Enda pane zvauri kuda

Vakadzi Vanotaurwa muBhaibheri—Tingadzidzei Kwavari?

Vakadzi Vanotaurwa muBhaibheri—Tingadzidzei Kwavari?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri rinoita kuti tizive vakadzi vakawanda vane upenyu hune zvidzidzo zvinokosha. (VaRoma 15:4; 2 Timoti 3:16, 17) Nyaya ino inorondedzera zvishoma nezvevamwe vakadzi vanotaurwa muBhaibheri. Vazhinji vacho vakaita zvakanaka zvatinogona kutevedzera. Asi zvakaitwa nevamwe zvinotiyambira kuti tisaita zvakaipa.—1 VaKorinde 10:11; VaHebheru 6:12.

  Abhigairi

 Abhigairi aiva ani? Aiva mudzimai wemurume mupfumi asi aiva nehasha ainzi Nabhari. Asi Abhigairi aiva munhu ainzwisisa, aizvininipisa uye aiva nerunako neunhu hwaifadza Jehovha.—1 Samueri 25:3

 Zvii zvaakaita? Abhigairi akaratidza uchenjeri nekunzwisisa uye akadzivisa dambudziko. Dhavhidhi uyo aizova mambo wevaIsraeri akaenda kunohwanda munharaunda yavaigara. Dhavhidhi nevarume vaaiva navo pavaiva munzvimbo iyi, vakadzivirira makwai aNabhari kuti asabiwa. Asi varume vakatumwa naDhavhidhi pavakakumbira Nabhari zvekudya, Nabhari akaramba kuvapa, achitaura zvairatidza kusaremekedza. Dhavhidhi akaviruka nehasha! Saka iye nevarume vake vakabva vaenda vachida kunouraya Nabhari nevarume vese veimba yake.—1 Samueri 25:10-12, 22.

 Paakanzwa zvakanga zvaitwa nemurume wake, Abhigairi akakurumidza kufunga zvekuita. Akapa vashandi vake zvekudya kuti vanopa Dhavhidhi nevarume vake, iye achibva atevera kuti ateterere kunzwirwa ngoni naDhavhidhi. (1 Samueri 25:14-19, 24-31) Dhavhidhi paakaona chipo chake, kuzvininipisa kwake, uye paakanzwa zano rake rekuchenjera, akaona kuti Mwari akanga amushandisa kuti amudzivise kuuraya Nabhari nevarume vake. (1 Samueri 25:32, 33) Nguva diki izvi zvabva kuitika, Nabhari akafa, uye Abhigairi akava mudzimai waDhavhidhi.—1 Samueri 25:37-41.

 Tingadzidzei kuna Abhigairi? Pasinei nekuti aiva nerunako neupfumi, Abhigairi haana kufunga kuti aiva munhu aikosha zvakanyanya. Kuti pave nerugare akakumbira ruregerero asi asiri iye akanga akanganisa. Akakwanisa kugadzirisa dambudziko racho akadzikama, achizviita nekungwarira, neushingi uye neuchenjeri.

  Dhibhora

 Dhibhora aiva ani? Aiva muprofitakadzi uyo Jehovha, Mwari wevaIsraeri, akashandisa kuudza vanhu vake zvaaida kuti vaite. Mwari akamushandisawo kugadzirisa nyaya dzainetsa pakati pevaIsraeri.—Vatongi 4:4, 5.

 Zvii zvaakaita? Muprofitakadzi Dhibhora akatsigira vanamati vaMwari neushingi. Achirayirwa naMwari, akaudza Bheraki kuti atungamirire masoja evaIsraeri kunorwisa vaKenani avo vaivadzvinyirira. (Vatongi 4:6, 7) Bheraki paakamukumbira kuti vaende vese, haana kutya, akabvuma.—Vatongi 4:8, 9.

 Pashure pekunge Mwari abatsira vaIsraeri kuti vakunde zvine mutsindo, Dhibhora akanyora mamwe emashoko erwiyo rwaakaimba pamwe chete naBheraki vachiyeuka zvakanga zvaitika. Murwiyo rwacho akataura zvakaitwa naJaeri, mumwe mukadzi akanga asingatyi, uyo akabatsira pakukunda vaKenani.—Vatongi, chitsauko 5.

 Tingadzidzei kuna Dhibhora? Dhibhora aiva munhu aizvipira uye aiva neushingi. Akakurudzira vamwe kuita zvakarurama pamberi paMwari. Pavakazviita, akavarumbidza chaizvo.

  Dherira

 Dherira aiva ani? Mukadzi akadanana nemutongi wechiIsraeri ainzi Samsoni.—Vatongi 16:4, 5.

 Zvii zvaakaita? Akabvuma kupihwa mari nevaFiristiya kuti atengese Samsoni, uyo akanga achishandiswa naMwari kununura vaIsraeri kubva kuvaFiristiya. VaFiristiya vaitadza kumukurira nemhaka yesimba rake raakanga apiwa naMwari. (Vatongi 13:5) Saka vakakumbira kubatsirwa naDherira.

 VaFiristiya vakapa Dherira mari yechiokomuhomwe kuti atsvage kuti simba raSamsoni raibvepi. Dherira akatambira mari yacho uye pashure pekunge aedza kanoverengeka, akazobudirira kuziva kuti Samsoni aiwanepi simba. (Vatongi 16:15-17) Akabva azoudza vaFiristiya zvaakanga awana, ivo ndokubata Samsoni vachibva vamuisa mujeri.—Vatongi 16:18-21.

 Tingadzidzei kuna Dherira? Zvakaitwa naDherira zvinotiyambira. Nekudisa kwake mari, akangozvifunga iye chete, haana kuramba akavimbika uye akanyengera mushumiri waJehovha Mwari.

  Esteri

 Esteri aiva ani? Aiva muJudha akasarudzwa namambo wePezhiya ainzi Ahashivheroshi kuti ave mudzimai wake.

 Zvii zvaakaita? Mambokadzi Esteri akashandisa simba rake kuti adzivirire vanhu verudzi rwake kuti vasaurayiwa. Akaziva nezvemurayiro wakanga wapiwa namambo wekuti vaJudha vese vaiva munharaunda yaitongwa nePezhiya vaurayiwe pazuva rakanga rataurwa. Zano iri rakaipa rakanga rarongwa nemurume ainzi Hamani, uyo aiva nechinzvimbo chepamusoro kupfuura mamwe machinda amambo. (Esteri 3:13-15; 4:1, 5) Achibatsirwa nehanzvadzi yake Modhekai, uku achiisa upenyu hwake pangozi, Esteri akafumura zano iri kumurume wake Ahashivheroshi. (Esteri 4:10-16; 7:1-10) Ahashivheroshi akabva azobvumira Esteri naModhekai kupa mumwe murayiro waibvumira vaJudha kuzvidzivirira. VaJudha vakakunda vavengi vavo zvine mutsindo.—Esteri 8:5-11; 9:16, 17.

 Tingadzidzei kuna Esteri? Mambokadzi Esteri akaratidza muenzaniso wakanaka wekuva neushingi, kuzvininipisa, uye kuva nemwero. (Pisarema 31:24; VaFiripi 2:3) Kunyange zvazvo akanga akanaka uye aine chinzvimbo chepamusoro, akabvunza mazano kune vamwe uye akakumbira kubatsirwa. Paaitaura nemurume wake aitsvaga mashoko akakodzera, achiataura neruremekedzo neushingi. Upenyu hwevaJudha pahwaiva pangozi, akaratidza ushingi nekubuda pachena kuti naiyewo aiva muJudha.

  Evha

 Evha aiva ani? Ndiye aiva mukadzi wekutanga pavakadzi vese uye ndiye mukadzi anotanga kutaurwa muBhaibheri.

 Zvii zvaakaita? Evha akatyora murayiro waMwari wakajeka. Sezvakanga zvakangoitawo murume wake Adhamu, Evha akasikwa asina chivi, aine rusununguko rwekusarudza zvaanoda uye achigona kuva neunhu hwakaita sehwaMwari, hwakadai serudo neuchenjeri. (Genesisi 1:27) Evha aizviziva kuti Mwari akanga audza Adhamu kuti kana vakadya michero yemumwe muti vaizofa. Asi akanyengerwa kuti afunge kuti aisazofa. Satani akaita kuti afunge kuti zvinhu zvaizomufambira kana akarega kuteerera Mwari. Saka akadya muchero uya ndokubva azofurira murume wake akadyawo.—Genesisi 3:1-6; 1 Timoti 2:14.

 Tingadzidzei kuna Evha? Zvakaitwa naEvha zvinotiyambira kuti kuramba tichifunga zvinhu zvakaipa kunotipinza muna taisireva. Akava nechido chakasimba chekutora zvinhu zvakanga zvisiri zvake achiita zvaipesana nemutemo waMwari wakajeka.—Genesisi 3:6; 1 Johani 2:16.

  Hana

 Hana aiva ani? Aiva mudzimai waErikana uye amai vaSamueri, uyo akazova muprofita aizivikanwa chaizvo munyika yeIsraeri.—1 Samueri 1:1, 2, 4-7.

 Zvii zvaakaita? Paakanga asina mwana, Hana akateterera kuna Mwari kuti amubatsire. Murume waHana aiva nemadzimai maviri. Mumwe mudzimai wake, Penina, aiva nevana, asi Hana akagara asina mwana kwenguva refu. Penina aimushungurudza, asi Hana akanyengetera kuna Mwari kuti amunyaradze. Akapika kuna Mwari achiti kana Mwari akamupa mwana mukomana, aizomupa mwana wacho kuburikidza nekuita kuti amushumire patebhenekeri, kureva tende raitakurika uye raishandiswa nevaIsraeri pakunamata.—1 Samueri 1:11.

 Mwari akapindura munyengetero waHana, ndokubva abereka Samueri. Hana akaita zvaakanga apika, saka akaendesa Samueri achiri kakomana kadiki kuti anoshumira patebhenekeri. (1 Samueri 1:27, 28) Gore rega rega aimugadzirira nguo isina maoko omuendesera. Nekufamba kwenguva, Mwari akakomborera Hana nekumupa vamwe vana 5, vakomana vatatu nevasikana vaviri.—1 Samueri 2:18-21.

 Tingadzidzei kuna Hana? Munyengetero waHana waibva pamwoyo wakamubatsira kutsungirira matambudziko. Munyengetero wake wekuonga wakanyorwa pana 1 Samueri 2:1-10 unoratidza pachena kutenda kwake kwakasimba muna Mwari.

  •  Kuti unzwe zvimwe nezvaHana, ona nyaya inoti, “Akanyengetera Kuna Mwari Achidurura Mwoyo Wake.”

  •  Kutsanangurwa kwenyaya yekuti sei Mwari aibvumira barika pakati pevanhu vake kare, kuri munyaya inoti “Mwari Anobvumira Barika Here?

  Jaeri

 Jaeri aiva ani? Aiva mudzimai waHebheri, uyo aisava muIsraeri. Jaeri akatsigira vanhu vaMwari neushingi.

 Zvii zvaakaita? Jaeri akaratidza divi raaitsigira pakauya mukuru weuto revaKenani, Sisera, mutende rake. Sisera akanga akundwa muhondo nevaIsraeri saka akanga ava kutsvaga pekuhwanda. Jaeri akamuti ahwande mutende rake azorore. Sisera paakanga akarara, Jaeri akabva amuuraya.—Vatongi 4:17-21.

 Zvakaitwa naJaeri zvakazadzisa uprofita hwakataurwa naDhibhora hwekuti: “Jehovha achaisa Sisera muruoko rwemukadzi.” (Vatongi 4:9) Jaeri akarumbidzwa nezvaakaita achinzi “akakomborerwa kupfuura vamwe vakadzi.”—Vatongi 5:24.

 Tingadzidzei kuna Jaeri? Jaeri akakurumidza kufunga zvekuita uye akaratidza ushingi. Zvaakaita zvinoratidza kuti Jehovha anogona kuchinja zvinhu kuti uprofita huzadzike.

  Jezebheri

 Jezebheri aiva ani? Aiva mudzimai wamambo weIsraeri ainzi Ahabhi. Akanga asiri muIsraeri uye aisanamata Jehovha. Ainamata mwari wevaKenani ainzi Bhaari.

 Zvii zvaakaita? Mambokadzi Jezebheri aiva nesimba, neutsinye, uye aida zvemhirizhonga. Aitsigira kunamata Bhaari uye upombwe hwaiitwa pakumunamata. Aiedzawo kurambidza vanhu kunamata Mwari wechokwadi, Jehovha.—1 Madzimambo 18:4, 13; 19:1-3.

 Jezebheri ainyepa uye aiuraya vanhu kuti awane zvaaida. (1 Madzimambo 21:8-16) Sekutaurwa kwazvakanga zvaitwa naMwari, akafa zvinorwadza uye haana kuvigwa.—1 Madzimambo 21:23; 2 Madzimambo 9:10, 32-37.

 Tingadzidzei kuna Jezebheri? Zvakaitwa naJezebheri zvinotipa yambiro. Aiva netsika dzakaipa uye aiita zvese zvaaigona kuti awane zvaaida, zvekuti zita rake rava chiratidzo chemukadzi asinganyare nezvakaipa zvaanoita, anoita unzenza, uye asingaremekedzi vane masimba.

  Reya

 Reya aiva ani? Aiva mudzimai wekutanga waJakobho. Munin’ina wake Rakeri, ndiye aiva mudzimai wechipiri waJakobho.—Genesisi 29:20-29.

 Zvii zvaakaita? Reya ndiye akabereka vanakomana 6 vaJakobho. (Rute 4:11) Jakobho aida kuroora Rakeri kwete Reya. Asi baba vevasikana ava vakaronga kuti Reya aroorwe panzvimbo yaRakeri. Jakobho paakazviziva kuti akanga anyengerwa kuti aroore Reya, akataura naRabhani nezvazvo. Rabhani akati patsika dzavo zvaisaita kuti munin’ina atangire mukoma kuroorwa. Kwapera vhiki, Jakobho akazoroora Rakeri.—Genesisi 29:26-28.

 Jakobho aida Rakeri kupfuura Reya. (Genesisi 29:30) Saka godo raiita kuti Reya akwikwidzane nemunin’ina wake kuti adiwe naJakobho. Mwari akaona kurwadziwa kwaiita Reya achibva amukomborera nevana 7, vakomana 6 nemusikana mumwe chete.—Genesisi 29:31.

 Tingadzidzei kuna Reya? Reya ainyengetera kuratidza kuti aivimba naMwari uye haana kurega matambudziko emumhuri achimuita kuti atadze kuona kuti Mwari anogona kumutsigira. (Genesisi 29:32-35; 30:20) Nyaya yeupenyu hwake inoratidza pachena kuti barika haribudirire, kunyange zvazvo Mwari akasiya ririko kwekanguva. Zvaanoda chaizvo muwanano ndezvekuti murume ave nemukadzi mumwe chete uye mukadzi ave nemurume mumwe chete.—Mateu 19:4-6

  Marita

 Marita aiva ani? Aiva hanzvadzi yaRazaro uye mukoma waMariya. Vaigara pedyo neJerusarema mumusha weBhetani vari vatatu.

 Zvii zvaakaita? Marita aiva shamwari yepedyo yaJesu. Jesu “aida Marita nemunin’ina wake naRazaro.” (Johani 11:5) Marita aiva mukadzi anogamuchira vaeni. Pane imwe nguva Jesu ashanya, Mariya akasarudza kuteerera Jesu Marita achiita mabasa epamba. Marita akanyunyuta kuna Jesu kuti Mariya akanga asiri kumubatsira. Jesu akaruramisa maonero aMarita neunyoro.—Ruka 10:38-42.

 Razaro paakarwara, Marita nemunin’ina wake vakakumbira Jesu kuti auye vaine chivimbo chekuti aizorapa hanzvadzi yavo. (Johani 11:3, 21) Asi Razaro akabva afa. Kutaura kwakaita Marita naJesu kunoratidza kuti Marita aiva nechokwadi nevimbiso iri muBhaibheri yekuti kuchava nerumuko uye kuti Jesu aiva nesimba rekumutsa hanzvadzi yake.—Johani 11:20-27.

 Tingadzidzei kuna Marita? Marita aishanda nesimba kuti agamuchire vaeni. Aibvuma kutsiurwa. Aibudisa pachena zvaiva pamwoyo pake uye zvaaitenda.

  •  Kuti unzwe zvimwe nezvaMarita, ona nyaya inoti, “Ndakatenda.”

  Mariya (amai vaJesu)

 Mariya aiva ani? Aiva mhandara yechiJudha, uye akanga asati amborara nemurume panguva yaakabereka Jesu. Nechishamiso, akava nepamuviri ndokuzobereka mwanakomana waMwari.

 Zvii zvaakaita? Mariya akaita kuda kwaMwari achizvininipisa. Akanga avimbiswa kuroorwa naJosefa, ngirozi payakauya kwaari ichimuudza kuti aizova nepamuviri obereka Mesiya uyo akanga ava nenguva refu akamirirwa. (Ruka 1:26-33) Akabvuma basa iri nemwoyo wese. Pashure pekunge Jesu aberekwa, Mariya naJosefa vakazova nevanakomana 4 nevanasikana vaviri kana kupfuura. Saka Mariya haana kuramba ari mhandara. (Mateu 13:55, 56) Mariya akawana ropafadzo isina kumbowanikwa naani zvake. Asi haana kumbozvitsvagira mukurumbira uye haana kumbobatwa semunhu anokosha Jesu paaiva panyika pano kunyange muungano yekutanga yechiKristu.

 Tingadzidzei kuna Mariya? Mariya aiva mukadzi akatendeka, akagamuchira nemwoyo wese basa rinokosha. Aiziva chaizvo Magwaro. Zvinonzi paakataura mashoko ari pana Ruka 1:46-55 akatora mashoko ari mune mamwe Magwaro kanenge ka20.

  •  Kuti unzwe zvimwe nezvaMariya, ona nyaya inoti, “Zvatingadzidza Kuna Mariya.”

  Mariya (munin’ina waMarita uye hanzvadzi yaRazaro)

 Mariya aiva ani? Mariya nehanzvadzi yake Razaro, pamwe chete nemukoma wake Marita, vaiva shamwari dzepedyo dzaJesu.

 Zvii zvaakaita? Mariya akaratidza kakawanda kuti aikoshesa chaizvo Jesu seMwanakomana waMwari. Akataura mashoko anoratidza kuti aitenda kuti Jesu aigona kunge akaita kuti Razaro asafa, uye aivapo Jesu paakamumutsa. Marita akashora Mariya nekuti akasarudza kuteerera Jesu pane kuti amubatsire basa. Asi Jesu akarumbidza Mariya nekukoshesa kwaakaita zvinhu zvekunamata kupfuura zvimwe zvese.—Ruka 10:38-42.

 Pane imwe nguva, Mariya akaratidza rupo rwakakura kuna Jesu nekudira “mafuta anonhuhwirira, anodhura kwazvo” mumusoro uye patsoka dzake. (Mateu 26:6, 7) Vamwe vaivapo vakati akanga apambadza mafuta acho. Asi Jesu akamutsigira achiti: “Kwese kuchaparidzwa mashoko aya akanaka [eUmambo] munyika yese, zvaitwa nemukadzi uyu zvichataurwawo achiyeukwa.”—Mateu 24:14; 26:8-13.

 Tingadzidzei kuna Mariya? Mariya aiva nekutenda kwakasimba. Aikoshesa kunamata Mwari kupfuura zvinhu zvenyama. Achizvininipisa, akaremekedza Jesu, kunyange pazvaida kuti arasikirwe nemari yakawanda.

  Mariya Magadharini

 Mariya Magadharini aiva ani? Aiva mudzidzi waJesu akavimbika.

 Zvii zvaakaita? Mariya Magadharini aiva mumwe wevakadzi vaifamba naJesu nevateveri vake. Nerupo, akashandisa mari yake kuti vawane zvavaida. (Ruka 8:1-3) Akafamba naJesu kusvika pakaperera ushumiri hwake, uye akaramba ari pedyo pakaurayiwa Jesu. Akava neropafadzo yekuva mumwe wevanhu vakatanga kuona Jesu paakamutswa.—Johani 20:11-18.

 Tingadzidzei kuna Mariya? Mariya Magadharini akaratidza rupo pakutsigira ushumiri hwaJesu uye akaramba ari mudzidzi aizvipira.

  Miriyemu

 Miriyemu aiva ani? Aiva hanzvadzi yaMozisi naAroni. Ndiye mukadzi wekutanga anotaurwa muBhaibheri achinzi muprofitakadzi.

 Zvii zvaakaita? Semuprofitakadzi, aiva nebasa rekuudza vamwe zvainge zvataurwa naMwari. Aiva nenzvimbo yaikosha murudzi rwevaIsraeri uye akaimba pamwe chete nevarume rwiyo rwekukunda pashure pekunge uto revaIjipiti raparadzwa muGungwa Dzvuku.—Eksodho 15:1, 20, 21.

 Pane imwe nguva, Miriyemu naAroni vakatsoropodza Mozisi. Zviri pachena kuti zvakakonzerwa nekudada negodo. Mwari “akanga akateerera,” uye akatsiura zvakasimba Miriyemu naAroni. (Numeri 12:1-9) Mwari akabva arova Miriyemu nemaperembudzi, zvimwe nekuti ndiye akanga atanga kutsoropodza Mozisi. Mozisi paakateterera kuna Mwari achimumiririra, Mwari akamuporesa. Akazobvumirwa kupinda mumusasa maiva nevamwe vaIsraeri pashure pemazuva 7 ari kwake ega.—Numeri 12:10-15.

 Bhaibheri rinoratidza kuti Miriyemu akabvuma kutsiurwa. Papera mazana emakore, Mwari akataura nezveropafadzo yake yaikosha paakayeuchidza vaIsraeri kuti: “Ndakatuma Mozisi, naAroni, naMiriyemu kwamuri.”—Mika 6:4.

 Tingadzidzei kuna Miriyemu? Nyaya yaMiriyemu inoratidza kuti Mwari anoteerera zvinotaurwa nevanamati vake kune vamwe vanamati kana kuti pamusoro pevamwe. Tinodzidzawo kuti kana tichida kufadza Mwari, hatifaniri kudada kana kuva negodo, unhu hungazoita kuti titaure zvinosvibisa zita remumwe munhu.

  Rakeri

 Rakeri aiva ani? Aiva mwanasikana waRabhani uye mudzimai waJakobho waainyanya kuda.

 Zvii zvaakaita? Rakeri akaroorwa naJakobho uye akamuberekera vanakomana vaviri, avo vakava nemhuri dzakazova mamwe emadzinza 12 aIsraeri. Rakeri akasangana naJakobho paaifudza makwai ababa vake. (Genesisi 29:9, 10) Akanga “akanaka kwazvo” kana achienzaniswa nemukoma wake Reya.—Genesisi 29:17.

 Jakobho akada Rakeri, ndokubvuma kushanda makore 7 kuti amuroore. (Genesisi 29:18) Asi Rabhani akamunyengera kuti atange aroora Reya. Zvadaro, Rabhani akazobvumira Jakobho kuroora Rakeri.—Genesisi 29:25-27.

 Jakobho aida Rakeri nevanakomana vake vaviri kupfuura madiro aaiita Reya nevana vake. (Genesisi 37:3; 44:20, 27-29) Izvi zvakaita kuti vakadzi vaviri ava vasawirirane.—Genesisi 29:30; 30:1, 15.

 Tingadzidzei kuna Rakeri? Rakeri akatsungirira matambudziko emumhuri asingarasi tariro kuti Mwari aizonzwa minyengetero yake. (Genesisi 30:22-24) Nyaya yake inoratidza kuti barika rinoita kuti zvinhu zviomere mhuri. Zvakasangana naRakeri zvinoratidza uchenjeri hwemarongerwe akanga aitwa wanano naMwari, ekuti murume ave nemudzimai mumwe chete.—Mateu 19:4-6.

  Rakabhi

 Rakabhi aiva ani? Aiva pfambi yaigara muguta revaKenani rainzi Jeriko, uye akazova munamati waJehovha Mwari.

 Zvii zvaakaita? Rakabhi akaviga varume vaviri vechiIsraeri vakanga vachisora nyika. Akaita izvi nekuti akanga anzwa zvakaitwa naMwari wevaIsraeri, Jehovha, paakanunura vanhu vake muIjipiti uye pavakarwiswa nerudzi rwevaAmori.

 Rakabhi akabatsira vasori vacho ndokuvateterera kuti iye nevemhuri yake vasaurayiwe vaIsraeri pavaizouya kuzoparadza Jeriko. Vakabvuma, asi pane zvaifanira kuitwa naRakabhi. Aisafanira kutaura zvavainge vafambira; iye nemhuri yake vaifanira kuramba vari mumba vaIsraeri pavaizorwisa, uye aifanira kurembedza tambo tsvuku pahwindo rake kuti imba yake ioneke kuti ndeipi. Rakabhi akateerera zvese, uye iye nemhuri yake vakapona vaIsraeri pavakakunda guta reJericho.

 Rakabhi akazoroorwa nemuIsraeri uye akazova mbuya vaMambo Dhavhidhi uye Jesu Kristu.—Joshua 2:1-24; 6:25; Mateu 1:5, 6, 16.

 Tingadzidzei kuna Rakabhi? Bhaibheri rinotaura nezvaRakabhi semuenzaniso unoshamisa wekutenda. (VaHebheru 11:30, 31; Jakobho 2:25) Nhoroondo yake inoratidza kuti Mwari anokanganwira uye haasaruri. Anokomborera vanovimba naye, pasinei nekwavanobva.

  Ribheka

 Ribheka aiva ani? Aiva mudzimai waIsaka uye amai vemapatya, Jakobho naIsau.

 Zvii zvaakaita? Ribheka akaita zvaidiwa naMwari, kunyange pazvakanga zvakaoma. Paaichera mvura mutsime, mumwe murume akamukumbira mvura yekunwa. Ribheka akakurumidza kumupa ndokubva atoti aidawo kupa ngamera dzemurume wacho mvura. (Genesisi 24:15-20) Murume uyu aiva muranda waAbrahamu akanga abva kure kure achiuya kuzotsvagira mwanakomana waAbrahamu, Isaka, mudzimai. (Genesisi 24:2-4) Akanyengetera kuti Mwari amukomborere. Paakaona kushanda nesimba kwaiita Ribheka uye zvakanaka zvaakamuitira, akabva aziva kuti Mwari akanga apindura munyengetero wake, ndiye waakanga asarudza.—Genesisi 24:10-14, 21, 27.

 Ribheka paakaziva zvakanga zvafambirwa nemuranda uyu, akabvuma kuenda naye kuti anova mudzimai waIsaka. (Genesisi 24:57-59) Ribheka akazobereka vanakomana vaviri vakanga vari mapatya. Mwari akanga amuudza kuti mukomana mukuru Isau, aizoshumira mudiki, Jakobho. (Genesisi 25:23) Isaka paakaronga kupa Isau chikomborero chaipiwa dangwe, Ribheka akava nechokwadi chekuti chikomborero ichocho chaenda kuna Jakobho, nekuti aiziva kuti izvi ndizvo zvaienderana nekuda kwaMwari.—Genesisi 27:1-17.

 Tingadzidzei kuna Ribheka? Ribheka aiva munhu ane mwero, aishanda nesimba, uye aiitira vamwe zvakanaka. Unhu ihwohwo hwakaita kuti ave mudzimai uye amai vakanaka, uye kuti ave munamati waMwari wechokwadi.

  •  Kuti unzwe zvimwe nezvaRibheka ona nyaya inoti, “Ndinoda Kuenda.”

  Rute

 Rute aiva ani? Aiva mudzimai wechiMoabhi akasiya vanamwari vake nenyika yake kuti ave munamati waJehovha munyika yeIsraeri.

 Zvii zvaakaita? Rute akaratidza rudo rwakakura kuna vamwene vake Naomi. Naomi nemurume wake nevanakomana vavo vaviri vakanga vatamira kuMoabhi nekuti muIsraeri makanga muine nzara. Vanakomana vacho vakazoroora madzimai echiMoabhi, Rute naOpa. Asi pava paya, murume waNaomi nevanakomana vake vaviri vakabva vafa ndokusiya chirikadzi nhatu.

 Naomi akasarudza kudzokera kuIsraeri, uko kwakanga kusisina nzara. Rute naOpa vakafunga kuenda naye. Asi Naomi akavakumbira kuti vadzokere kuhama dzavo. Opa akadzokera. (Rute 1:1-6, 15) Asi Rute akaramba aina vamwene vake. Aida Naomi uye aida kunamata Mwari waNaomi, Jehovha.—Rute 1:16, 17; 2:11.

 Mutaundi rekumusha kwaNaomi reBhetrehema, Rute akazviwanira zita rakanaka nekuti akanga ava kuzivikanwa semuroora anoshanda nesimba, akazvipira. Bhoazi uyo aiva muridzi wemumwe munda uye aiva mupfumi, akafarira Rute achibva amupa zvekudya zvakawanda, zvake navamwene vake. (Rute 2:5-7, 20) Rute akazoroorwa naBhoazi akava mbuya vaMambo Dhavhidhi naJesu Kristu.—Mateu 1:5, 6, 16.

 Tingadzidzei kuna Rute? Kuda kwaaiita Naomi uye Jehovha, kwakaita kuti asiye nyika yake nemhuri. Aishanda nesimba, aizvipira, ainge akavimbika kunyange mumatambudziko.

  Sara

 Sara aiva ani? Aiva mudzimai waAbrahamu naamai vaIsaka.

 Zvii zvaakaita? Sara akasiya upenyu hwakanaka muguta rakabudirira reUri nekuti aitenda kuti zvakavimbiswa murume wake naMwari zvaiva zvechokwadi. Mwari akaudza Abrahamu kuti abve muUri oenda kunyika yeKenani. Akavimbisa kumukomborera nekumuita rudzi rukuru. (Genesisi 12:1-5) Sara angangodaro aiva nemakore ekuma60 panguva iyoyo. Vakabva vatanga kurarama upenyu hwekutama-tama vachigara mumatende.

 Kunyange zvazvo upenyu uhwu hwaiva nenjodzi kuna Sara, akatsigira Abrahamu sezvaaiteerera zvaaiudzwa naMwari. (Genesisi 12:10, 15) Kwemakore akawanda, Sara akanga asina mwana, saka izvi zvaimushungurudza. Asi Mwari akanga avimbisa Abrahamu kuti aizokomborera vana vake. (Genesisi 12:7; 13:15; 15:18; 16:1, 2, 15) Nekufamba kwenguva, Mwari akavimbisa kuti Sara aizova nemwana. Akazobereka mwana uya atopfuura nekure zera rekuti abereke. Akanga ava nemakore 90, murume wake aine 100. (Genesisi 17:17; 21:2-5) Vakapa mwana wacho zita rekuti Isaka.

 Tingadzidzei kuna Sara? Zvakaitwa naSara zvinotidzidzisa kuti tinogona kuva nechokwadi kuti Mwari anoita zvaanenge avimbisa, kunyange zviya zvatinofunga kuti hazviiti! (VaHebheru 11:11) Muenzaniso wake semudzimai unobudisa pachena kukosha kweruremekedzo muwanano.—1 Petro 3:5, 6.

  Musikana wekuShurami

 Musikana wekuShurami aiva ani? Aiva musikana wekumusha uye akanga akanaka. Ndiye anonyanya kutaurwa nezvake mubhuku reBhaibheri rinonzi Rwiyo rwaSoromoni asi zita rake haritaurwi.

 Zvii zvaakaita? Musikana wekuShurami akaramba akavimbika kumukomana waaida uyo aiva mufudzi. (Rwiyo rwaSoromoni 2:16) Akanga akanaka zvekuti Mambo Soromoni akamuona, ndokubva atanga kumupfimba. (Rwiyo rwaSoromoni 7:6) Kunyange zvazvo vamwe vakamukurudzira kuti ade Soromoni, musikana wekuShurami akaramba. Aida mukomana murombo, aiva mufudzi uye akaramba akavimbika kwaari.—Rwiyo rwaSoromoni 3:5; 7:10; 8:6.

 Tingadzidzei kumusikana wekuShurami? Aisazvionera pamusoro uye akaramba akadaro kunyange zvazvo akanga akanaka zvekuti vanhu vakawanda vaimuyemura. Haana kubvuma kunyengerwa nevanhu kuti ade munhu waakanga asingadi, kana kutorwa mwoyo neupfumi kana mbiri. Akadzora manzwiro ake uye akaramba aine tsika dzakachena.

  Mudzimai waRoti

 Mudzimai waRoti aiva ani? Bhaibheri haritauri zita rake. Asi rinotiudza kuti aiva nevanasikana vaviri uye iye nemhuri yake vaigara muguta reSodhomu.—Genesisi 19:1, 15.

 Zvii zvaakaita? Haana kuteerera murayiro waMwari. Mwari aida kuparadza Sodhomu nemaguta ainge akapoteredza nemhaka yeunzenza hwakaipisisa hwaiitwamo. Nemhaka yekuti Mwari aida murume akanga akarurama Roti, nemhuri yake, avo vaigara muSodhomu akatuma ngirozi mbiri kuti dzivaendese kwakachengeteka.—Genesisi 18:20; 19:1, 12, 13.

 Ngirozi dzakaudza mhuri yaRoti kuti vatize uye kuti vasacheuke kuti vasafa. (Genesisi 19:17) Mudzimai waRoti “akatanga kucheuka akabva ava shongwe yemunyu.”—Genesisi 19:26.

 Tingadzidzei kumudzimai waRoti? Nyaya yake inoratidza zvakaipira kuti munhu ade zvinhu zvenyika zvekuti anotadza kuteerera Mwari. Jesu akataura nezvake seyambiro kwatiri. Akati: “Yeukai mudzimai waRoti.”—Ruka 17:32.

 Nguva dzakararama vakadzi vanotaurwa muBhaibheri

  1.  Evha

  2. Mafashamo (2370 B.C.E.)

    1.  Sara

    2.  Mudzimai waRoti

    3.  Ribheka

    4.  Reya

    5.  Rakeri

  3. Kubuda muIjipiti (1513 B.C.E.)

    1.  Miriyemu

    2.  Rakabhi

    3.  Rute

    4.  Dhibhora

    5.  Jaeri

    6.  Dherira

    7.  Hana

  4. Mambo weIsraeri wekutanga (1117 B.C.E.)

    1.  Abhigairi

    2.  Musikana wekuShurami

    3.  Jezebheri

    4.  Esteri

    5.  Mariya (amai vaJesu)

  5. Jesu anobhabhatidzwa (29 C.E.)

    1.  Marita

    2.  Mariya (munin’ina waMarita uye hanzvadzi yaRazaro)

    3.  Mariya Magadharini

  6. Rufu rwaJesu (33 C.E.)