Enda pane zvauri kuda

Muri Kuparidza Paimba Neimba Nechinangwa Chokuti Mugoponeswa Here?

Muri Kuparidza Paimba Neimba Nechinangwa Chokuti Mugoponeswa Here?

 Kwete. Ichokwadi kuti tinoita basa rokuparidza paimba neimba, asi hazvirevi kuti kuita basa iroro ndiko kuchatiponesa. (VaEfeso 2:8) Sei tichidaro?

 Imbofunga nezvemuenzaniso uyu: Kune murume anofarira kubatsira vanhu uye anoda kupa munhu wose chipo chinodhura. Saka anoudza vanhu kuti vaende pane imwe nzvimbo uye otaura zvekare nenguva dzacho. Kana uine chokwadi chokuti murume uyu anozadzisa zvaanovimbisa ungateerera here zvaari kutaura? Chokwadi unoteerera! Uyewo unogona kutoudza hama neshamwari kuti vauyewo kuitira kuti naivowo vapiwe chipo chacho. Saka kuuya panzvimbo yawanzi uuye hakusi iko chete kunoita kuti upiwe chipo. Asi nyaya iri pakuti murume uya ndiye aita chido chokukupa chipo chacho.

 Saka Zvapupu zvaJehovha zvinotendawo vimbiso yaMwari yokuti achapa upenyu husingaperi kune vanhu vanomuteerera. (VaRoma 6:​23) Tinoedzawo kuti tiudzewo vamwe zvatinotenda kuitira kuti naivowo vawane makomborero aMwari. Asi hatibvumi kuti kuparidza kwatinoita kunoita kuti tiwane upenyu husingaperi. (VaRoma 1:​17; 3:​28) Hapana kana munhu anogona kuita chimwe chinhu chingaita kuti anzi akakodzera kuwana chipo ichi kubva kuna Mwari. “Akatiponesa, kwete nokuda kwezvinhu zvakarurama zvatakaita, asi nokuda kwetsitsi dzake.”​—Tito 3:​5, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.