Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JESÚS MARTÍN | NYAYA YEUPENYU

“Jehovha Akandinunura Panguva Yakaoma Chaizvo Muupenyu Hwangu”

“Jehovha Akandinunura Panguva Yakaoma Chaizvo Muupenyu Hwangu”

Ndakaberekerwa muMadrid muna 1936. Kune vakawanda vezera rangu vemuSpain, gore iroro harikanganwike. Mugore iroro muSpain makaitika hondo yevagari vemo yakaipisisa chaizvo.

 Hondo iyoyo yakatambudza vanhu muSpain kwemakore anoda kusvika matatu, uye yakaita kuti vanhu vakawanda vasare vaine mavanga uye vachishungurudzika chaizvo. Baba vangu ndemumwewo akatarisana neizvi. Vainge vagara vachitenda muna Mwari, asi vakagumbuka chaizvo pavakaona vapristi vechechi yeRoma vachipindira muhondo zvakanyanya. Saka vakabva vati ini nemunin’ina wangu tisabhabhatidzwa muchechi yeRoma.

Francisco Franco ainge akabatana chaizvo neChechi yeRoma

 Muna 1950, Zvapupu zvaJehovha zviviri zvakauya pamba pedu. Baba vakateerera zvavaitaura vachibva vakabvuma kudzidza Bhaibheri vhiki rega rega. Panguva iyoyo ndaiva nemakore 14 uye ndaifarira chaizvo kutamba bhora. Baba vaida chaizvo kuti ndiverenge mabhuku avaisiyirwa neZvapupu, zvakanga zviri kure neni. Mumwe musi ari mas ikati ndadzoka kumba kubva kunotamba bhora, ndakabvunza mhamha kuti, “Mhamha, vanhu vaya veBhaibheri vari pano futi?” Vakabva vati: “Ehe, varimo mumba nababa.” Ndakabva ndatendeuka ndichibva ndadzokera kunotamba!

 Chaindishamisa ndechekuti, baba havana kurega kudzidza Bhaibheri pasinei nezvandaiita ndichida kuvaodza mwoyo. Vaifarira chokwadi chavakanga vari kudzidza, zvekuti muna 1953 vakabva vabhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha. Kubhabhatidzwa kwakaitwa baba kwakabva kwaita kuti ndide kuziva zvakawanda, uye ndakatanga kubvunza baba mibvunzo yakawanda. Ndakatokumbira kuti vanditsvagirewo Bhaibheri. Vakabva vataura naMáximo Murcia, mumwe mukomana akanga ari Chapupu, kuti atange kudzidza neni Bhaibheri. Papera makore maviri ndakabva ndakabhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha ndava nemakore 19, murwizi runonzi Jarama nechekumabvazuva kweMadrid.

Kuparidza Panguva Yeudzvinyiriri hwaFranco

 Mumakore ekuma1950, zvainge zvakaoma kuparidza uye kuungana pamwe chete. Mutongi aidzvinyirira ainzi Francisco Franco ndiye aitonga Spain, uye aida kuti munhu wese muSpain apinde chechi yeRoma. Saka mapurisa aigara achinetsa Zvapupu zvaJehovha. Taiungana pachivande mudzimba uye taingwarira chaizvo kuti vavakidzani vasationa vobva vatimhan’arira kumapurisa. Taiparidzirawo paimba neimba asi tichizviita takangwarira. Taiparidzira dzimba mbiri kana nhatu tobva takurumidza kubva munzvimbo iyoyo toenda kune imwe iri nechekure. Vanhu vakawanda vaiteerera mashoko ataiparidza, asi havasi vese vaizvifarira.

Hama F. W. Franz vakataura pane rimwe remagungano edu aiitwa pachivande

 Ndinoyeuka tichisangana nemumwe mupristi weRoma pane imwe imba. Pandakatsanangura zvatainge tafambira, akandibvunza kuti: “Ndiani akakubvumirai kuita zvamuri kuita? Munoziva here kuti ndinogona kukumhan’arirai kumapurisa?” Ndakataura kuti taitarisira kuti zvinhu zvakadaro zvaigona kuitika. Ndakamuudzawo kuti: “Vavengi vaJesu vakaedza kuita kuti asungwe. Saka hazvishamisi kuti vateveri vake vanogonawo kusangana nezvinhu zvakadaro?” Haana kufara nezvandakataura uye akabva apinda mumba achibva afonera mapurisa. Saka takabva takurumidza kubva pamba ipapo.

 Kunyange zvazvo taisangana nematambudziko aya, vaparidzi vakawanda muSpain vainyatsoona kuti munda wakanga waibva. Muna February 1956, ndichiine makore 19, ndakagadzwa kuti ndishumire sapiyona chaiye. a Vakawanda vemapiyona taiva vadiki uye tisina ruzivo, asi paiva nemamishinari mashoma ayo akatidzidzisa uye akatikurudzira. Ini nemumwe piyona wechidiki takanzi tinoshumira tiri muguta reAlicante, uko kwainge kusina kumbobvira kwaparidzirwa. Mumwedzi mishoma takanga tatova nezvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda, uye takaparadzira mabhuku akawanda.

 Panewo vamwe vaiona zvataiita vasina kufara nazvo. Tangoita mwedzi mishoma tiri muAlicante, mapurisa akatisunga uye akatora maBhaibheri edu. Takaita mwedzi wese tiri mujeri, tichibva tazoendeswa kuMadrid uko kwatakabva tazosunungurwa. Kusungwa kwatakaitwa aingova mavambo chete.

Kutarisana Nenguva Dzakaoma Chaizvo

 Pandakanga ndava nemakore 21, ndakanzi ndinojoina chiuto. Ndaifanira kuenda kukamba yemasoja muNador, guta riri kuchamhembe kweMorocco, iro panguva iyoyo raiva pasi peutongi hweSpain. Ndiri ikoko ndakamira pamberi pemukuru mukuru wavo, uye ndakavaudza kuti handisiri kuzopinda muchiuto uye ndaizvitaura neruremekedzo. Ndakati handipindi muchiuto kana kupfeka yunifomu dzavo. Mupurisa akabva aenda neni kujeri reRostrogordo, muMelilla, kuti ndinomirira kutongwa ndiri ikoko.

Jeri reRostrogordo muMelilla

 Nyaya yangu isati yatongwa, mukuru mukuru wemasoja wekuSpain aiva muMorocco akaudza masoja kuti andirove kusvikira ndachinja pfungwa. Saka, ndakazvamburwa kwemaminitsi 20 uye ndakakaviwa ndikadonhera pasi ndichibva ndafenda. Mukuru mukuru uya haana kugutsikana, akabva atanga kunditsika mumusoro nebhutsu dzechisoja kusvikira paakazoona ndava kubuda ropa. Ndakabva ndaendeswa kuhofisi yake. Tiri ikoko akatanga kupopota achiti: “Usafunga kuti ndapedza newe. Tichatowedzera zuva rimwe nerimwe!” Akabva arayira magadhi kuti andivharire muchitokisi chepasi. Chitokisi chacho chaiva neunyoro uye chiine rima, zvekuti ndakabva ndaona sekuti ndakanga ndisisina tariro.

 Ndichiri kuyeuka panguva iyoyo ndakarara pasi muchitokisi, musoro wangu wakazara ropa. Ndakanga ndisina kana chii zvacho kunze kwekagumbeze kandakazvimonera nako uyewo muchitokisi macho maipinda makonzo. Chandaingokwanisa kuita, kwaiva kunyengetera kuna Jehovha kuti andipe simba uye ndikwanise kutsungirira. Ndiri muchitokisi imomo maiva nerima uye maitonhora, ndakanyengetera ndanyengeterazve. b

 Ndakarohwa zvakare zuva rakatevera, asi panguva ino ndakarohwa nemumwe mukuru mukuru. Komanda wavo ainge akatarisa kuti ave nechokwadi chekuti ndarohwa zvinomugutsa. Kutaura chokwadi, panguva iyoyo ndaiona sekuti ndakanga ndisiri kuzokwanisa kuramba ndichitsungirira kurohwa kwandaiitwa. Manheru emusi iwoyo ndiri muchitokisi, ndakateterera kuna Jehovha kuti andibatsire.

 Zuva rechitatu ndakabva ndashevedzwa zvakare kuhofisi yakomanda wavo. Ndaingoti hamenowo zvichaitika ikoko. Pandaifamba ndichienda kuhofisi yake, ndakanyengetera kuna Jehovha. Don Esteban, c munyori mudare remasoja, akanga achida kundiona. Ainge auya kuzonzwa nezvenyaya yandaipomerwa.

 Don Esteban paakaona mabhandeji aiva mumusoro mangu, akabvunza kuti zvainge zvafamba sei. Ndaizeza kutaura nekuti ndaityira kuti pamwe ndaizorohwa zvakare, asi ndakabva ndakabva ndamuudza zvese zvakaitika. Paakanzwa izvi, Don Esteban akati: “Hazviiti kuti nditi chirega kuenda kudare. Asi chokwadi ndechekuti, hapana achakurova zvakare.”

 Sekutaura kwaakaita, nguva yese yandakagara mujeri hapana munhu akandirova. Handizivi kuti chii chakaita kuti Don Esteban ade kutaura neni zuva iri. Chandinoziva ndechekuti minyengetero yangu yakapindurwa nenzira inoshamisa chaizvo. Ndakaona kuti Jehovha akandinunura sei panguva iyoyo yainge yakaoma chaizvo muupenyu hwangu uye kuti haana kubvumira kuti nditambudzwe kupfuura zvandaigona kutsungirira. (1 VaKorinde 10:13) Pakatongwa nyaya yangu ndainyatsovimba naJehovha.

Pajeri reOcaña

 Ndakatongerwa kugara mujeri kwemakore 19 uye ndakawedzerwa mamwe matatu zvichinzi ndakanga ndisingateereri. Pashure pemwedzi inenge 15 ndiri muMorocco, ndakaendeswa kujeri rekuOcaña, pedyo neMadrid, kuti ndinopedzisa makore akanga asara ndiri ikoko. Kuendeswa kwandakaitwa kuOcaña chaiva chikomborero chaibva kuna Jehovha. Uku kwainge kuri nani chaizvo kana kuchienzaniswa neRostrogordo. Muchitokisi mandaigara maiva nemubhedha uye negumbeze. Papera nguva yakati, ndakanzi ndiite basa rekuona kuti mari dziri kushandiswa mujeri dziri kushandiswa zvakanaka here. Asi kuvharirwa mujeri kwenguva yakareba kwaiita kuti ndisurukirwe chaizvo. Chimwe chinhu chainge chakanyanya kundiomera kwaiva kutadza kuwadzana nevamwe pakunamata Jehovha.

 Vabereki vangu vaindishanyira apo neapo, asi ndaida chaizvo kukurudzirwa. Vakandiudza kuti kunewo dzimwe hama dzakarambawo kupinda muchiuto. Saka ndakanyengetera kuna Jehovha ndichimukumbira kuti aite kuti imwe hama iunzwewo mujeri mandaiva. Jehovha akapindura zvakare munyengetero wangu kutopfuura zvandaitarisira. Pasina nguva, dzimwe hama dzainge dzakatendeka dzinoti: Alberto Contijoch, Francisco Díaz, uye Antonio Sánchez, dzakaunzwa mujeri randaiva rekuOcaña. Ndakanga ndavawo nehama dzangu pashure pekunge ndaita makore 4 ndiri ndega. Tiri 4 kudaro taigona kudzidza pamwe chete uye kuparidzira vamwe vasungwa.

Kubudiswa Mujeri Uye Kuenderera Mberi Nebasa

 Muna 1964, ndakazokurumidza kubudiswa mujeri. Makore 22 andakanga ndatongerwa akazopedzisira ava 6 nehafu. Musi iwoyo wandakabudiswa mujeri, ndakatonopinda musangano. Kunyange zvazvo ndaifanira kushandisa kamari kandaiva nako kubhadhara chekufambisa kudzoka kuMadrid, ndakasvika pamusangano nenguva. Chaiva chikomborero kuvazve pamwe chete nehama dzangu! Asi ndakanga ndisiri kungofarira kuva pamwe chete nehama dzangu chete. Ndaida kubva ndatotangazve kupayona. Kunyange zvazvo mapurisa akanga achiri kunetsa hama nehanzvadzi, vanhu vakanga vari kuratidza kufarira mashoko akanaka, uye kwaiva nebasa rakakura raifanira kuitwa.

 Panguva iyoyo, ndakaonana naMercedes, hanzvadzi yechidiki yaishingaira chaizvo uye yaishumira sapiyona chaiye. Mercedes aiva hanzvadzi yaizvininipisa uye aida chaizvo kuparidzira munhu wese. Aivawo nemutsa uye aine rupo, uye izvi ndizvo zvakaita kuti ndimufarire. Takabva tatanga kudanana uye pashure pegore takachata. Mercedes ange ari chikomborero chaicho kwandiri.

Ndiina Mercedes tichangobva kuchata

 Pashure pemwedzi yakati kuti tachata, takanzi tinoshumira mubasa remudunhu. Pataishanyira ungano dzakasiyana-siyana vhiki rega rega taipinda navo misangano uye taiparidzira navo. Ungano dzakanga dziri kutangwa muSpain uye hama dzaida kubatsirwa uye kukurudzirwa. Kwekanguva, ndakambowana ropafadzo yekuenda kuhofisi yepachivande yeZvapupu zvaJehovha muBarcelona kuti ndinobatsira pabasa raiitwa ikoko.

 Muna 1967 zvinhu zvakabva zvachinja, takanga tisingachafaniri hedu kunamata pachivande. Panguva iyoyo hurumende yakadzika mutemo waipa zvizvarwa zvese zvemuSpain rusununguko rwekunamata. Muna 1970, sangano reZvapupu zvaJehovha rakanyoreswa zviri pamutemo. Takanga tava kukwanisa kuungana takasununguka, kuva neDzimba dzeUmambo uye kunyange kutovhura hofisi yebazi zviri pamutemo.

Mamwe Mabasa Musangano raJehovha

 Muna 1971, ini naMercedes takakokwa kuti tizoshanda tiri pahofisi yebazi muBarcelona. Asi pashure pegore, Mercedes akabva aita pamuviri achibva abereka mwanasikana wedu Abigail. Izvi zvaireva kuti taifanira kumira basa redu repaBheteri, tobva tatanga basa idzva rekurera mwanasikana wedu.

 Abigail paakanga ava pazera rekuyaruka, hofisi yebazi yakatibvunza kana taikwanisa kunoitazve basa remudunhu. Senguva dzese, takanyengetera nezvenyaya yacho, tichibva tatsvakawo mazano kuhama dzakasimba pakunamata. Mumwe mukuru akabva ati: “Jesús, kana vachida kuti mudzokere mundima, ingobvumai.” Saka takabva tatangazve kuita basa iri. Pakutanga taishanyira ungano dzaiva pedyo nekwataigara kuitira kuti tikwanise kuramba tichiriritira Abigail. Asi nekufamba kwaita nguva, akakura achibva atangawo kuzviraramira, zvichibva zvatipa mukana wekuwedzera basa redu renguva yakazara.

 Ini naMercedes takaita makore 23 tiri mubasa remudunhu. Ndainakidzwa chaizvo neropafadzo iyi, iyo yaindipa mukana wekushandisa zvakaitika kwandiri kukurudzira vechidiki. Dzimwe nguva pandaiva murayiridzi wechikoro chevakuru nevashumiri venguva yakazara, taigara paBheteri reMadrid. Chinondinakidza ndechekuti kubva paBheteri kusvika kurwizi rwuya runonzi Jarama rwandakabhabhatidzirwa muna 1955 panongova nemakiromita 3. Kare ikako handina kumbobvira ndazvifunga kuti ndaizodzoka zvakare munzvimbo iyi pashure pemakore akawanda kuti ndibatsire vakomana nevasikana vechidiki kuti vaite mabasa akakura musangano raJehovha.

Ndichiitisa chikoro chesangano

 Kubva mugore ra2013, tange tichishumira semapiyona chaiwo zvakare. Kusiya basa remudunhu uchinopayona kwakanga kusiri nyore asi takaona kuti kuita izvozvo kwakanga kwakanaka. Iye zvino utano hwangu hahusisina kumira zvakanaka uye ndakaitwa oparesheni yemwoyo. Panguva idzi zvakare, ndinotofanira kuvimba naJehovha, uye sezvaagara achiita, haana kumbobvira andisiya. Uyewo, kwemakore 56 ndinewo mudzimai wangu Mercedes, uyo anonditsigira uyewo zvakare ange achindibatsira pamabasa ese andanga ndichiita.

 Ndinowanzofunga nezvepandaiva murayiridzi wezvikoro zvesangano. Ndichiri kunyatsoyeuka zviso zvevechidiki vaida chaizvo kudzidza. Izvozvo zvinondiyeuchidza hudiki hwangu, kufara kwandaiita pandakatanga kushumira Jehovha. Ichokwadi kuti dziripo dzimwe nguva dzandaifanira kutsungirira zvinhu pazvakanga zvakaoma, asiwo ndine zvinofadza zvakaitika kwandiri. Kunyange miedzo yakaoma yakandidzidzisa zvidzidzo zvinokosha, uye chidzidzo chikuru chandakawana ndechekuti, handifaniri kuvimba nesimba rangu. Miedzo yangu yakandipa mukana wekuona ruoko rwaJehovha rune simba, urwo rwange ruchindisimbisa kunyange panguva yainge yakaoma chaizvo muupenyu hwangu.—VaFiripi 4:13.

Ini naMercedes tichiri mubasa renguva yakazara

a Piyona chaiye mushumiri wenguva yakazara uyo anozvipira kuenda kunzvimbo yaanenge anzi aende nehofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha kunenge kuchidiwa vadzidzisi veBhaibheri vakawanda.

b Mukachitokisi ikako kadiki, makanga musina chimbuzi, ndiyo yaiva imba yangu kwemwedzi 7. Ndairara pasi, pakasviba ndingori negumbeze rimwe chete.

c “Don” izita rekuremekedza rinoshandiswa munyika dzinotaura chiSpanish, uye rinotaurwa usati wataura zita remunhu.