Enda pane zvauri kuda

Moto wakapisa zvinhu kuSouth Korea ukasiya waparadza zvinhu zvakawanda

15 MARCH 2022
SOUTH KOREA

Moto Wakaparadza Zvinhu kuSouth Korea

Moto Wakaparadza Zvinhu kuSouth Korea

Kubva musi wa4 March 2022, moto wakapisa maeka 59 288 emasango uye zviuru zvevanhu zvaitofanira kusiya misha yazvo. Moto uyu wakaparadza zvinhu zvakawanda kupfuura mimwe moto yakamboitika kare munyika iyi.

Zvakaitika kuHama Nehanzvadzi Dzedu

  • Vaparidzi 44 vaitofanira kusiya misha yavo

  • Imba imwe chete yakaparadzwa

Mabasa Ekuyamura

  • Vaparidzi vari munzvimbo dzakaparadzwa nemoto vari kugara nezvimwe Zvapupu kana kuti neveukama vari munzvimbo dzakachengeteka

  • Pakaumbwa Komiti Inobatsira Panoitika Njodzi kuti ione nezvebasa rekuyamura hama dzedu

  • Basa rese riri kuitwa pachitevedzerwa mitemo yekuzvidzivirira paCOVID-19

Dai Jehovha akakomborera zvese zviri kuitwa nehama nehanzvadzi idzo dziri kuratidza kuti ishamwari dzechokwadi panguva iyi yakaoma.—Zvirevo 17:17.