanise kuita iye zvino.”

Kuverenga uye kudzidza kunogonawo kuita kuti uwedzere kufara uye kuti uzive zvimwe zvinhu zvitsva. Saka ramba uchiita zvose zvaunogona kuti uverenge uye udzidze zvinhu zvitsva. Ernesto wekuPhilippines uyo ane makore 74, anogara achienda kuraibhurari kunotsvaka mabhuku ekuverenga anonakidza. Anoti, “Ndichiri kunakidzwa nekuita zvinhu zvitsva. Pandinoverenga dzimwe nyaya, ndinotoita sendiri kushanyira nzvimbo dzinenge dzichitaurwa.” Mumwe murume wekuSweden anonzi Lennart uyo ane makore 75 akatosarudza kuita basa risiri nyore rekudzidza mumwe mutauro.

Iva nerupo

IVA NERUPO: “Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo.” (Ruka 6:38) Gara uchishandisa nguva yako nezvauinazvo kuti ubatsire vamwe. Izvi zvichaita kuti ugutsikane uye ufare. Hosa wekuBrazil uyo ane makore 85, anogara achibatsira vamwe pasinei nekuti utano hwake hunomunetsa. Anoti: “Ndinofona nekunyora tsamba kushamwari dzangu dzinenge dzichirwara kana kuti dzinenge dzakaora mwoyo. Dzimwe nguva ndinovatumira zvipo zvidiki-diki. Ndinofarirawo kubikira vanorwara.”

Kana tikava nerupo, vamwe vachatipawo. Jan wekuSweden uyo ane makore 66 akati: “Ukaratidza kuti unoda vamwe, zvichaita kuti vakudewo.” Munhu ane rupo anoita kuti vamwe vamufarire uye vamuremekedze.

IVA NEUSHAMWARI: “Munhu anozviparadzanisa nevamwe achazvitsvakira zvaanoda zvoudyire; acharwa nouchenjeri hwose hunobatsira.” (Zvirevo 18:1) Pane paunombodawo kuva wega, asi hazvirevi kuti nguva dzose unofanira kunge ungori wega wakati zii. Innocent wekuNigeria uyo ane makore 72, anonakidzwa nekuva neshamwari dzake. Akati: “Ndinofara kushamwaridzana nevanhu vemazera ose.” Börje wekuSweden uyo ane makore 85, anoti: “Ndinotsvaga mikana yekuti ndive nevechidiki. Pandinoona simba ravainaro, ndinobva ndanzwawo sekuti ndiri mudiki.” Pano neapo, koka shamwari kumba kwako. Han-sik, wekuSouth Korea uyo ane makore 72, anoti: “Ini nemudzimai wangu tinokoka shamwari dzemazera ose, vakwegura nevachiri kuyaruka, kuti tizodya navo kana kuti kutandara.”

Iva neushamwari

Vanhu vane ushamwari vanotaura nyaya. Asi tinodawo kuteerera vamwe pavanenge vava kutaura. Ratidza kuti unofarira vamwe. Helena, wekuMozambique, uyo ane makore 71, anoti: “Ndinofarira vamwe uye ndinovaremekedza. Ndinoteerera zvavanenge vachitaura kuti ndizive zvavanofunga uye zvavanofarira.” José wekuBrazil uyo ane makore 73, anoti: “Vanhu vanofarira kuva neshamwari dzinovateerera pavanenge vachitaura, dzine tsitsi uye dzinovafarira, dzinovarumbidza pavanenge vagona, uye dzinombotaurawo zvinosetsa.”

Paunenge uchitaura zvaunofunga, unofanira ‘kurunga mashoko ako nemunyu.’ (VaKorose 4:6) Iva netsitsi uye kurudzira vamwe.

TENDA ZVAUNOITIRWA: “Ratidzai kuti munoonga.” (VaKorose 3:15) Paunobatsirwa nemumwe munhu, unofanira kumutenda. Kutenda vamwe kunobatsira kuti tigare tichiwirirana navo. Marie-Paule wekuCanada, uyo ane makore 74, anoti: “Ini nemurume wangu hatisati tava nenguva yakareba kubva patakatama pamba pataigara tichinogara mufurati. Pane shamwari dzakawanda dzakatibatsira. Takashaya kuti tingavatenda sei. Takatumira mumwe nemumwe wavo kadhi rekumutenda uye kubvira ipapo, tange tichikoka vamwe vavo kuzodya nesu.” Mumwe mukadzi wekuSouth Korea anonzi Jae-won uyo ane makore 76, anotenda chaizvo vaya vanomukwidza motokari pakuenda kuImba yoUmambo. Anoti: “Ndinoonga chaizvo kubatsirwa kwandinoitwa zvekuti ndinova nechokwadi chekuvapawo mari yekutenga mafuta emotokari. Dzimwe nguva ndinogadzira tuzvipo netutsamba twekuvatenda.”

Chaunofanira kutotenda zvikuru ndechekuti uri mupenyu. Mambo akachenjera Soromoni akatiyeuchidza kuti “imbwa mhenyu iri nani pane shumba yakafa.” (Muparidzi 9:4) Saka munhu anogona kukwegura zvakanaka, ndokunge aine mafungiro akanaka uye achibvuma kuchinja maererano nezvinenge zvavapo.

Tenda zvaunoitirwa