Enda pane zvauri kuda

Chikamu 2 Chemifananidzo Inoratidza Zvakaita kuWallkill (November 2014 Kusvika November 2015)

Chikamu 2 Chemifananidzo Inoratidza Zvakaita kuWallkill (November 2014 Kusvika November 2015)

Mumakore achangobva kupfuura Zvapupu zvaJehovha zvakawedzera pamwe chete nekugadziridza zvivako zvazvo zvekuWallkill kuNew York. Mifananidzo iri pano inoratidza zvange zvichiitwa kubva muna November 2014 kusvika muna November 2015.

Zvakaita zvivako zvekuWallkill kubva musi wa15 October 2015.

  1. Munoprindirwa

  2. Chivako Chemahofisi Chekutanga

  3. Dzimba Dzekugara (E)

  4. Imba Yekudyira

  5. Mekuwachira

  6. Chivako Chemahofisi Chechipiri

  7. Dzimba Dzekugara (D)

4 December 2014​—Chivako Chemahofisi Chechipiri

Kugadzira nzira yekuti vanhu vafambe pavanenge vachipinda muchivako chacho. Kanzira kari nechezasi kuruboshwe, kari kugadzirwa kuitira kuti vanhu vasatsvedza munguva yechando. Muchivako ichi ndimo mune Bethel Office, Hofisi yeDare Rebazi uye Dhipatimendi Rebasa.

5 December 2014​—Dzimba Dzekugara (D)

Murume ari kushandisa girainda, achigadzirira kuti floor izoiswa. Girainda racho rakabatanidzwa nemuchina unosveta guruva.

9 January 2015​—Dzimba Dzekugara (E)

Muchivako ichi chakaita raundi ndimo munopfuura nevaenzi uye vashandi vepaBheteri vanodarika 200 vanogara kuE. Kugadziridzwa kwechivako ichi kwaisanganisira kuisa mahwindo anopinza chiedza chezuva zvichiita kuti muchivako macho mudziye uye kuisa maaramu anorira kana paita moto.

9 February 2015​—Mekuprindira

Murume ari kugadzira tambo dzemafoni. Chivako ichi ndechevanhu vanenge vachidzidziswa kuita mabasa akadai sekuita zvemagetsi, zvekugadzira pombi dzemvura uyewo zvekuderedza njodzi pabasa.

17 February 2015​—Mekuprindira

Mukadzi anoita zvemagetsi ari kusungirira LED light muchivako chinodzidzisirwa vanhu mabasa.

2 March 2015​—Chivako Chemahofisi Chekutanga

Mukadzi ari kutarisa kuparadzana kwakaita mapaipi anofamba netambo dzemagetsi. Chivako ichi chakagadziridzwa kuitira kuti mushandire vanhu vakanga vabva kuhofisi yebazi kuBrooklyn.

3 March 2015​—Dzimba Dzekugara (D)

Munhu ari kunama mapaipi anofambisa mvura inopisa.

31 March 2015​—Dzimba Dzekugara (D)

Vanhu vari kuisa mahwindo vakamira muboom lift. Mahwindo echivako ichi i298, uye anopinza chiedza chezuva masikati, uye anoita kuti muchivako chacho mudziye, uye izvi zvinodzikisa uwandu hwemagetsi anoshandiswa munguva yekunaya uye yechando.

17 April 2015​—Chivako Chemahofisi Chekutanga

Mabhiridha ari kuvakazve mudhuri wainge wakambovakwa kuma1970. Vari kungoshandisa matombo mamwe chete akashandiswa pakuuvaka pakutanga-tanga. Mudhuri uyu uri panopakwa motokari, pakati peChivako Chemahofisi Chekutanga neDzimba Dzekugara (E).

17 April 2015​—Chivako Chemahofisi Chekutanga

Murume ari kukwesha madziro kuti azonyatsopendeka. Chivako ichi chine dhipatimendi reAccounts, reMakombiyuta uye Rekutenga Zvinhu.

8 June 2015​—Dzimba Dzekugara (D)

Murume anoita zvemagetsi achidhonza waya kuti aisungirire pasimbi inoita kuti mheni isazorova chivako chacho. Mheni ikarova ipapo, simba rayo rinotakurwa nesimbi yacho kuendeswa muvhu, zvoita kuti chivako chisaparadzwa.

8 June 2015​—Dzimba Dzekugara (D)

Panguva yaiitwa basa rekuvaka kuWallkill, vaivaka vakaita zvese zvavaigona kuti miti yatiri kuona papikicha ino ichengetedzwe. Tengi remvura riri kuruboshwe, rinopinda marita 150 000. Ndimo munobva mvura inoshandiswa paWallkill, uye mvura iyoyo inogona kushandiswawo kana paine panenge pabatira moto.

25 June 2015​—Chivako Chemahofisi Chekutanga

Kumashure kweimba inoitirwa musangano, kunenge kuine mapuranga anenge akarongwa anosvika 1 800. Murume uyu anoita zvekuveza ari kuronga mamwe emapuranga acho. Mapuranga aya anoderedza kunzwika kwemaungira.

9 July 2015​—Chivako Chemahofisi Chechipiri

Hama Charles Reed vakatanga kushanda paBheteri muna 1958. Pavaiva pabheteri kuBrooklyn, vakabatsira pakugadzira concrete yaigara michina yekuprindisa, uye michina iyi yaiprinda mabhuku aishandiswa muUnited States nedzimwe nyika dzakawanda. Paiitwa basa rekuvaka kuWallkill, Hama Reed vaishanda nevaiona kuti zvinhu zvese zvaiitwa zvabuda zvakanaka here.

17 August 2015​—Chivako Chemahofisi Chekutanga

Vashandi vari kuburutsa macheya achada kuiswa munoitirwa musangano. Munokwana vanhu 812.

21 September 2015​—Chivako Chemahofisi Chekutanga

Pakagadziridzwa nzvimbo iyi inoitirwa musangano, yakabva yaiswa maTV uye ceiling inoderedza ruzha runenge ruchibva kunze.

12 October 2015​—Dzimba Dzekugara (D)

Nzvimbo iyi iri kugadziridzwa yava nepanenge pachishandira manesi. Munofamba nevanhu makagadzirwa kuti muti wedzerei kukura kuitira varwere, uye mekugezera makagadzirwawo kuti muti wedzerei kukura.

15 October 2015​—PaWallkill

Izvi ndozvakaita zvivako zvepaWallkill, uye pane vashandi vepaBheteri 2 000 vanogara ipapo. Basa rakawanda rekuwedzera uye kugadziridza zvivako panzvimbo iyi yakakura kupfuura 102 000m2 rakapedzwa musi wa30 November 2015.