Enda pane zvauri kuda

Zvakanaka Here Kuti vaKristu Vashandise Zvokuzvidzivirira Kubata Pamuviri?

Zvakanaka Here Kuti vaKristu Vashandise Zvokuzvidzivirira Kubata Pamuviri?

Mhinduro yeBhaibheri

 Jesu haana kurayira vateveri vake kuti vave nevana kana kuti vasava navo. Pavadzidzi vaJesu hapana kana mumwe chete akambopa murayiro panyaya iyi. MuBhaibheri hapana panoratidza kuti zvakaipa kushandisa nzira dzokuzvidzivirira nadzo kubata pamuviri. Panyaya iyi, zano riri pana VaRoma 14:​12 rinoshanda iro rinoti: “Mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.”

 Vakaroorana vakasununguka kuzvisarudzira kana vachida kuita vana kana kuti kwete. Vachasarudza kuti vanoda vana vangani uye vachavaita riini. Kana murume nomudzimai vakasarudza kushandisa nzira yokuzvidzivirira kubata pamuviri isiri yokubvisa pamuviri, ichocho chisarudzo chavo uye ndivo vachazozvidavirira. Hapana anofanira kuvatonga.​—VaRoma 14:​4, 10-13.