Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 81

Upenyu hwaPiyona

Upenyu hwaPiyona

(Muparidzi 11:6)

  1. 1. Panotanga zuva; risati rabuda,

    Tinobuda mumba

    meso ane hope, totenda.

    Tinonyemwerera munhu wese zvake.

    Vamwe vombomira,

    vamwe vodarika, tiripo.

    (KORASI)

    Ndizvo zvatinoda;

    Kuraramira She.

    Chero zvaanoda tozvi’ta.

    Tinotsungirira,

    Zuva kana mvura.

    Neizvi totaura kuti: “Ndokudai.”

  2. 2. Panopera zuva, zuva ra’kunyura,

    Tofara, taneta,

    mwoyo wotutuma, totenda.

    Ndozviri pamwoyo, kupa zvese zvedu.

    Totenda Jehovha,

    otikomborera zvikuru.

    (KORASI)

    Ndizvo zvatinoda;

    Kuraramira She.

    Chero zvaanoda tozvi’ta.

    Tinotsungirira,

    Zuva kana mvura.

    Neizvi totaura kuti: “Ndokudai.”