Enda pane zvauri kuda

Chikamu 8 Chemapikicha ekuBritain (March-August 2019)

Chikamu 8 Chemapikicha ekuBritain (March-August 2019)

Ona mafambiro akaita basa rekuvaka bazi reZvapupu zvaJehovha kuBritain kubva muna March kusvika muna August 2019.

  1. North Production Building (Kunorekodhwa Mavhidhiyo)

  2. South Production Building (Maintenance and Services)

  3. Mahofisi

  4. Residence A

  5. Residence B

  6. Residence C

  7. Residence D

  8. Residence E

  9. Residence F

March 5, 2019—Mahofisi

Mushandi ari kugadzira mapaipi anofambisa mvura inopisa.

March 29, 2019—South Production Building

Vashandi vari kuisa matiles mekugezera.

April 10, 2019—Mahofisi

Mushandi ari kuisa simbi dzinodzivirira chivakwa kuti chisarohwa nemheni. Akazvisungirira netambo kuti asadonha kubva padenga.

April 16, 2019—Mahofisi

Vashandi vari kuchenesa mahwindo. Pamahwindo aya pachanamirwa zvinhu zvinoita kuti vanhu vaone kuti pane magirazi uye vasadhumira pavanenge vachifamba.

April 23, 2019—Residence A

Mushandi ari kushandisa muchina une kamera kuti aone kana madrain achangobva kuiswa asina zvimwe zvinhu zvinogona kuvhiringidza kushanda kwawo.

April 23, 2019—Mahofisi

Vashandi vari kuroverera mapuranga kumadziro. Chivakwa ichi chichashandiswa seimba yekudyira uye yekuitira misangano nezvimwe zviitiko zvinokosha.

May 14, 2019—Residence B

Vashandi vari kudyara miti.

May 14, 2019—Residence A

Vashandi vari kuisa girazi rinodzivirira kuti vanhu vasadonha asi richipinza mhepo nechiedza.

May 21, 2019—Mahofisi

Vashandi vari kuisa malights panzvimbo inosvikira vaenzi.

June 11, 2019—North Production Building

Mushandi ari kucheka zvinhu zvinoshandiswa pakugadzira mapaipi anofambisa mhepo inotonhorera kana kuti inodziya.

June 17, 2019—Mahofisi

Vashandi vari kudyara miti nekugadzira tunzira twekuzofamba natwo. Chivakwa chiri kuruboshwe chichashandiswa seimba yekudyira nekuitira misangano nezviitiko zvinokosha. Residence A ndiyo iri nechekumashure.

June 24, 2019—Residence A

Mushandi ari kugadzira mapaipi emvura dzinoshandiswa pakudzima moto.

July 9, 2019—Mahofisi

Vashandi vari kugadzira pachazodyarwa lawn. Nechekumashure kune vari kugeza mahwindo.

July 9, 2019—North Production Building

Vashandi vari kupedzisa kugadzira floor.

July 24, 2019—Mahofisi

Vashandi vari kunamira floor muimba yekudyira. Chikuva chichange chiri kumadziro akaiswa maTV.

July 26, 2019—North Production Building

Mushandi ari kugadzira nzvimbo ichazoshandiswa pakupoda-poda nevanhu vachazorekodhwa mumavhidhiyo.

August 1, 2019—North Production Building

Vashandi vari kuisa pekuzogadzikira mabhodhi anokamura mahofisi. Izvi zvinobatsira kuti madhipatimendi azokwanisa kuchinja-chinja kukura kwemahofisi.

August 1, 2019—North Production Building

Mushandi ari kubatanidza masimbi achazogadziriswa studio. Pamasimbi aya ndipo pachazoiswa malights nemakamera anoshandiswa pakurekodha.

August 15, 2019—Nzvimbo iri kuvakwa bazi

Zvakaita nzvimbo yacho uchitarisa uri mudenga. Kuruboshwe kune Residence B, C, D, E, uye F uye ese akatopera. Nechepakati pane Residence A uye yava pedyo kupera uyewo Mahofisi akatopera. Kurudyi kune South Production Building neNorth Production Building uye zvatova pedyo kupera. Asi basa rekugadzira chivanze richiri kuenderera mberi.

August 26, 2019—Mahofisi

Vashandi vari kuisa matiles panzvimbo inosvikira vaenzi. Nechekumashure kune matende uye vashandi vari kugeza matiles atopedza kuiswa.