Enda pane zvauri kuda

Kuruboshwe: Boka remapiyona nevakapinda chikoro cheGiriyedhi, kuma1940. Pamusoro nechekurudyi: Vaiva muungano yekutanga mumusha weXylophagou. Pazasi nechekurudyi: Hama dzichiudza vanhu nezvehurukuro yavose muna 1952

29 MARCH 2022
CYPRUS

1922-2022: Kuramba Vakatendeka Kwemakore 100 muCyprus

1922-2022: Kuramba Vakatendeka Kwemakore 100 muCyprus

Gore ra2022 igore rechi100 kubva pakatanga Zvapupu zvaJehovha kuparidza pachitsuwa cheMediterranean chinonzi Cyprus. Muapostora Pauro akashanyira chitsuwa chacho aina Bhanabhasi uyo aiva chizvarwa cheko, paakaita rwendo rwake rwekutanga rweumishinari. Chokwadi chakazosvika zvekare pachitsuwa chacho muna 1922 mumwe mufundisi paakapiwa kabhuku kanonzi Does the Soul Die?

Makore maviri akazotevera, Cyrus Charalambous, Mudzidzi weBhaibheri uyo aigara kuUnited States, akadzokera kuCyprus. Akatanga kushingaira kuparidza uye akatumira turakiti rinonzi Where Are the Dead? kumataundi nemisha yese iri muCyprus.

Antonis Spetsiotes

Turikati iri rakasvika kuna Antonis Spetsiotes. Abayiwa mwoyo nezvaakaverenga, Antonis akakurukura nemuvakidzani wake ainzi Andreas Christou. Varume vaviri ava vakatanga kuudzawo vamwe zvavakanga vadzidza.

Chechi yeGreek Orthodox yakapikisa kuparidza kwavaiita, uye Antonis naAndreas vakarambidzwa kuita zvimwe zvinhu muchechi. Asi havana kurega kuparidza. Mumakore ekuma1930, basa rekuparidza ravaiita rakaita kuti paumbwe ungano yekutanga mumusha weXylophagou uri pachitsuwa chacho.

Basa rekuparidza rakawedzera muna 1947 pakasvika mumishinari wekutanga ainge akapinda chikoro cheGiriyedhi, Antonios Karandinos. Pakazosvika 1948, pakanga pava nevaparidzi 50 vaiparidza pachitsuwa chacho uye pakabva pavhurwa hofisi yebazi yekutanga. Hama dzakanyoresa sangano zviri pamutemo muna 1960. Makore maviri akazotevera, Imba yeUmambo yekutanga yakavakwa muNicosia. Zvapupu zvakaramba zvichiwedzera uye hofisi yebazi itsva yakati kurei yakakumikidzwa muna 1969.

Zvapupu pazvairamba zvichiwedzera, kutambudzwa kwakawedzerawo. Munenge muna 1965, hama dzechidiki dzairamba kupinda muchiuto dzaiendeswa kujeri. Vamwe vaishungurudzwa nemasoja vachimanikidzwa kuti vapinde muchiuto.

Zvinhu zvekushandisa zvichisvika muLimassol

Hama nehanzvadzi dzakazosangana nemamwe matambudziko muna 1974 pakaitika hondo mushure mekunge Turkey yatora nechisimba chikamu chakakura chechitsuwa cheCyprus. Hama dzinenge 300 dzakava vapoteri. Vanhu vese vaishanda paBheteri vaifanira kubviswa. Hama nehanzvadzi dzekune dzimwe nyika dzakabatsira hama dzedu dzekuCyprus nekuvatumira zvinhu zvekushandisa. Dzimwe hama dzakakwanisa kugamuchira hama nehanzvadzi dzaibva kuCyprus mudzimba dzavo.

Hama nehanzvadzi dzakanga dzisingachakwanisi kuungana nenyaya yehondo. Kunyange zvakadaro vakaramba vachiparidza. Muna 2006 pakaitika chiitiko chinokosha, hama dzakapinda Gungano Remunharaunda muLimassol raiva nemusoro unoti “Kununurwa Kwava Pedyo.” Aka ndiko kaiva kekutanga kuti Zvapupu zvaJehovha zvemuCyprus zvikwanise kuungana kubva muna 1974.

Gungano Remunharaunda ra2006 rakaitirwa muLimassol raiva nemusoro unoti, “Kununurwa Kwava Pedyo”

Iye zvino pachitsuwa chacho pava nevaparidzi 2 866 vari muungano 41 uye mapoka 17 anotaura mitauro 14. Muna 2021 vanhu 5 588 vakapinda Chirangaridzo cherufu rwaKristu.

Tinofara pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu dzekuCyprus. Tinoziva kuti vachibatsirwa naJehovha vacharamba vakatendeka.—VaFiripi 3:16.