Enda pane zvauri kuda

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

“Ndaiona Sekuti Ndaiva Nezvese Zvandaida”

“Ndaiona Sekuti Ndaiva Nezvese Zvandaida”
  • GORE REKUBEREKWA: 1962

  • NYIKA: Canada

  • NHOROONDO YEUPENYU: Airarama upenyu hweunzenza

MARARAMIRO ANDAIITA

 Ndakaberekerwa muMontreal, guta guru remupurovhinzi yeCanada inonzi Quebec. Ini vevamwe vana vatatu vemumba medu, takarerwa nevabereki vane rudo munzvimbo yakanaka chaizvo inonzi Rosemont. Taiva nerugare mumhuri medu.

 Pandaiva mudiki ndaifarira zveBhaibheri. Ndinoyeuka ndichine makore 12, ndichiverenga nezveupenyu hwaJesu muTestamende Itsva uye ndainakidzwa nayo. Ndakabayiwa mwoyo nerudo rwake uye tsitsi dzake, zvekuti ndakada kumutevedzera. Zvinosuruvarisa kuti chido changu chakazopera pandakatanga kushamwaridzana nevanhu vakaipa.

 Baba vangu vairidza chiridzwa chinonzi saxophon, uye vakandipa chiridzwa ichocho vachibva vaita kuti ndifarire zvemimhanzi zvekuti ndizvo zvandakazotanga kukoshesa muupenyu. Ndainakidzwa chaizvo nemimhanzi zvekuti ndakatanga kudzidzira kuridza gitare. Ndakazomutsa bhendi remusambo werock nedzimwe shamwari dzangu, uye takaita mashoo akati kuti. Vamwe vanhu vaitsikisa mimhanzi vakaona zvandaiita uye vakati vaida kundibatsira kuti ndisimukire. Ndakanyorerana chibvumirano neimwe kambani hombe yaiita zvekurekodha. Mumhanzi wangu wakabva wakurumbira zvekuti wakanga wava kugara uchiridzwa paredhiyo muQuebec.

 Ndaiona sekuti ndaiva nezvese zvandaida. Ndaiva wechidiki, ndiine mukurumbira, uye basa randaiita raindipa mari yakawanda. Masikati ndaienda kugym kunoita maekisesaizi, ndaienda kumapurogiramu andaibvunzwa nezveupenyu hwangu, ndaiisa siginicha yangu pazvinhu zvevanhu, uye ndaibuda paTV. Hwava usiku, ndaiita mashoo uye ndaienda kumapati. Kuti ndisanyara pandaiunganirwa nevanhu vaifarira mimhanzi yangu, ndakatanga kunwa doro ndichiri mudiki uye ndakazosvika pakushandisa zvimwewo zvinodhaka. Ndaingoti chero zvazvaita uye ndairarama upenyu hweunzenza.

 Vamwe vaichiva upenyu hwangu nekuti ndaiita semunhu aifara. Asi nechemumwoyo, kunyanya pandainge ndava ndega, ndainzwa kuti ndiri kurarama upenyu husina chinangwa. Ndaishungurudzika. Pandakanga ndava kuti zvinhu zvava kunyatsondifambira, varume vaviri vaitsikisa mimhanzi yangu vakafa neAIDS. Zvakandivhundutsa! Kunyange zvazvo ndaida zvemimhanzi, upenyu hwaunorarama uri muimbi hwaindisemesa.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI

 Kunyange zvazvo ndaibudirira muupenyu, ndaiona kuti pane zvakanga zvisina kumira zvakanaka munyika. Ndainetseka kuti nei paine kusaruramisira kwakanyanya. Ndainetsekawo kuti nei Mwari achingosiya zvakadaro. Ndakatonyengetera kakawanda kuna Mwari kuti andibatsire kuwana mhinduro. Pandakanga ndichimbozorora hangu ndabva kunoita mashoo kune dzimwe nzvimbo, ndakatangazve kuverenga Bhaibheri. Kunyange zvazvo ndakanga ndisinganzwisisi zvakawanda zvandaiverenga, ndakanyatsoona kuti nyika yakanga yava kuda kuguma.

 Pandaiverenga Bhaibheri, ndakaona kuti Jesu akambotsanya kwemazuva 40. (Mateu 4:1, 2) Ndakabva ndafunga kuti kana ndikaita sezvaakaita, pamwe Mwari aizoita kuti ndimuzive, saka ndakabva ndasarudza musi wandaida kutanga. Pangosara mavhiki maviri kuti nditange kutsanya, Zvapupu zvaJehovha zviviri zvakagogodza padhoo rangu, ndakavagamuchira sezvinonzi ndakanga ndakatovamirira. Ndakatarisa chimwe Chapupu chainzi Jacques, ndokumubvunza kuti, “Tingaziva sei kuti tiri kurarama mumazuva ekupedzisira?” Akandivhurira Bhaibheri pana 2 Timoti 3:1-5. Vese vari vaviri ndakavanaya nemimwe mibvunzo uye ndakabayiwa mwoyo nemhinduro dzavo dzaiva nemusoro uye dzaigutsa, uye dzese dzaibva muMagwaro. Pavakandishanyira kakati kuti ndakaona kuti ndakanga ndisingafaniri hangu kutsanya.

 Ndakabva ndatanga kudzidza Bhaibheri zvakarongeka neZvapupu. Ndakazogera bvudzi refu randaiva naro ndichibva ndatanga kupinda misangano paImba yeUmambo yemunzvimbo mandaigara. Kugamuchirwa kwandakaitwa nemaoko maviri pamisangano kwakaita kuti ndinyatsoona kuti ndakanga ndazowana chokwadi.

 Asi kuti ndishandise zvandaidzidza muBhaibheri, pane zvinhu zvakakura zvandaifanira kuchinja muupenyu hwangu. Ndaifanira kurega kushandisa zvinodhaka uye kusiya zveunzenza. Ndaifanirawo kusiya unhu hwandaiva nahwo hwekuda kungoita zvakandinakira, ndofungawo zvakanakira vamwe. Sezvo ndakanga ndisina mudzimai, ndaifanira kudzidza kubatsira vana vangu vaviri pane zvaivanetsa uye pane zvekunamata. Saka ndakasiya basa rekuridza mimhanzi ndichibva ndatanga kushanda pafekitari pandaipiwa mari shoma.

 Zvakanga zvisiri nyore kuchinja zvinhu zvese izvi. Pandaishanda nesimba kuti ndirege kushandisa zvinodhaka, zvaimbondirwarisa uye ndaibva ndatangazve kuashandisa. (VaRoma 7:19, 21-24) Kusiya upenyu hweunzenza hwandairarama kwakanga kwakandiomera chaizvo. Basa randakanga ndava kuita raindisiyawo ndaparara, uye kamari kandaiwana kaindiodza mwoyo. Ndaifanira kushanda kwemwedzi mitatu kuti ndiwane mari yandaingowana mumaawa maviri pandaiva muimbi.

 Kunyengetera ndiko kwakandibatsira kuti ndirambe ndichichinja kunyange zvakanga zvakaoma. Ndakabatsirwawo nekugara ndichiverenga Bhaibheri. Pane mavhesi eBhaibheri akandikurudzira chaizvo. Imwe yacho ndi2 VaKorinde 7:1, inokurudzira vaKristu kuti “[vazvichenese] pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama [nemweya].” Imwe vhesi yakandibatsira kuti ndione kuti zvaiita kuti ndisiye mararamiro angu akaipa ndiVaFiripi 4:13, inoti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.” Jehovha Mwari akapindura minyengetero yangu uye akandibatsira kuti ndizonzwisisa uye ndishandise chokwadi cheBhaibheri. Izvi zvakaita kuti ndide kutsaurira upenyu hwangu kwaari. (1 Petro 4:1, 2) Ndakabhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha muna 1997.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA

 Ndinonyatsoziva kuti kudai ndakaramba ndichirarama sezvandaiita, ndingadai ndakafa. Iye zvino ndiri kunyatsofara! Ndakakomborerwa nekuva nemudzimai akanaka chaizvo anonzi Elvie. Tiri kushanda sevashumiri venguva yakazara uye tiri kunakidzwa nekudzidzisa vamwe Bhaibheri. Izvi zvinoita kuti ndinyatsofara uye ndigutsikane. Ndinotenda Jehovha chaizvo nekuti akaita kuti ndiuye kwaari.​—Johani 6:44.