Enda pane zvauri kuda

Kuruboshwe: Hama Wolfram Slupina vakabata hembe yaipfekwa nemumwe weZvapupu zvaJehovha mumusasa wevasungwa. Kurudyi: Chikwangwani chekuyeuka Zvapupu zvaJehovha panzvimbo yaiva nemusasa weFlossenbürg

17 MAY 2023
GERMANY

Pamusasa Wevasungwa weFlossenbürg Panoiswa Chikwangwani Chekuyeuka Zvapupu zvaJehovha

Pamusasa Wevasungwa weFlossenbürg Panoiswa Chikwangwani Chekuyeuka Zvapupu zvaJehovha

Musi wa22 April 2023, pamusasa wevasungwa weFlossenbürg uri muBavaria, kuGermany, pakaiswa chikwangwani chekuyeuka Zvapupu zvaJehovha zvakafira ipapo zviri vasungwa. Musasa weFlossenbürg ndewechi9 kuisa chikwangwani chekuyeuka Zvapupu zvaJehovha.

Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 100 zvakavharirwa paFlossenbürg nemune mimwe misasa yaiva pedyo. Vamwe vemumhuri dzavo vakauyawo musi wakaiswa chikwangwani chacho. Imwe hama yaivapo yakati, “kuva panzvimbo ino yakaitika zvinhu zvakaipa chaizvo kunosuwisa chaizvo. Asi kufunga nezvekutendeka kwainge kwakaita hama dzedu dzanga dzakasungwa pano kwaita kuti tifare uye tiremekedze chiitiko chino.”

Purofesa Jörg Skriebeleit, mukuru-mukuru wemusasa weFlossenbürg, vakatsanangura kuti, “Zvapupu zvaJehovha ndizvo zvakava chitendero chekutanga kubhanwa [nevaNazi] pavakatanga kutonga muna March 1933.” Mumashoko mashoma avakataura vakati, “kutenda kwakapa [Zvapupu] simba rekuti vararame pazvaiva mumusasa uyu wevasungwa . . . uye rekubatsirawo vamwe vainge vasiri muchitendero chavo.”

Vanhu vakanyatsoteerera pazuva raiiswa chikwangwani muBavaria, kuGermany. Kamufananidzo kadiki: Hanzvadzi Judith Ribic, avo vana baba vakaiswa mumusasa weFlossenbürg, naPurofesa Skriebeleit vari kuisa chikwangwani

Hama Wolfram Slupina, mutauriri weZvapupu zvaJehovha muGermany, vakataurawo nevateereri. Vakataura kuti: “Zvinokosha kwatiri kuti kutambudzwa kwakaitwa Zvapupu zvaJehovha hakuna kukanganwika. Zvapupu zvakatambudzwa nekuti vaiteerera hana dzavo panguva yaityisa zvikuru munyika yeGermany.”

Tine chokwadi chekuti hama nehanzvadzi dzedu dzakatendeka idzo dzakatambudzwa kana kuurayiwa mumisasa yevasungwa dziri ‘mubhuku rekuyeuchidza’ raMwari.—Maraki 3:16.