Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 56

Ita Kuti Chokwadi Chive Chako

Ita Kuti Chokwadi Chive Chako

(Zvirevo 3:1, 2)

  1. 1. Nzira yechokwadi inopfu’ra dzese,

    Asi anosarudza ndiwe.

    Saka teerera zano raJehovha.

    Bvuma zvaanokuudza.

    (KORASI)

    Bvuma chokwadi.

    Chioneke nezvi’to.

    Mwari akupe

    M’faro, waita

    Chokwadi chive chako.

  2. 2. Nguva nesimba rauri kushandisa

    Mubasa iri reUmambo

    Zvichakupa upenyu husingaperi;

    Upenyu hwakanakisa.

    (KORASI)

    Bvuma chokwadi.

    Chioneke nezvi’to.

    Mwari akupe

    M’faro, waita

    Chokwadi chive chako.

  3. 3. Kuna Jehovha takaita sevana,

    Tinoda kutungamirirwa.

    Saka famba naMwari mazuva ese,

    Iye akukomborere.

    (KORASI)

    Bvuma chokwadi.

    Chioneke nezvi’to.

    Mwari akupe

    M’faro, waita

    Chokwadi chive chako.