Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndiani Achachengetedza Nyika Kuti Isaparadzwa?

Ndiani Achachengetedza Nyika Kuti Isaparadzwa?

 Vanhu vakawanda vanonetseka pavanofunga nezvekuti vanhu vari kuparadza nyika nezvinhu zvinorarama pairi. Nyanzvi dzinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda dzinoti iye zvino vanhu vava kunyanya kuita zvinhu zvinoita kuti dzimwe mhuka nezvimwe zvisikwa zvatsakatike.

 Vanhu vachaparadza nyika here, kana kuti vachakwanisa kurarama nenzira yekuti vanenge vachichengetedza zvinhu zvakasikwa?

Zviri kuedza kuitwa nevanhu zvichabudirira here?

 Vaongorori vakawanda vane chokwadi chekuti vanhu vanokwanisa kuchengetedza nyika nezvinhu zvinorarama pairi. Vamwe vanoti, kuti zviri kurongwa nevanhu zvibudirire, pane zvinhu zvakawanda zvinofanira kugadziriswa. Zvimwe zvacho ndeizvi:

  •   Kuchengetedza nyika, masango, mapani uye makungwa.

  •   Kushandisa dzimwe nzira pakurima uye kuita kuti michina ishande asi isingasvibisi nharaunda.

  •   Kuchinja nzira dzekugadzira nadzo zvekudya, vanhu vonyanya kudya zvinhu zvakarimwa, nyama yoita shoma uye zvekudya zvorega kupambadzwa.

  •   Kubvuma kuti kana munhu achida kuva neupenyu hwakanaka haafaniri hake kuva nezvinhu zvakawanda zvekurarama nazvo.

 Unofungei? Zvine musoro here kutarisira kuti hurumende, makambani, uye vanhu vese vachabvuma kushanda pamwe chete pakuita izvi? Kana kuti unofunga kuti hazviiti kuti vabvume pamusana pemakaro, kungofunga zvakavanakira uye kusafunga nezveramangwana?—2 Timoti 3:1-5.

Chikonzero chinoita kuti titi nyika haizoparari

 Bhaibheri rinotivimbisa kuti nyika haisi kuzoparadzwa nevanhu. Rinotaura kuti nei zvinoedza kuitwa nevanhu zvisiri kuzonyatsobudirira, uye rinotsanangura kuti zvii zvinofanira kuchinjwa kuti nyika ichengetedzwe. Rinotiudzawo kuti zvinhu zvichachinja sei.

 Nei vanhu vasingakwanisi kunyatsochengetedza nyika? Jehovha a Mwari akasika nyika uye akapa vanhu basa rekuichengeta. (Genesisi 1:28; 2:15) Vaizongobudirira chete pabasa iri kana vaizoramba vachitsvaga kutungamirirwa neMusiki wavo uye kuita zvaaivaudza. (Zvirevo 20:24) Asi vakaramba kuteerera Jehovha, vakati vanoda kuzvisarudzira vega. (Muparidzi 7:29) Kana vasingatevedzeri mitemo yaJehovha, vanhu havakwanise kuchengetedza nyika, uye chero zvavanoedza kuita hazvinyatsobudirire sezvavanenge vachida.—Zvirevo 21:30; Jeremiya 10:23.

 Zvinofanira kuchinjwa. Chinangwa chaMwari ndechekuti vanhu vasaramba vachiparadza nyika. (Zvakazarurwa 11:18) Haasi kuzochinja hurumende nevanhu vari panyika iye zvino, avo vari kuparadza nyika, asi achatovabvisa panyika. (Zvakazarurwa 21:1) Nechikonzero ichi, Jehovha anozivisa kuti: “Inzwa! Ndiri kuita kuti zvinhu zvese zvive zvitsva.”—Zvakazarurwa 21:5.

 Zvichachinjwa sei? Jehovha achaita kuti hurumende yake inonzi Umambo hwaMwari itsive hurumende dzevanhu. Hurumende iyoyo inenge ichitungamirirwa naJesu Kristu, ndiyo ichatonga pasi rese.—Dhanieri 2:44; Mateu 6:10.

 Umambo hwaMwari huchadzidzisa vanhu kurarama zvinoenderana nemitemo yake. Vanhu pavanoziva Musiki wavo, votsvaga kutungamirirwa naye, vanokwanisawo kurarama vachinyatsochengeta nyika nezvinhu zviri pairi zvakanaka. (Isaya 11:9) Bhaibheri rinotsanangurawo zvichaitwa nehurumende yaMwari kuti vanhu vainenge ichitonga vanakidzwe neupenyu, asi vasingaparadzi nyika. Izvi ndizvo zvaichaita:

 Unogona kuva nechivimbo chekuti Umambo hwaMwari hwava pedyo kuita zvinhu izvi. Kuti unzwe zvimwe, verenga nyaya yakanzi “Umambo hwaMwari Huchatonga Riini Panyika?

a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.