Enda pane zvauri kuda

Dhiyabhorosi Anogarepi?

Dhiyabhorosi Anogarepi?

Mhinduro yeBhaibheri

 Sezvo ane muviri usiri wenyama haaoneki. Asi hazvirevi kuti anogara mugomba remoto maanenge achipisa vanhu sezviri kuratidzwa pamufananidzo uri munyaya ino.

‘Hondo kudenga’

 Kwekanguva, Satani Dhiyabhorosi aikwanisa kufamba pamadiro kudenga kusanganisira kuendawo pamberi paMwari pamwe chete nedzimwe ngirozi dzakatendeka. (Jobho 1:6) Asi Bhaibheri rakagara rataura kuti kwaizova ‘nehondo kudenga’ yaizoita kuti Satani adzingwe kudenga ‘okandirwa panyika.’ (Zvakazarurwa 12:7-9, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Nhoroondo yezviitiko zvinotaurwa muBhaibheri uye zviitiko zvenyika, zvose zviri zviviri zvinoratidza kuti hondo iyi yakatoitika. Iye zvino Dhiyabhorosi ari pano panyika haachakwanisi kudzokera kudenga.

 Saka zvinoreva here kuti Dhiyabhorosi ane nzvimbo yake yaanogara panyika? Somuenzaniso, guta rekare rePegamo rainzi “chigaro choumambo chaSatani” uye “kuri kugara Satani.” (Zvakazarurwa 2:13) Kutaura zvazviri, mashoko aya anoratidza kudzika midzi kwaiva kwakaita kunamata Satani munzvimbo iyoyo. Bhaibheri rinoti Dhiyabhorosi anotonga “umambo hwose hwenyika inogarwa,” kuratidza kuti haana nzvimbo imwe chete yaanogara panyika.—Ruka 4:5, 6.