Enda pane zvauri kuda

Sei vaJudha Vakaurayiwa nevaNazi? Sei Mwari Asina Kupindira?

Sei vaJudha Vakaurayiwa nevaNazi? Sei Mwari Asina Kupindira?

 Ruzhinji rwevanhu vanobvunza mibvunzo iyi rwakarasikirwa nezvinhu zvakawanda panguva iyoyo, saka kubvunza kwavo mibvunzo iyi hakusi kuti vari kungoda mhinduro chete asi kuti vari kuda kunyaradzwa. Vamwe vanoti kuurayiwa kwakaitwa vaJudha nehurumende yevaNazi kunoratidza utsinye hwakanyanyisa husati hwamboitwa nevanhu uye zvinovaomera kuti vatende muna Mwari.

Nhema dzinowanzotaurwa nevanhu pamusoro paMwari uye kuurayiwa kwevaJudha nehurumende yevaNazi

 Nhema: Zvakaipa kuti munhu ubvunze kuti nei Mwari akasiya vaJudha vachiurayiwa nevaNazi.

 Chokwadi: Vanhu vaiva nekutenda kwakasimba vakabvunza Mwari kuti sei aisiya zvinhu zvakaipa zvichiitika. Somuenzaniso, muprofita Habhakuki akabvunza Mwari kuti: “Sei muchirega zvakaipa zvichingoitwa? Kuparadzwa nokuita nechisimba zviri pamberi pangu; pano kukakavara uye kurwa kuri kuwanda.” (Habhakuki 1:3, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Panzvimbo pokuti Mwari atsiure Habhakuki, akatoita kuti mibvunzo yaakabvunza inyorwe muBhaibheri kuitira kuti munhu wose aiverenge.

 Nhema: Mwari haana basa nekutambura kwevanhu.

 Chokwadi: Mwari anovenga uipi uye matambudziko ahunokonzera. (Zvirevo 6:16-19) Panguva yakararama Noa, Mwari “akarwadziwa mumwoyo make” nemhaka yekurwisana kwakanga kwapararira pasi rose. (Genesisi 6:5, 6) Zviri pachena kuti Mwari akarwadziwawo chaizvo vaJudha pavakaurayiwa nevaNazi.—Maraki 3:6.

 Nhema: Kuurayiwa kwakaitwa vaJudha nevaNazi chakanga chiri chirango chaMwari.

 Chokwadi: Ichokwadi kuti Mwari akabvumira kuti Jerusarema riparadzwe nevaRoma mumakore akatanga chiKristu. (Mateu 23:37-24:2) Kubvira panguva iyoyo Mwari haana rudzi rwumwe chete rwaanoda kupfuura zvaanoita mamwe asi kuti ose akafanana. Mukuona kwaMwari, “hapana musiyano pakati pevaJudha nevanhu vasiri vaJudha.”—VaRoma 10:12, Good News Translation.

 Nhema: Kudai kwaiva naMwari ane rudo uye ane simba guru, angadai akaita kuti vaJudha vasaurayiwa nevaNazi.

 Chokwadi: Kunyange zvazvo Mwari asingakonzeri kutambura, dzimwe nguva anosiya vanhu vachitambura kwekanguva.—Jakobho 1:13; 5:11.

Sei Mwari akasiya vaJudha vachiurayiwa nevaNazi?

 Chikonzero chakaita kuti Mwari arege vanhu vose vachitambura ndicho chikonzero chakaita kuti arege vaJudha vachiurayiwa nevaNazi. Chikonzero chacho ndechokuti pane nyaya dzakaitika kare kare. Bhaibheri rinoratidza pachena kuti Dhiyabhorosi ndiye ari kutonga nyika parizvino kwete Mwari. (Ruka 4:1, 2, 6; Johani 12:31) Kunyange zvazvo imwe nyaya inoenderana nenyaya ino ichinyatsotsanangura kuti sei Mwari achisiya vanhu vachitambura, pane zvikonzero zviviri zviri muBhaibheri zvinogona kutibatsira kunzwisisa kuti sei Mwari akasiya vaJudha vachiurayiwa nevaNazi.

  1.   Ndiani akakonzera kuurayiwa kwevaJudha nevaNazi? . Mwari akaudza vanhu vokutanga, Adhamu naEvha, zvaaivatarisira kuti vaite, asi haana kuvamanikidza kuti vamuteerere. Vakazvisarudzira voga zvavaida kuita, uye chisarudzo chavo chakaipa chavakaita nezvimwe zvisarudzo zvakaipa zviri kuitwa nevanhu ndizvo zviri kukonzera nhamo nematambudziko kuvanhu. (Genesisi 2:17; 3:6; VaRoma 5:12) Bhuku rinonzi Statement of Principles of Conservative Judaism rinotsigira pfungwa iyi richiti: “Kutambura kwakanyanya kwatinoita kunokonzerwa nokutadza kushandisa zvakanaka chipo chatakapiwa chorusununguko rwokusarudza.” Panzvimbo pokuti Mwari atitorere chipo ichi, akabva atipa mukana wokuti tigadzirise zvinhu pasina iye mukati.

  2.   Mwari ane simba uye achabvisa matambudziko akakonzerwa nokuurayiwa kwakaitwa vaJudha nevaNazi. Mwari anovimbisa kuti achamutsa vanhu vakawanda vakafa kusanganisira vaJudha vakaurayiwa nevaNazi. Vaya vakapukunyuka pakaurayiwa vamwe vavo nevaNazi vanorwadziwa chaizvo pavanoyeuka zvakaitika panguva iyoyo, saka Mwari achabvisawo marwadzo iwayo. (Isaya 65:17; Mabasa 24:15) Madiro anoita Mwari vanhu anoita kuti tive nechokwadi chokuti achazadzisa vimbiso idzi.—Johani 3:16.

 Vanhu vakawanda vakapona pakuurayiwa kwakaitwa vaJudha nevaNazi vakaramba vaine kutenda kwakasimba muna Mwari. Uyewo vakaziva chinangwa choupenyu kuburikidza nekunzwisisa zvikonzero izvo Mwari anobvumira kuti uipi huvepo uye zvaachaita kuhubvisa.