Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 123

Kutevedzera Urongwa hwaMwari Takavimbika

Kutevedzera Urongwa hwaMwari Takavimbika

(1 VaKorinde 14:33)

  1. 1. Vanhu vaJehovha pakuparidza

    Chokwadi nekukosha kweUmambo,

    Urongwa hwaMwari ngavate’rere,

    Vakabatana, vakavimbikawo.

    (KORASI)

    Tozvi’sa pasi takavimbika

    Kuna Mwari wedu.

    Anodzivirira, anotida,

    Tovimbika kwaari.

  2. 2. Mwari akatipa muranda wake

    Nemweya wake kutitungamira.

    Tisazununguke, tifadze Mwari,

    Tichizivisa zvese zva’katonga.

    (KORASI)

    Tozvi’sa pasi takavimbika

    Kuna Mwari wedu.

    Anodzivirira, anotida,

    Tovimbika kwaari.