Enda pane zvauri kuda

Dzimba dzoUmambo dzeZvapupu Zvinosvika Miriyoni

Dzimba dzoUmambo dzeZvapupu Zvinosvika Miriyoni

Kubva muna 1999 kusvika muna 2015, Zvapupu zvaJehovha zvakavaka Dzimba dzoUmambo dzinopfuura 5 000 muCentral America a nemuMexico. Uye pari kudiwa dzimwe Dzimba dzoUmambo dzinopfuura 700 kuti Zvapupu zvinosvika miriyoni nevamwe vanopinda misangano yedu vari munzvimbo idzi vawane pekunamatira.

Munguva yakapfuura, zvainge zvakaoma kuti ungano dziri munharaunda idzi dzivake nzvimbo dzekunamatira. Semuenzaniso, muMexico Zvapupu zvakawanda zvaiitira misangano mudzimba dzehama. Nemhaka yei? Chimwe chezvikonzero zvacho ndechekuti mutemo wemo wairambidza masangano ezvitendero kuva nenzvimbo yawo yekunamatira. Asi, mumakore ekuma1990, mutemo wacho wakachinja uye Zvapupu zvaJehovha zvakatanga kuvaka Dzimba dzoUmambo dzakawanda. Kunyange zvakadaro, zvaitora mwedzi yakawanda kuvaka Imba yoUmambo imwe neimwe.

Basa Rekuvaka Rinofamba Nekukurumidza

Basa iroro rakatanga kukurumidza kuitwa muna 1999, Mapoka Ekuvaka Dzimba dzoUmambo paakatanga kushanda ari pasi pechirongwa chitsva chekuvakwa kweDzimba dzoUmambo munyika dzisina kupfuma, kusanganisira Mexico nedzimwe 7 dzekuCentral America. Kubva muna 2010, hofisi yebazi iri kuMexico ndiyo yave ichitungamirira basa rekuvaka munharaunda iyoyo yese.

Vanovaka Dzimba dzoUmambo vanosangana nemamwe matambudziko asingawaniki mune dzimwe nzvimbo, pavanovaka munzvimbo dziri kure nemaguta. Tombotora semuenzaniso, muPanama, vanovaka Dzimba dzoUmambo vaitofanira kufamba nechikepe kwemaawa matatu vachitevedza mhenderekedzo yegungwa kuti vasvike kwavaivaka. Uyewo muChiapas nzvimbo iri kuMexico, vaivaka vaitofanira kushandisa ndege diki kuti vaendese zvekuvakisa kunzvimbo yaiva kure.

Kubatsira Kunoita Dzimba dzoUmbambo Itsva

Vanhu vasiri Zvapupu zvaJehovha vanotofarirawo kuona Imba yoUmambo itsva munzvimbo yavanogara. Semuenzaniso, mumwe murume anogara kuHonduras akatoti Zvapupu zvisati zvavaka Imba yoUmambo munzvimbo yaanogara, pane vamwe vaida kuti nzvimbo yacho ivakirwe nightclub. Asi iye akanga asiri kuda. Paakazoudzwa neZvapupu zvaJehovha kuti vaironga kuvaka Imba yoUmambo panzvimbo yacho, akafara chaizvo akati: “Ichi chikomborero chaicho!”

Munzvimbo dzakawanda,vanhu vanoyemura kushanda nesimba kunoita vashandi vacho. Mumwe murume wekuGuatemala akati: “Mutsika yedu, vakadzi vanowanzoshanda mukicheni chete. Asi vakadzi vari pano vari kungoita mabasa anongoitwa nevarume. Ndiri kushamiswa pandiri kuona vakadzi vachigadzira simbi dzekuvakisa uye vachiplasta madziro. Zvinoshamisa izvi!” Izvi zvakatoita kuti vamwe vaigara pedyo nepaivakwa vatenge zvekudya nezvekunwa kuti vape vaivaka vacho.

Vanhu vakawanda vanofarira zvakaita Dzimba dzedu dzoUmambo. KuNicaragua, mumwe injiniya akaudza meya werimwe guta kuti Imba yoUmambo yaiva munzvimbo iyoyo chivako chakanaka chakavakwa pachishandiswa zvinhu zvemhando yepamusoro. Akatotaura kuti ndicho chivako chakanakisisa kupfuura zvimwe zvivako zvemuguta iri!

Chokwadi ndechekuti Zvapupu zvaJehovha zvinotofarirawo kuva nenzvimbo yakakodzera yekunamatira. Vakatoonawo kuti vavanodzidza navo Bhaibheri vanowanzoda kuuya kumisangano kana pakavakwa Imba yoUmambo itsva. Vanhu vari muungano yekuMexico avo vakabatsira paivakwa Imba yoUmambo vakataura mashoko avo ekutenda muchidimbu vachiti: “Tinotenda Jehovha neropafadzo yatakawana yekuvaka Imba yoUmambo inoita kuti zita rake ripiwe mbiri uye riremekedzwe.”

a Duramazwi rinonzi Merriam-Webster’s Collegiate Dictionary, 11th Edition, rinotsanangura kuti nyika dziri muCentral America iGuatemala, El Salvador, Honduras, Nicaragua, Costa Rica, Panama, neBelize.