Enda pane zvauri kuda

Chikara Chine Misoro 7 Chinotaurwa Pana Zvakazarurwa Chitsauko 13 Chinomiririrei?

Chikara Chine Misoro 7 Chinotaurwa Pana Zvakazarurwa Chitsauko 13 Chinomiririrei?

Mhinduro yeBhaibheri

 Chikara chine misoro minomwe chinotaurwa pana Zvakazarurwa 13:1 chinomiririra masangano ose ematongerwo enyika.

  •   Chine simba, uye chigaro choumambo, kuratidza kuti chinomiririra zvematongerwo enyika.—Zvakazarurwa 13:2.

  •   Chinotonga “madzinza ose nevanhu nendimi norudzi,” saka chine simba rinodarika rehurumende imwe chete.—Zvakazarurwa 13:7.

  •   Chine zviratidzo zvezvikara zvina zvinorondedzerwa muuprofita hwaDhanieri 7:2-8, zvinosanganisira ingwe, makumbo ebheya, muromo weshumba, uye nyanga gumi. Zvikara zviri muuprofita hwaDhanieri zvinomiririra madzimambo kana kuti hurumende dzenyika, idzo dzinotonga dzichitevedzana. (Dhanieri 7:17, 23) Saka chikara chinotaurwa pana Zvakazarurwa 13 chinomiririra masangano ose ematongerwo enyika.

  •   ‘Chinobuda mugungwa,’ kureva kuti chinobva mumarudzi evanhu akasiyana-siyana asina kubatana ayo anoumba hurumende dzenyika.—Zvakazarurwa 13:1; Isaya 17:12, 13.

  •   Bhaibheri rinotaura kuti zita kana kuti nhamba yechikara chacho, 666, “inhamba yomunhu.” (Zvakazarurwa 13:17, 18) Mashoko iwayo anoratidza kuti chikara chinotaurwa pana Zvakazarurwa 13 chinomiririra masangano evanhu, kwete chimwe chinhu chisingaoneki.

 Kunyange zvazvo hurumende dzichibvumirana pane zvinhu zvishoma, dzose hadzo dzakafanana pakuti dzinoda kuramba dzichitonga panzvimbo pokuti dzizviise pasi poUmambo hwaMwari. (Pisarema 2:2) Pahondo yeAmagedhoni hurumende idzi dzichabatanidza mauto adzo kuti dzirwise mauto aMwari ayo achange achitungamirirwa naJesu asi hurumende idzi dzichabva dzaparadzwa zvachose pahondo iyi.—Zvakazarurwa 16:14, 16; 19:19, 20.

 “Nyanga gumi nemisoro minomwe”

 Dzimwe nhamba dzinoshandiswa muBhaibheri dzine zvadzinomiririra: Somuenzaniso gumi uye nomwe dzinomiririra kukwana. Chinhu chinobatsira kuti tinzwisise zvinorehwa ne“nyanga gumi nemisoro minomwe” zvechikara chinotaurwa pana Zvakazarurwa 13, “mufananidzo wechikara” unozotaurwa pava paya muna Zvakazarurwa, unotaura nezvechikara chitsvuku chine misoro minomwe nenyanga gumi. (Zvakazarurwa 13:1, 14, 15; 17:3) Bhaibheri rinotaura kuti misoro minomwe yechikara chitsvuku ichi inomirira “madzimambo manomwe,” kana kuti hurumende.—Zvakazarurwa 17:9, 10.

 Misoro minomwe yechikara chinotaurwa pana Zvakazarurwa 13:1 inomiririra hurumende nomwe: hurumende dzaiva nesimba kudarika dzimwe uye dzakanyanya kutambudza vanhu vaMwari dzakadai seIjipiti, Asiriya, Bhabhironi, Medhiya nePezhiya, Girisi, Roma, uye Britain neAmerica. Kana tikati nyanga gumi dzinomirira hurumende dzose, duku nehombe, saka korona iri panyanya imwe neimwe inoratidza kuti hurumende imwe neimwe inotonga panguva inenge ichitongawo hurumende inenge iine simba kudarika dzimwe panguva yacho.