Enda pane zvauri kuda

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

“Handisisina Utsinye”

“Handisisina Utsinye”
  • Gore Rekuberekwa: 1973

  • Nyika: Uganda

  • Nhoroondo Yeupenyu: Aiva chidhakwa achirwisana nevanhu

MARARAMIRO ANDAIITA

 Ndakaberekerwa muUganda munharaunda inonzi Gomba. Vanhu vakawanda vaiva varombo. Guta rataigara rakanga risina magetsi, saka usiku taishandisa marambi.

 Vabereki vangu, avo vaiva varimi, vakanga vatama kubva kuRwanda vachiuya kuUganda. Vairima mabhanana avaizobikisa doro rinonzi waragi. Vabereki vangu vaitengesawo huku, mbudzi, nguruve uye mombe. Marererwo andakaitwa akaita kuti ndione mukadzi semunhu anofanira kungoteerera murume uye asingatombofaniri kutaurawo mafungiro ake.

 Pandakanga ndava nemakore 23, ndakatamira kuRwanda, uye ndaienda kumabhawa tichinotamba mimhanzi nevamwe vezera rangu. Pane rimwe bhawa randakanga ndava kutozivikanwa zvekuti varidzi varo vakatondipa kadhi raiita kuti ndipinde mahara. Ndaifarira mafirimu ekurwa. Nharaunda yandakakurira uye zvinhu zvaindivaraidza zvakaita kuti ndive chidhakwa chaingoda zvekurwa nevanhu.

 Muna 2000, ndakatanga kugara nemumwe musikana ainzi Skolastique Kabagwira, uye takava nevana vatatu. Kubva pane zvandakadzidza ndichiri mudiki, ndaitarisira kuti apfugame kana achindikwazisa kana kuti aine chaari kuda. Ndaionawo sekuti zvinhu zvese zvataiva nazvo semhuri zvaiva zvangu uye ndaigona kuita chero chandinenge ndada nazvo. Ndaiwanzobuda usiku uye ndaitozodzoka kuma3 kwava kuedza, kakawanda kacho ndakapera nedoro. Kana Skolastique anonoka kuvhura dhoo, ndaibva ndamurova.

 Panguva iyoyo ndaiva maneja pane imwe kambani yemagadhi, uye ndaitambira mari yakanaka. Skolastique aipinda imwe yechechi dzemweya uye akaedza kuti ndipinde chechi yake, achifunga kuti yaizondichinja. Asi ndaisada. Ndakatanga kudanana nemumwe mukadzi. Utsinye hwandaiita uye upenyu hweunzenza hwakaita kuti Skolastique atore vana vedu vatatu achibva anogara nevabereki vake.

 Imwe shamwari yedu yechikuru yakataura neni nezvemararamiro andaiita. Akandikurudzira kuti ndidzokerane naSkolastique. Akati vana vangu vakanga vasina chavakatadza kuti vaparadzaniswe nababa vavo. Saka muna 2005, ndakarega kunwa, ndikaparadzana nemumwe mukadzi wandakanga ndava kugara naye ndikabva ndadzokerana naSkolastique. Muna 2006 takabva tachata. Asi ndakanga ndichiri kungoita zvekurwa uye kushungurudza mudzimai wangu.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI

 Muna 2008, chimwe Chapupu chaJehovha chinonzi Joël chakauya pamba pedu, uye ndakateerera shoko raaitaura. Iye nechimwe Chapupu chinonzi, Bonaventure, vakaita mwedzi yakati kuti vachindishanyira, uye taitaura zvinhu zvakadzika-dzika nezveBhaibheri. Ndaiva nemibvunzo yakawanda, kunyanya mubhuku raZvakazarurwa. Ndaida kutoratidza kuti Zvapupu izvi zvainge zvakarasika. Semuenzaniso, ndaivati sei vaiti “boka guru” rinotaurwa pana Zvakazarurwa 7:9 richagara panyika asi vhesi yacho ichiti vakamira “pamberi pechigaro cheumambo [chaMwari] nepamberi peGwayana,” Jesu Kristu. Joël akapindura mibvunzo yangu yese nemwoyo murefu. Semuenzaniso akandiratidza Isaya 66:1, Mwari paanoti nyika “chitsiko chetsoka dzangu.” Saka boka guru rakatomira pamberi pechigaro cheumambo chaMwari. Uye ndakaverenga Pisarema 37:29, iyo inotaura kuti vakarurama vachagara panyika nekusingaperi.

 Ndakazopedzisira ndabvuma kudzidza Bhaibheri. Saka Bonaventure akadzidza nesu tese naSkolastique. Sezvataidzidza Bhaibheri, ndakava nechido chekuchinja upenyu hwangu. Ndakadzidza kuremekedza mudzimai wangu. Ndakanga ndisisade kuti andipfugamire paaindikwazisa kana kuti aine zvaaida, uye ndakanga ndisisaoni sekuti zvinhu zvese zvemumba ndezvangu. Ndakaregawo kuona mafirimu ekurwisana. Kuita izvi kwakanga kusiri nyore, zvaida kuti ndishande nesimba, ndizvidzore uye ndizvininipise.

Bhaibheri rakandibatsira kuti ndive murume akanaka

 Makore akanga apfuura ndakanga ndaendesa mwana wangu mukuru kuti anogara neveukama kuUganda. Asi pandakazoverenga Dheuteronomi 6:4-7, ndakadzidza kuti ini nemudzimai wangu tisu takapiwa basa naMwari rekuti tichengete vana, izvo zvinosanganisira kuvadzidzisa zvinotaurwa naMwari. Takafara chaizvo mwanakomana wedu paakadzoka uye naiyewo akafara!

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA

 Ndakadzidza kuti Jehovha ndiMwari ane ngoni, uye ndinotenda kuti akandiregerera paunhu hwangu nemabasa zvandaiita. Ndinofara kuti Skolastique akabvumawo kudzidza Bhaibheri. Takatsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha uye takabhabhatidzwa tese musi wa4 December, 2010. Iye zvino tinonyatsovimbana, uye tinonakidzwa nekushandisa zvinotaurwa neBhaibheri mumba medu. Mudzimai wangu anofara chaizvo kuti ndinobva kubasa ndakananga kumba. Anotendawo kuti ndinomuremekedza, handimutarisiri pasi, ndakasiya doro, uye kuti handisisina utsinye. Muna 2015, ndakagadzwa kuva mukuru kuti ndibatsire kufudza ungano. Pavana vedu vashanu, vatatu vakabhabhatidzwa.

 Pandakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, handina kungobvuma zvavaindidzidzisa. Asi ndakafarira kuti vaishandisa Bhaibheri pakupindura mibvunzo yangu. Ini naSkolastique takaona kuti vanhu vanoti vanoshumira Mwari wechokwadi vanofanira kurarama zvinoenderana nezvaanoda, kwete zvavanongonzwa vachida kuita. Ndinofara chaizvo kuti Jehovha akandidaidza kuti ndive pakati pevanhu vanomunamata vakatendeka. Pandinotarisa kwandakabva, ndinonyatsoona kuti munhu wese anogona kuchinja upenyu hwake achibatsirwa naMwari.