Enda pane zvauri kuda

Kuratidzwa Zvinoitwa paBheteri

Tinokukoka kuti uzoona zvinoitwa pamahofisi edu ayo atinoti Bheteri. Unogona kuona zvinoitwa pane mamwe mahofisi edu usina anokutungamirira.

Kutangazve Kushanyira Bheteri: Munyika dzakawanda, kubva musi wa1 June 2023, vanhu vachange vava kubvumidzwa kushanyira Bheteri. Kuti munzwe zvakawanda, taurai nehofisi yebazi yamuri kuda kushanyira. Musashanya kuBheteri kana makabatwa COVID-19,  muine zviratidzo zvedzihwa kana kuti flu, kana kuti makambova nemunhu akabatwa  COVID-19 munguva pfupi yadarika.

Peru

Kubhuka Zuva Raunoda Kushanyira Mahofisi Edu

Munofanira kutanga mabhuka musati mauya kuzoshanyira mahofisi here? Ehe. Kuti pasazove nevanhu vakawandisa, tinokukumbirai kuti pamunouya kuzoshanyira mahofisi edu, mutange mabhuka pasinei nekuti muri kushanya makawanda sei.

Kana musina kubhuka, zvinoita here kuti muzoratidzwa mahofisi edu? Kana musina kubhuka, tinogona kuzotadza kukuratidzai mahofisi. Nzvimbo iripo haitibvumiri kuti tive nevashanyi vakawandisa pazuva rimwe chete.

Munofanira kusvika nguvai? Kuti vanhu vasazowandisa panguva imwe chete, tinokukumbirai kuti musakurumidzisa kusvika, asi munogona kuuya henyu pasara awa imwe chete kuti nguva dzamakabhuka dzikwane.

Munobhuka sei? Bayai pakanzi “Make a Reservation.”

Munogona kukanzura zvamakabhuka here? Ehe. Bayai pakanzi “View or Change Reservations.”

Ko kana musi wamuri kuda kubhuka wakazara? Garai muchitarisa website ino. Vamwe vanogona kukanzura kana kuchinja musi wavakabhuka.

Make a Reservation

Dhaunirodha kabhuku kanoratidza zvinoitwa pahofisi

Kero Uye Nhamba Dzefoni

Jirón El Cortijo 329

Monterrico Chico

LIMA 33

PERU

+51 1-708-9000

Mafambiro