Enda pane zvauri kuda

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Kudhaivha Kweshiri Inonzi Gannet

Kudhaivha Kweshiri Inonzi Gannet

 Gannet ishiri hombe inodhaivha ichipinda mugungwa nesipidhi inosvika makiromita 190 paawa. Pamusana pesipidhi yakanyanya yainenge inayo, inobva yanoti bvoo mumvura zvine simba chaizvo. Chii chinoita kuti shiri idzi dzisakuvara nekuzvikanda mumvura zvakasimba kudaro kwadzinogara dzichiita?

 Funga izvi: Isati yasvika pamvura, shiri iyi inopetera mapapiro ayo nechekuseri kwayo, yoita shepi yakafanana nemuseve. Pane kakanda kanodzivirira maziso ayo kuti asakuvara uye inozadza mweya pahuro nemuchipfuva kuitira kuti isarwadziwa painorovera.

 Painenge yava pedyo kupinda mumvura, muromo, musoro uye mutsipa wayo unoita shepi yecone. Izvi zvinoita kuti painozvikanda mumvura kakurwadza kacho kakurumidze kupararira mutsandanyama dzese dzemutsipa wayo. Painongopinda mumvura haimbonetseki nekuona zvinhu zvinenge zviri pasi pemvura.

 Shiri iyi inokwanisa kudhaivha mumvura kudzika kusvika papi? Nemhaka yesipidhi yainenge iinayo, inogona kudzika pasi pemvura kwemamita 11 kana kupfuura. Inoshandisa mapapiro ayo kushambira uye inobatsirwa nemakumbo ayo anenge edhadha. Shiri idzi dzakatoonekwa dzichidhaivha dzichidzika mugungwa mamita anopfuura 25. Kana yapedza kudhaivha, shiri yacho inozviregedzera yosimudzwa nemvura kusvika pamusoro, yotangazve kubhururuka.

 Ona zvinoita shiri idzi padzinodhaivha

 Nyanzvi dzesainzi dzakagadzira tumarobot tunopinda mumvura tunobatsira pakutsvaga uye kununura vanenge vawira mumvura. Tumarobot twacho twaitarisirwa kubhururuka, kudhaivha mumvura, tobva twabhururuka zvakare. Asi pavaiongorora kushanda kwetumarobot twacho, kamwe kacho kakapwanyika kakawanda pakairovera mumvura zvine simba. Izvi zvakaita kuti vati marobhoti avainge vagadzira “haakwanisi kudhaivha mumvura sezvinoita magannet.”

 Unofungei? Zvakangoitika zvega here kuti shiri inonzi gannet igone kudhaivha kudaro?