Enda pane zvauri kuda

Ndezvipi Zvikonzero Zviviri Zvinoita Kuti Mwari Asanzwa Mimwe Minyengetero?

Ndezvipi Zvikonzero Zviviri Zvinoita Kuti Mwari Asanzwa Mimwe Minyengetero?

Mhinduro yeBhaibheri

 Pane mimwe minyengetero isingapindurwi naMwari. Ona zvinhu zviviri zvinogona kuita kuti Mwari asanzwa minyengetero yomunhu.

1. Munyengetero wacho unenge usingaenderani nekuda kwaMwari

 Mwari haapinduri zvikumbiro zvinenge zvichipesana nechinangwa chake, kana kuti mitemo yake, yakanyorwa muBhaibheri. (1 Johani 5:​14) Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti tisava nemakaro. Kubheja kunoita kuti munhu ave nemakaro. (1 VaKorinde 6:​9, 10) Saka Mwari haambopinduri munyengetero wako kana ukanyengetera uchida kuhwina rotari. Mwari haasi munhu wokuti unokumbira chero chauri kuda obva akuitira. Dai ari iwo maitiro ake, vanhu vaizogara vakabatira ura mumaoko uchityira kuti vamwe vanhu vanogona kukumbira Mwari kuti uwirwe nematambudziko zvobva zvaitika saizvozvo.​—Jakobho 4:3.

2. Kana munhu ari kunyengetera achipandukira Mwari

 Mwari haateereri minyengetero yevanhu vasingamuteereri nemaune. Somuenzaniso, Mwari akaudza vaya vaiti vanomushumira asi ivo vachimupandukira kuti: “Kunyange mukaita minyengetero mizhinji, handizoteereri; maoko enyu azere neropa.” (Isaya 1:​15) Asi dai vaizochinja mararamiro avo uye vova neukama hwakanaka naMwari, Mwari aigona kuzoteerera minyengetero yavo.​—Isaya 1:18.