Enda pane zvauri kuda

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Kushandisa Maungira Kunoita Chiremwaremwa

Kushandisa Maungira Kunoita Chiremwaremwa

 Zviremwaremwa zvinoona, asi kana hwava usiku zvinoshandisa maungira kuti zvizive zvinenge zvichiitika panzvimbo yazviri. Maungira aya anozvibatsira kuti zvizive kuti chinhu chacho chiri kure zvakadii. Semuenzaniso, zvimwe zviremwaremwa zvinokwanisa kuziva kuti iyi imosikito kana kuti ndechimwewo chipukanana nekunzwa kurova kunenge kuchiita mapapiro azvo.

 Chimbofunga izvi: Zviremwaremwa zvakawanda zvine ruzha rwazvinoita runobuda nemumuromo kana mumhino. Zvinoshandisa nzeve dzazvo dzakakura kuteerera maungira anoitika ruzha rwacho parunorovera pane chimwe chinhu. Maungira aya anoita kuti chiremwaremwa chikwanise kufungidzira zvakaita zvinhu zvinenge zvakachipoteredza. Chinokwanisa kuziva panenge paine chinhu, kukura kwachakaita, uye kuti chiri kure zvakadii, chisingavhiringwi nekuti zvimwe zviremwaremwa zviri kuitawo ruzha.

 Chiremwaremwa chinofanira kunyatsoteerera zvakanaka maungira achinonzwa nekuti kana chikangotadza nepadikidiki kunanga panenge pabva maungira acho, chinogona kurasika pachinenge chakananga nemasendimita 17. Vamwe vanoita zvekutsvakurudza vanoti kashoma kuti izvi zviitike. Imwe ongororo yakaitwa inoratidza kuti kana kuri kunzi chiremwaremwa chapotsa pachiri kuda kuenda chinenge chapotsa nenzara chaiyo!

 Vanoita zvekutsvakurudza vakagadzira tsvimbo inoshandisa maungira kuti ibatsire vanhu vasingaoni kuti vazive zvakavapoteredza uye kuti vasarovere pazvinhu, kusanganisira zvinenge zviri mudenga, zvakadai sebazi remuti. “Chinhu chakatikurudzira zvakanyanya pabasa racho kwaiva kuziva mashandisiro anoita zviremwaremwa maungira kuti zvizive pane zvinhu,” anodaro Brian Hoyle naDean Waters, vamwe vevakagadzira tsvimbo yekufamba nayo inonzi Batcane.

 Unofungei? Zvakangoitika zvega here kuti chiremwaremwa chigone kushandisa maungira?