Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinoti Chii nezveIsita?

Bhaibheri Rinoti Chii nezveIsita?

Mhinduro yeBhaibheri

 Kupemberera kunoitwa nevanhu Isita hakutsigirwi neBhaibheri. Asi kana ukanyatsotarisa kwayatangira, unogona kunzwisisa kuti chii chinonzi Isita. Imhemberero yakatangira pamitambo yaiitwa kare ine chokuita nokuzvara. Ona zvinotevera.

  1.   Zita rokuti Isita: Bhuku rinonzi Encyclopædia Britannica rinoti: “Zita reChirungu rokuti Easter harinyatsozivikanwa kuti rakabva kupi; mupristi werudzi rwechiAnglo-Saxon ainzi Venerable Bede ndiye akatora zita racho kubva pana mwarikadzi wavo wechirimo ainzi Eostre mumakore okuma700.” Mamwe mabhuku anoti zita racho rakabva pazita rokuti Astarte, mwarikadzi wokuzvara wechiFenikiya uyo aiva nomumwe wake aiva kuBhabhironi ainzi Ishtar.

  2.   Tsuro: Tsuro dzinoshandiswa sechiratidzo chokuzvara uye “zvakatangira pamitambo yechihedheni yaiitwa panguva yechirimo kuEurope nekuMiddle East.”​—Encyclopædia Britannica.

  3.   Mazai: Kuenderana neduramazwi rinonzi Funk & Wagnalls Standard Dictionary of Folklore, Mythology and Legend, vanhu vaitsvaka mazai epaIsita ayo ainzi ainge aunzwa netsuro yepaIsita, uye kuita izvi “yakanga ichitova tsika inokosha ine chokuita nekuzvara.” Mune dzimwe tsika zvaifungidzirwa kuti zai raiva rakashongedzwa repaIsita “raiva nemasimba okuunza mufaro, budiriro, utano, uye dziviriro.”—Traditional Festivals.

  4.   Mbatya itsva dzokupfeka paIsita: “Zvaionekwa sokusaremekedza uye kuti zvainzi zvaiunza munyama kuchingamidza mwarikadzi wechirimo wokuScandinavia kana kuti Eastre, munhu akapfeka mbatya tsaru.”—The Giant Book of Superstitions.

  5.   Mitambo yokupemberera kudzoka kwezuva: Mitambo iyi yakanga yakabatana nekunamata zuva kwaiitwa kare apo “vanhu vaipemberera kuti chando chapera uye zuva rava kudzoka iro raiva nesimba rokukudza zvinhu zvinorarama.”—Celebrations—The Complete Book of American Holidays.

 Bhuku rinonzi The American Book of Days rinonyatsotsanangura kutanga kwakaita Isita richiti: “Zviri pachena kuti vanhu vechechi vepakutanga-tanga vakatora tsika dzekare dzechihedheni vakadziita dzechiKristu.”

 Bhaibheri rinoti Mwari haadi vanhu vanomunamata vachishandisa tsika dzisingamufadzi. (Mako 7:6-8) Pana 2 VaKorinde 6:17 panoti: “‘Zviparadzanisei,’ anodaro Jehovha, ‘musabata chinhu chisina kuchena.’” Isita imhemberero yechihedheni uye vanhu vanoda kufadza Mwari havafaniri kuipemberera.