Enda pane zvauri kuda

Chikamu 7 Chemapikicha ekuWarwick (September 2016-February 2017)

Chikamu 7 Chemapikicha ekuWarwick (September 2016-February 2017)

Ona mafambiro akaita basa rekuvaka mahofisi makuru eZvapupu zvaJehovha uye kutanga kwakaita vashandi kugara panzvimbo iyi kubva muna September 2016 kusvika February 2017.

Pikicha yezvakaita zvivako zvedu kuWarwick. Kutangira kuruboshwe nechekumusoro:

  1. Munogadzirirwa Motokari

  2. Pekupakira Motokari Dzevaenzi

  3. Pekupaka Motokari Uye Munogadzirirwa Zvinenge Zvafa

  4. Residence B

  5. Residence D

  6. Residence C

  7. Residence A

  8. Mahofisi Uye Munoitirwa Mamwe Mabasa

8 September 2016​—Zvakaita paWarwick

Zvivako zvese zviri paWarwick zvava kushandiswa. September achangotanga, vanhu vanenge 500 vakanga vava kutogara paWarwick. Vanhu ava vanosanganisira vashandi vekuvaka nevamwewo vakatama kubva kumahofisi ekuBrooklyn.

20 September 2016​—Mahofisi Uye Munoitirwa Mamwe Mabasa

Nyanzvi iri kuongorora matiles akaiswa panopindwa napo munzvimbo ine zviratidzwa inonzi “Vanhu Vezita raJehovha.” Matiles aya akaitwa kuti aratidzike seekare kare, kuti anyatsoenderana nezvinhu zvirimo, nekuti ndezvenhoroondo yezvaiitika kare.

28 September 2016​—Mahofisi Uye Munoitirwa Mamwe Mabasa

Hama Stephen Lett, vari muDare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha, ndivo vaiva sachigaro pamusangano wekutanga weKunamata Kwemangwanani wakaitirwa paWarwick. Mangwanani iwayo Hama Lett vakaverenga tsamba vachitenda vanhu vanopfuura 27 000 vakazvipira pakuvaka nzvimbo iyi, nevamwe vakawanda vakabatsira nenzira dzakasiyana-siyana.

3 October 2016​—Mahofisi Uye Munoitirwa Mamwe Mabasa

Pane nzvimbo nhatu dzine zviratidzwa, uye vanhu vanogona kutenderera vachiona vega nzvimbo idzi. Munhu uyu ari kuisa mabhii epachikwangwani chiri panopindwa napo mune imwe yenzvimbo idzi. Nzvimbo iyi inonzi “Vanhu Vezita raJehovha.” Ine nhoroondo yeZvapupu zvaJehovha kubva kumakore ekuma1870 kusvika iye zvino.

5 October 2016​—Mahofisi Uye Munoitirwa Mamwe Mabasa

Komiti Yekunyora ichiita musangano nevabatsiri vayo nenhengo dzeDhipatimendi Rekunyora. Mascreen mahombe ari kuratidza mifananidzo iri kuda kusarudzwa kuti izoshandiswa mumabhuku uye mascreen aya anoita kuti mamwe madhipatimendi anenge ari mune zvimwe zvivako akwanise kukurukura nekomiti iyi painenge ichiita misangano. Tafura iyi yakapiwa sechipo makore akati kuti akapfuura, uye yakatakurwa kubva kuBrooklyn kuuya kuWarwick.

October 20, 2016​—Mahofisi Uye Munoitirwa Mamwe Mabasa

Hama inobatsira Komiti Yevanoronga, pamwe chete nevamwe vanoshanda vari pasi pekomiti iyi, vari kukurukura nezvekubatsira kwavangaita vanhu vaigara munzvimbo yakaitika dutu rinonzi Typhoon Haima (Lawin), rakanga raitika nezuro wacho. Nzira yekukurukura paindaneti vanhu vachionana chiso nechiso iri kubatsira hama dzinoshanda pamahofisi edu makuru kuti dzikurukure nemamwe mapazi ari pasi rese uye dzikwanise kukurumidza kuona zvekuita kana paine dambudziko raitika.

28 October 2016​—Pekupaka Motokari Uye Munogadzirirwa Zvinenge Zvafa

Nzvimbo inocheneserwa mvura inenge yanaya (bioretention pond) ndiyo iri pakati pemugwagwa unopinda nevanhu nezvivako zvinogadzirirwa zvinhu zvinenge zvafa. PaWarwick panewo mamwe mapond akaita seiyi anobvisa zvinhu zvakasviba zvinenge zviri mumvura inenge yanaya, uye nzira iyi inochengetedza 50% yemari yaifanira kushandiswa pakugadzira migero inorasa mvura inenge yanaya. Uyewo, mvura inenge yacheneswa nebioretention pond inozonopinda munzizi dziri pedyo, uye mvura iyi haizokuvadzi miti nemhuka.

4 November 2016​—Mahofisi Uye Munoitirwa Mamwe Mabasa

Varume vari kudzikisa zvinhu. Vanhu vanenge 80 vakabatsira vanhu vakanga vari kuBrooklyn pavaitama vachienda kuWarwick.

14 December 2016​—Mahofisi Uye Munoitirwa Mamwe Mabasa

Vanhu vanobheka vachibvisa mukanyiwa kubva mumuchina maunogadzirirwa. Sezvo mukanyiwa wacho uchigona kurema makirogiramu anopfuura 45, vanotoshandisa muchina kuti basa racho riite nyore. Bhekari rekuWarwick rinewo muchina unonzi retarder kana kuti proofer, uyo unogona kuita kuti mukanyiwa ukurumidze kuvira kana kuti unonoke kuvira. Muchina uyu unorerutsa basa rinenge richifanira kuitwa vhiki nevhiki rekubheka mazana ezvingwa.

14 December 2016​—Pekupaka Motokari Uye Munogadzirirwa Zvinenge Zvafa

Vashandi vari kutakura mabhini kubva muzvivako zvinogadzirirwa zvinenge zvafa. Zvivako zvedu zvekuWarwick zvakasiyana nezvekuBrooklyn, pakuti munhu anogona kubva mune chimwe chivako achienda mune chimwe zviri nyore, zvekuti panongodiwa vanhu vashoma kuti vabvise mabhini nezvimwewo zvinogona kushandiswazve.

14 December 2016​—Mahofisi Uye Munoitirwa Mamwe Mabasa

Hembe iri kusaswa mvura kuti itwasanuke, yozoainwa nemuchina. Paavhareji, dhipatimendi rekuwacha rinowacha makirogiramu anopfuura 5 000 ehembe nezvimwewo vhiki nevhiki. Hembe idzi dzinoiswa mabar-code. Mabar-code aya anopfuura nepamichina kanoverengeka kuti vanyatsova nechokwadi chekuti hembe dzacho dzinozoendeswa kuvaridzi dzisingarasike.

20 December 2016​—Pekupaka Motokari Uye Munogadzirirwa Zvinenge Zvafa

Makanika achigadzira muchina unoshandiswa pakusimudza munhu kuti ashandire ari nechemudenga. Basa iri rinoita kuti muchina uyu ugare kwenguva refu uye vanhu vanoushandisa vasakuvara.

10 January 2017​—Mahofisi Uye Munoitirwa Mamwe Mabasa

Munhu anoita zvemakombiyuta achigadzirisa purogiramu yekombiyuta inobudisa mashoko anosuma nzvimbo yezviratidzwa inonzi “Mabasa Anoratidza Kutenda.”

11 January 2017​—Mahofisi Uye Munoitirwa Mamwe Mabasa

Makapenda achigadziridza bhasikoro rakagadzirwa muna 1903, richada kuzoiswa nzvimbo yezviratidzwa inonzi “Vanhu Vezita raJehovha.” Bhasikoro iri rakapiwa sechipo, uye rakazogadziridzwa nevashandi vepaWarwick. Ichi chiratidzo chekushanda nesimba uye kuzvipira kwaiita Vadzidzi veBhaibheri (vakazonzi Zvapupu zvaJehovha) avo vaishandisa mabhasikoro pakuparadzira shoko raMwari.

12 January 2017​—Mahofisi Uye Munoitirwa Mamwe Mabasa

Makapenda achiisa girazi rinochengetedza zviratidzwa zvePhoto-Drama of Creation. Uyu waiva mubatanidzwa wemapikicha nemasiraidhi zvakabudiswa muna 1914 uye drama iri rakaonekwa nevanhu vanenge 9 miriyoni gore iroro.

12 January 2017​—Mahofisi Uye Munoitirwa Mamwe Mabasa

Nyanzvi dzinoona nezvekuchengetwa kwezvinhu dzichigadziridza Zurich Latin Bible rakabudiswa muna 1544 uye rakaiswa munzvimbo ine zviratidzwa inonzi “Bhaibheri Uye Zita raMwari.” Arrow tsvuku iri kuratidza pane zita raMwari rekuti Jehovha. Nyanzvi idzi dzine zvakati kuti zvadziri kuita kuti dzichengetedze maBhaibheri anenge asina kunyatsosimba. Semuenzaniso, mapeji acho anobatanidzwa netambo dzakagadzirwa nepolyester, tembiricha yemaanogara inoitwa kuti ienderane nezvinenge zvichidiwa uye chiedza chefibre optic chinowedzerwa kana kudzorwa kuitira kuti mapeji anenge asina kusimba asaparara.

16 January 2017​—Mahofisi Uye Munoitirwa Mamwe Mabasa

Vaenzi vari kuona zvakaita zvivako zvepaWarwick mukamuri riri mamita 23 kubva pasi. Vanhu vakatanga kubhuka kuti vazouya kuzoona vega zviratidzwa zvepaWarwick kubva musi wa3 April 2017. Vaya vanenge vachida kuona nzvimbo iyi vanogona kuratidza kuti vanoda kuuya riini vachishandisa jw.org. Vanoenda pachikamu chakanzi NEZVEDU MAHOFISI > UYE KURATIDZWA ZVINOITWAPO.

19 January 2017​—Mahofisi Uye Munoitirwa Mamwe Mabasa

Nyanzvi inoona nezvekuchengetwa kwezvinhu ichirongedza Bhaibheri reKing James Version iro rakatanga kubudiswa mugore ra1611. Pekuisira maBhaibheri aya pakagadzirwa nevashandi vepaWarwick kuti paenderane nezvaidiwa.

19 January 2017​—Mahofisi Uye Munoitirwa Mamwe Mabasa

Nyanzvi inoona nezvekurongedzwa kwezvinhu ichiisa heti munzvimbo inoiswa zviratidzwa. Heti iyi yaiva yaJoseph F. Rutherford, uyo akatanga kutungamirira Zvapupu zvaJehovha makore 100 adarika. Nzvimbo iyi inonzi “Vanhu Vezita raJehovha” inoratidza zvaiitwa neZvapupu pakutanga tanga kuti zviparidze mashoko akanaka eUmambo.

20 January 2017​—Mahofisi Uye Munoitirwa Mamwe Mabasa

Munhu ari kurekodhwa achiverenga zvine chekuita nezviratidzwa zviri munzvimbo inonzi “Bhaibheri Uye Zita raMwari.” Pangopfuura vhiki rimwe chete kubva pakatamiswa michina yekurekodha kubva kuBrooklyn ichiunzwa kuWarwick, basa rekurekodha rakanga rava kutoitwa. Studio iyi idiki pane dziri kuWatchtower Educational Center kuPatterson. Inoshandiswawo pakurekodha Bhaibheri reShanduro Yenyika Itsva, Nharireyomurindi uye Mukai!, nyaya dzepajw.org, nezvimwewo.

27 January 2017​—Mahofisi Uye Munoitirwa Mamwe Mabasa

Munhu ari kubatsira kapenda pakupenda mufananidzo uri muzviratidzwa. Nzvimbo iyi yezviratidzwa inonzi “Vanhu Vezita raJehovha,” uye ine mifananidzo yeVadzidzi veBhaibheri vemakore ekuma1800.

15 February 2017​—Mahofisi Uye Munoitirwa Mamwe Mabasa

Nyanzvi yekudhirowa ichipenda Kuda, uyo anobuda mumavhidhiyo emakatuni anonzi Iva Shamwari yaJehovha. Mufananidzo uyu uchaiswawo pane zvinhu zvange zvichishandiswa neZvapupu zvaJehovha pakudzidzisa vana.

15 February 2017​—Mahofisi Uye Munoitirwa Mamwe Mabasa

Kapenda achicheka mifananidzo uye zvikwangwani zvichada kuzoiswa munzvimbo ine zviratidzwa inonzi “Vanhu Vezita raJehovha.” Vanhu vanopfuura 250 vakashanda pakugadzirwa kwezvikamu zvitatu zvemiziyamu iyi kubva ichitanga kusvikira yapera. Paiva nevanogadzira masherefu, mapurogiramu epakombiyuta, nyanzvi dzemagetsi nedzekudhirowa, vanogona kuisa matiles, vatori vemavhidhiyo nevanyori.