Enda pane zvauri kuda

Chii Chinonzi Watch Tower Bible and Tract Society?

Chii Chinonzi Watch Tower Bible and Tract Society?

 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania isangano rakatangwa muna 1884 pasi pemitemo yeCommonwealth of Pennsylvania, kuU.S.A. uye harina chinangwa chokuita purofiti. Rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha kutsigira basa ravanoita pasi rose, kusanganisira rokubudisa maBhaibheri nemabhuku anotsanangura Bhaibheri.

 Maererano negwaro resangano iri, zvinangwa zvaro “ndezvokunamata, kudzidzisa uye kuyamura,” kunyanya pazvinhu zvine chokuita “nekuparidza uye kudzidzisa evhangeri yeUmambo hwaMwari hunotungamirirwa naKristu Jesu.” Kuti munhu apinde musangano iri hapatariswi kuti ari kupa mari yakawanda sei, asi anotoita zvekukokwa. Nhengo dzesangano iri nemadhairekita aro, vanobatsira Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha.

Mamwe Masangano Epamutemo

 Kunze kwesangano reWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, Zvapupu zvaJehovha zvine masangano akawanda epamutemo ari munyika dzakasiyana-siyana. Mamwe mazita emasangano aya ane mashoko okuti “Watch Tower,” kana kuti “Watchtower,” kana kuti shanduro yemashoko aya.

 Masangano aya ari kutibatsira kuita zvakawanda kusanganisira zvinotevera:

  •   Kunyora uye kubudisa mabhuku. Takabudisa maBhaibheri anenge 220 miriyoni uye mabhuku anotsanangura Bhaibheri anosvika 40 bhiriyoni mumitauro inodarika 700. Vanhu vari kukwanisa kuverenga Bhaibheri pajw.org mumitauro inodarika 120 vasingabhadhari uye vari kupindurwa mibvunzo yeBhaibheri yakaita sewekuti, “Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

  •   Kudzidzisa. Tine zvikoro zvakawanda zvinodzidzisa vanhu Bhaibheri. Somuenzaniso, kubvira muna 1943, Zvapupu zvaJehovha zvinodarika 8 000 zvakabatsirwa chaizvo nedzidzo yavakawana kuChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. Zvavakadzidza zvakaita kuti vakwanise kuva mamishinari kana kuti kutsigira basa redu uye kuita kuti zvinhu zvinyatsofamba negwara. Vhiki imwe neimwe, mamiriyoni evanhu, kusanganisira vasiri Zvapupu vanodzidziswa pamisangano inoitwa muungano dzedu. Tinodzidzisawo vanhu kuverenga nokunyora uye takabudisa bhuku mumitauro 110 rinobatsira pakuita izvi.

  •   Kuyamura. Tinoyamura vanhu vanenge vawirwa nenjodzi, dzingava dzinokonzerwa nevanhu, seyakaitika muna 1994 kuRwanda paiurayana maHutu nemaTutsi, kana kuti njodzi dzinongoitika dzoga dzakadai sekudengenyeka kwenyika kwakaitika muna 2010 kuHaiti.

 Kunyange zvazvo masangano aya achiita kuti basa redu rifambe zvakanaka, pane zvimwe zvinoita kuti basa redu ribudirire. MuKristu mumwe nomumwe anofanira kuteerera murayiro waMwari wokuparidza nekudzidzisa mashoko akanaka. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Tinoziva kuti Mwari ndiye ari kutsigira basa redu uye kuti acharamba ‘achiita kuti zvikure.’—1 VaKorinde 3:6, 7.