Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 128

Kutsungirira Kusvika Kumugumo

Kutsungirira Kusvika Kumugumo

(Mateu 24:13)

  1. 1. Zviri muShoko raMwari

    Zvinopa ushingi.

    Zvamakadzidza mukada,

    Zvese ndezvechokwadi.

    Simbiswai mukutenda,

    Nekufunga mugumo.

    Rambai makaperera,

    Munatswe nemiedzo.

  2. 2. Musasiya rudo rwenyu,

    Rungangotonhora.

    Pasinei nemiedzo,

    Rambai makatsunga.

    Nyange youya miedzo,

    Musatombotya zvenyu.

    Jehovha anonunura,

    NdiMwari ari pedyo.

  3. 3. Vese vanotsungirira

    Ndivo vachapona.

    Mazita avo onyorwa

    Mubhuku zvakajeka.

    Kutsungirira kwopedza

    Basa rakwo, tikwane.

    Mwari achakomborera,

    Tichafara zvikuru.