Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 134

Vana Makavachengeteswa naMwari

Vana Makavachengeteswa naMwari

(Pisarema 127:3-5)

  1. 1. Murume pa’nova baba,

    Mukadzi paanova nemwana,

    Vanofanira kuyeuka

    Kuti vamuchengeteswa.

    Chipo chinobva kuna Mwari;

    Upenyu, rudo zvinobva kwa’ri.

    Anorayira vabereki

    Kuti vave vakachenjera.

    (KORASI)

    Vana venyu inhaka tsvene;

    Vari mumaoko enyu.

    Vaitirei zvakanaka;

    Vadzidzisei mitemo.

  2. 2. Mitemo yese yaMwari

    Ngaive mumwoyo menyu imi.

    Mozoiudza vana venyu;

    Iri ndiro basa renyu.

    Vaudzei pamunofamba,

    Pamunomuka nekuzorora.

    Ramangwana vozoyeuka,

    Vazowana zvikomborero.

    (KORASI)

    Vana venyu inhaka tsvene;

    Vari mumaoko enyu.

    Vaitirei zvakanaka;

    Vadzidzisei mitemo.